Ipapo Jesu akatizve kwavari, ndinoti kwamuri, “Idi chaizvo ini ndini musuo wehwai. Vose vakanditangira dzaiva mbavha namakororo asi hwai hadzina kuvateerera. Ini ndini musuo. Anopinda napandiri achaponeswa; achapinda nokubuda zvake achiwana mafuro. Mbavha inouya chete kuzoba, nokuzouraya nokuparadza, ini ndakauya kuti vanhu vawane upenyu, uye kuti vawane upenyu huzere. Ini ndini mufudzi wakanaka mufudzi wakanaka anofira hwai dzake. Muronzerwi, asiri mufudzi uye asiri muridzi wehwai akaona mhumhi ichiuya anosiya hwai dziya achitiza, mhumhi inobvuta hwai; dzimwe dzigoti mwanda kupararira. Anotiza nokuti muronzerwi chete uye haana hanya nehwai. Ini ndini mufudzi wakanaka ndinoziva hwai dzangu uye hwai dzangu dzinondizivawo sokundiziva kunoita Baba, iniwo ndinoziva Baba, ndokusaka ndichiparadza upenyu hwangu kuitira hwai. Ndine dzimwe hwai dzisiri dzedanga rino ndinofanira kudziunzawo. Idzo dzichanzwawo izwi rangu saizvozvo kuchava nedanga rimwechete nomufudzi mumwechete. Baba vanondida pamusana pokuti ndinoparadza upenyu hwangu kuti ndizougamuchirazve. Hapana anonditorera, kuhuparadza kwandinoita kutoda kwangu zvangu. Ndinesimba rokuhuparadza uye ndinesimba rokuti ndive noupenyu zvakare. Ndizvo zvandakaudzwa kuti ndiite nababa vangu.” Pakabva pamuka nharo pakati pavaJudha pamusana pamazwi aya. Vazhinji vavo vakati, “Ane mweya wakaipa uye anopenga sei muchimuteerera.” Vamwewo vakati, “Uku hakusi iko kutaura kwomunhu ane Mweya wakaipa. Mweya wakaipa ungazarure maziso ebofu here?” Paiva pazuva rokurangarira zuva guru reChenura kuJerusaremu. Yaiva iri nguva yechando. Jesu aifamba zvake paTemberi muberere raSoromoni. Saka vaJudha vakamuunganira vakamuti, “Unoda kuti timirire kusvikira riniko? Kana uriwe Mesia tiudze pachena.” Jesu akavapindura achiti, “Ndakakutaurirai asi hamutendi mabasa andinoita muzita raBaba vangu anondipupurira. Asi imi hamutendi nokuti hamusi hwai dzangu. Hwai dzangu dzinonzwa izwi rangu, uye ndinodziziva uyewo dzinonditevera. Iniwo ndinodzipa upenyu husingaperi, saizvozvo hadzimbofa dzakaparara. Hakuna angadzibvute mumaoko mangu. Baba vangu vakadzipa kwandiri vakuru kupinda ani zvake uye hapana anogona kudzibvuta mumaoko aBaba. Ini naBaba tiri mumwechete.”
Verenga chikamu Johani 10
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 10:7-30
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo