Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 10:11-15

Johani 10:11-15 SCLB

Ini ndini mufudzi wakanaka mufudzi wakanaka anofira hwai dzake. Muronzerwi, asiri mufudzi uye asiri muridzi wehwai akaona mhumhi ichiuya anosiya hwai dziya achitiza, mhumhi inobvuta hwai; dzimwe dzigoti mwanda kupararira. Anotiza nokuti muronzerwi chete uye haana hanya nehwai. Ini ndini mufudzi wakanaka ndinoziva hwai dzangu uye hwai dzangu dzinondizivawo sokundiziva kunoita Baba, iniwo ndinoziva Baba, ndokusaka ndichiparadza upenyu hwangu kuitira hwai.

Verenga chikamu Johani 10