Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 1:43-51

Johani 1:43-51 SCLB

Ava mangwana Jesu akafunga zvokuenda kuGarirea ndokuwana Firipi akamuti, “Nditevere.” Zvino Firipi aibva kuBhetisaidha guta ravanaAndireya naPita. Firipi akawana Natanieri akati kwaari, “Taona munhu uya akanyorwa nezvake naMosesi muMutemo noMuvaporofita, anonzi Jesu anobva kuNazareti mwanakomana waJosefi.” Natanieri akamuti, “Chiiwo chakanaka chingabve kuNazareti?” Firipi akati kwaari, “Uyaka uone.” Jesu akaona Natanieri achiuya kwaari akataura nezvake achiti, “Houno muIsiraeri chaiyeiye, asina unyengedzi maari.” Natanieri akati, “Ko mandiziva sei?” Jesu akamupindura achiti, “Firipi asati akudaidza, zviya uri pasi pomukuyu ndatenge ndakuona.” Natanieri akamupindura achiti, “Rabhi imi ndimi Mwanakomana waMwari, ndimi mambo weIsiraeri.” Jesu akamupindura achiti, “Watenda pamusana pezvandati ndakuona uri pasi pomukuyu uchaona zvinhu zvikuru kupinda izvi.” Akati kwaari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri muchaona denga rakazaruka vatumwa vaMwari vachikwira nokuburuka nechapamusoro pomwanakomana womunhu.”

Verenga chikamu Johani 1