Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johane 10:7-30

Johane 10:7-30 SUB1949

Ɀino Jesu akati kwaʋari ɀe: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Ndini mukoʋa wamakwai. Ʋose ʋakanditaŋgira kuʋuya, imbava namakororo, asi makwai haana‐kuʋanzwa. Ndini mukoʋa; kana munhu apinda neni, ucaponeswa, ucapinda, ucaɓuɗa, ucawana mafuro. Mbava inoŋgoʋuya, kuti iɓe nokuʋuraya nokuparadza. Ini ndakaʋuya, kuti aʋe noʋupenyu, ʋuye aʋe nobgakawanda. Ndini mufudzi wakanaka; mufudzi wakanaka unorashira makwai ake ʋupenyu bgake. Muranda, usati ari mufudzi wamakwai, makwai asati ari ake, unoti kana aciʋona ɓere riciʋuya, unosiya makwai, ndokutiza; ɓere rinoabvuta, nokuaparadza; unotiza, ɀaari muranda; haanehanya namakwai. Ndini mufudzi wakanaka, ndinoziʋa makwai aŋgu, namakwai aŋgu anondiziʋa ini, Ƃaɓa seɀaʋanondiziʋa, neni ndiciziʋa Ƃaɓa; ndinorashira makwai aŋgu ʋupenyu bgaŋgu. Namamŋe makwai ndinawo, asati ari eɗaŋga rino. Naiwo ndinofanira kuʋuya nawo ʋo, acanzwa inzwi raŋgu; ricaʋa ɓoka rimŋe, nomufudzi mumŋe. Saka Ƃaɓa ʋanondiɗa, nokuti ndinorasha ʋupenyu bgaŋgu, ndigobgutora ɀe. Hakunomunhu uŋganditorera ibgo; asi ndinobgurasha ndimene. Ndinesimba rokubgurasha, ʋuye ndinesimba rokubgutora ɀe. Uyu murairo ndakaupiwa naƂaɓa ʋaŋgu. Ipapo kupesana kukamuka ɀe pakati paʋaJuda pamsoro pamashoko iwayo. Ʋazhinji ʋaʋo ʋakati: Unomŋeya wakaipa, unopeŋga; munomuterereiko? Ʋamŋe ʋakati: Mashoko awa haati ari omunhu wakaɓatwa nomŋeya wakaipa; ko mŋeya wakaipa uŋgagona kuȿinudza meso amapofu here? Yaiʋa ŋguʋa yomutambo wokuʋandudzwa kwetembere paJerusarema; caiʋa cando. Jesu akafamba mutembere paɓiraʋira raSoromoni. Ɀino ʋaJuda ʋakamukomba, ʋakati kwaari: Ucatiʋetsa kuȿikira riniko? Kana uri Kristu iwe, tiʋudze pacena. Jesu akaʋapindura, akati: Ndakakuʋudzai, mukasatenda. Maɓasa andinoita nezita raƂaɓa, ndiwo anondipupurireni. Asi imi hamutendi, nokuti hamuzi ʋamakwai aŋgu. Makwai aŋgu anonzwa inzwi raŋgu; neni ndinoaziʋa, ʋuye anonditeʋera. Ndinoapa ʋupenyu bgusiŋgaperi; haaŋgafi nokusiŋgaperi, ʋuye hakunomunhu uŋgaabvuta muruʋoko rwaŋgu. Ɀandakapiwa naƂaɓa ʋaŋgu ɀikuru kuneɀose; hakunomunhu uŋgaabvuta muruʋoko rwaƂaɓa ʋaŋgu. Ini naƂaɓa tiri ʋamŋe.

Verenga chikamu Johane 10

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neJohane 10:7-30