Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 10:11-15

Johani 10:11-15 SNA2002

“Ndini mufudzi akanaka; mufudzi akanaka anorasira makwai ake upenyu hwake. Muranda, asati ari mufudzi wamakwai, makwai asati ari ake, anoti kana achiona bere richiuya, anosiya makwai, ndokutiza; bere rinoabvuta, nokuaparadza; anotiza, zvaari muranda; haana hanya namakwai. Ndini mufudzi akanaka, ndinoziva makwai angu, namakwai angu anondiziva ini, Baba sezvavanondiziva, neni ndichiziva baba; ndinorashira makwai angu hupenyu hwangu.

Verenga chikamu Johani 10