Johani 10:7-30
Johani 10:7-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo Jesu akatizve kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, ndini mukova wamakwai. Vose vakanditangira vaiva mbavha namakororo, asi makwai haana kuvanzwa. Ndini mukova; ani naani anopinda napandiri achaponeswa. Achapinda agobuda, uye achawana mafuro. Mbavha inongouya kuzoba nokuuraya nokuparadza; ini ndakauya kuti ave noupenyu, uye ave nohwakazara. “Ndini mufudzi akanaka. Mufudzi akanaka anorasira makwai ake upenyu hwake. Mushandi haasi iye mufudzi nomwene wamakwai. Saka paanoona bere richiuya, anosiya makwai obva atiza. Ipapo bere rinobata boka ramakwai uye roaparadzira. Munhu uyu anotiza nokuti mushandi zvake uye haana hanya namakwai. “Ndini mufudzi wamakwai; ndinoziva makwai angu uye makwai angu anondiziva, Baba sezvavanondiziva uye neni ndichiziva Baba, uye ndinorasira makwai angu upenyu hwangu. Ndina mamwe makwai asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuauyisawo. Naiwowo achanzwa inzwi rangu, uye achava boka rimwe nomufudzi mumwe chete. Chinoita kuti Baba vandide ndechokuti ndinorasira makwai angu upenyu hwangu, uye ndichahutorazve. Hakuna munhu angahutora kwandiri, asi ndinohupa pachangu. Ndine simba rokuhurasa uye ndine simba rokuhutorazve. Uyu murayiro ndakaupiwa naBaba.” Ipapo vaJudha vakapesanazve nokuda kwamashoko aya. Vazhinji vavo vakati, “Akabatwa nedhimoni uye anopenga. Seiko muchimuteerera?” Asi vamwe vakati, “Aya haangavi mashoko omunhu ane dhimoni. Ko, dhimoni ringasvinudza meso ousingaoni here?” Ipapo Mutambo woKukumikidzwa kweTemberi paJerusarema wakasvika. Yainge iri nguva yechando, uye Jesu akanga ari mutemberi achifamba mubiravira raSoromoni. VaJudha vakanga vakamukomba, vakati, “Ucharamba uchitinetsa kusvikira riniko? Kana uri Kristu, tiudze pachena.” Jesu akapindura akati, “Ndakakuudzai, asi hamutendi. Zvishamiso zvandinoita muzita raBaba vangu zvinondipupurira, asi hamutendi nokuti hamusi makwai angu. Makwai angu anonzwa inzwi rangu; ini ndinoaziva, uye anonditevera. Ndinoapa upenyu husingaperi, uye haatongofi; hakuna munhu angaabvuta muruoko rwangu. Baba vangu, ivo vakaapa kwandiri, vakuru kuna vose; hakuna munhu angaabvuta muruoko rwaBaba vangu. Ini naBaba tiri vamwe.”
Johani 10:7-30 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jesu akati kwavarizve, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, ndini musuo wamakwai. Vose vakanditangira kuuya, imbavha namakororo, asi makwai haana kuvanzwa. “Ndini musuo kana munhu apinda neni, achaponeswa, achapinda, achabuda, achawana mafuro. Mbavha inongouya, kuti ibe nokuuraya nokuparadza. Ini ndakauya, kuti ave noupenyu, uye ave nohwakawanda. “Ndini mufudzi akanaka; mufudzi akanaka anorasira makwai ake upenyu hwake. Muranda, asati ari mufudzi wamakwai, makwai asati ari ake, anoti kana achiona bere richiuya, anosiya makwai, ndokutiza; bere rinoabvuta, nokuaparadza; anotiza, zvaari muranda; haana hanya namakwai. Ndini mufudzi akanaka, ndinoziva makwai angu, namakwai angu anondiziva ini, Baba sezvavanondiziva, neni ndichiziva baba; ndinorashira makwai angu hupenyu hwangu. Namamwe makwai ndinawo, asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuuya nawowo, achanzwa inzwi rangu; richava boka rimwe, nomufudzi mumwe. “Saka baba vanondida, nokuti ndinorasha upenyu hwangu, ndigohutorazve. Hakuna munhu anganditorera upenyu; asi ndinohurasha ndimene. Ndine simba rokuhurasha, uye ndine simba rokuhutorazve. Uyu murayiro ndakaupiwa nababa vangu.” Ipapo kupesana kukamukazve pakati pavaJudha pamusoro pamashoko iwayo. Vazhinji vavo vakati, “Ane mweya wakaipa, anopenga; munomuteerereiko?” Vamwe vakati, “Mashoko awa haati ari omunhu akabatwa nomweya wakaipa; ko mweya wakaipa ungagona kusvinudza meso amapofu here?” Yaiva nguva yomutambo wokuvandudzwa kwetemberi paJerusaremu; chaiva chando. Jesu akafamba mutemberi pabiravira raSoromoni. Zvino vaJudha vakamukomba, vakati kwaari, “Uchatinetsa kusvikira ripiko? Kana uri Kristu iwe, tiudze pachena.” Jesu akavapindura, akati, “Ndakakuudzai, mukasatenda. Mabasa andinoita nezita rababa, ndiwo anondipupurireni. Asi imi hamutendi, nokuti hamusi vamakwai angu. Makwai angu anonzwa izwi rangu; neni ndinoaziva, uye anonditevera. Ndinoapa upenyu husingaperi; haangafi nokusingaperi, uye hakuna munhu angaabvuta muruoko rwangu. Zvandakapiwa nababa vangu zvikuru kuna zvose; hakuna munhu ungaabvuta muruoko rwababa vangu. “Ini nababa tiri vamwe.”
Johani 10:7-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ipapo Jesu akatizve kwavari, ndinoti kwamuri, “Idi chaizvo ini ndini musuo wehwai. Vose vakanditangira dzaiva mbavha namakororo asi hwai hadzina kuvateerera. Ini ndini musuo. Anopinda napandiri achaponeswa; achapinda nokubuda zvake achiwana mafuro. Mbavha inouya chete kuzoba, nokuzouraya nokuparadza, ini ndakauya kuti vanhu vawane upenyu, uye kuti vawane upenyu huzere. Ini ndini mufudzi wakanaka mufudzi wakanaka anofira hwai dzake. Muronzerwi, asiri mufudzi uye asiri muridzi wehwai akaona mhumhi ichiuya anosiya hwai dziya achitiza, mhumhi inobvuta hwai; dzimwe dzigoti mwanda kupararira. Anotiza nokuti muronzerwi chete uye haana hanya nehwai. Ini ndini mufudzi wakanaka ndinoziva hwai dzangu uye hwai dzangu dzinondizivawo sokundiziva kunoita Baba, iniwo ndinoziva Baba, ndokusaka ndichiparadza upenyu hwangu kuitira hwai. Ndine dzimwe hwai dzisiri dzedanga rino ndinofanira kudziunzawo. Idzo dzichanzwawo izwi rangu saizvozvo kuchava nedanga rimwechete nomufudzi mumwechete. Baba vanondida pamusana pokuti ndinoparadza upenyu hwangu kuti ndizougamuchirazve. Hapana anonditorera, kuhuparadza kwandinoita kutoda kwangu zvangu. Ndinesimba rokuhuparadza uye ndinesimba rokuti ndive noupenyu zvakare. Ndizvo zvandakaudzwa kuti ndiite nababa vangu.” Pakabva pamuka nharo pakati pavaJudha pamusana pamazwi aya. Vazhinji vavo vakati, “Ane mweya wakaipa uye anopenga sei muchimuteerera.” Vamwewo vakati, “Uku hakusi iko kutaura kwomunhu ane Mweya wakaipa. Mweya wakaipa ungazarure maziso ebofu here?” Paiva pazuva rokurangarira zuva guru reChenura kuJerusaremu. Yaiva iri nguva yechando. Jesu aifamba zvake paTemberi muberere raSoromoni. Saka vaJudha vakamuunganira vakamuti, “Unoda kuti timirire kusvikira riniko? Kana uriwe Mesia tiudze pachena.” Jesu akavapindura achiti, “Ndakakutaurirai asi hamutendi mabasa andinoita muzita raBaba vangu anondipupurira. Asi imi hamutendi nokuti hamusi hwai dzangu. Hwai dzangu dzinonzwa izwi rangu, uye ndinodziziva uyewo dzinonditevera. Iniwo ndinodzipa upenyu husingaperi, saizvozvo hadzimbofa dzakaparara. Hakuna angadzibvute mumaoko mangu. Baba vangu vakadzipa kwandiri vakuru kupinda ani zvake uye hapana anogona kudzibvuta mumaoko aBaba. Ini naBaba tiri mumwechete.”
Johani 10:7-30 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jesu akati kwaʋari ɀe: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Ndini mukoʋa wamakwai. Ʋose ʋakanditaŋgira kuʋuya, imbava namakororo, asi makwai haana‐kuʋanzwa. Ndini mukoʋa; kana munhu apinda neni, ucaponeswa, ucapinda, ucaɓuɗa, ucawana mafuro. Mbava inoŋgoʋuya, kuti iɓe nokuʋuraya nokuparadza. Ini ndakaʋuya, kuti aʋe noʋupenyu, ʋuye aʋe nobgakawanda. Ndini mufudzi wakanaka; mufudzi wakanaka unorashira makwai ake ʋupenyu bgake. Muranda, usati ari mufudzi wamakwai, makwai asati ari ake, unoti kana aciʋona ɓere riciʋuya, unosiya makwai, ndokutiza; ɓere rinoabvuta, nokuaparadza; unotiza, ɀaari muranda; haanehanya namakwai. Ndini mufudzi wakanaka, ndinoziʋa makwai aŋgu, namakwai aŋgu anondiziʋa ini, Ƃaɓa seɀaʋanondiziʋa, neni ndiciziʋa Ƃaɓa; ndinorashira makwai aŋgu ʋupenyu bgaŋgu. Namamŋe makwai ndinawo, asati ari eɗaŋga rino. Naiwo ndinofanira kuʋuya nawo ʋo, acanzwa inzwi raŋgu; ricaʋa ɓoka rimŋe, nomufudzi mumŋe. Saka Ƃaɓa ʋanondiɗa, nokuti ndinorasha ʋupenyu bgaŋgu, ndigobgutora ɀe. Hakunomunhu uŋganditorera ibgo; asi ndinobgurasha ndimene. Ndinesimba rokubgurasha, ʋuye ndinesimba rokubgutora ɀe. Uyu murairo ndakaupiwa naƂaɓa ʋaŋgu. Ipapo kupesana kukamuka ɀe pakati paʋaJuda pamsoro pamashoko iwayo. Ʋazhinji ʋaʋo ʋakati: Unomŋeya wakaipa, unopeŋga; munomuterereiko? Ʋamŋe ʋakati: Mashoko awa haati ari omunhu wakaɓatwa nomŋeya wakaipa; ko mŋeya wakaipa uŋgagona kuȿinudza meso amapofu here? Yaiʋa ŋguʋa yomutambo wokuʋandudzwa kwetembere paJerusarema; caiʋa cando. Jesu akafamba mutembere paɓiraʋira raSoromoni. Ɀino ʋaJuda ʋakamukomba, ʋakati kwaari: Ucatiʋetsa kuȿikira riniko? Kana uri Kristu iwe, tiʋudze pacena. Jesu akaʋapindura, akati: Ndakakuʋudzai, mukasatenda. Maɓasa andinoita nezita raƂaɓa, ndiwo anondipupurireni. Asi imi hamutendi, nokuti hamuzi ʋamakwai aŋgu. Makwai aŋgu anonzwa inzwi raŋgu; neni ndinoaziʋa, ʋuye anonditeʋera. Ndinoapa ʋupenyu bgusiŋgaperi; haaŋgafi nokusiŋgaperi, ʋuye hakunomunhu uŋgaabvuta muruʋoko rwaŋgu. Ɀandakapiwa naƂaɓa ʋaŋgu ɀikuru kuneɀose; hakunomunhu uŋgaabvuta muruʋoko rwaƂaɓa ʋaŋgu. Ini naƂaɓa tiri ʋamŋe.
Johani 10:7-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)