Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 1:43-51

Johani 1:43-51 SNA2002

Ava mangwana akada kuenda Gariria, akawana Firipi; Jesu akati kwaari, “Nditevere.” Firipi akanga ari weBhetisaidha, guta raAndireya naPetirosi. Firipi akawana Nataneri, akati kwaari, “Tamuwana iye, akanyorwa zvake naMosesi mumurayiro navaporofita, iye Jesu weNazareta, mwanakomana waJosefa.” Nataneri akati kwaari, “Kune chinhu chakanaka chingabva Nazareta here?” Firipi akati kwaari, “Uya, uone.” Jesu akaona Nataneri achiuya kwaari, akamuti, “Tarirai, muIsiraeri wechokwadi, asina kunyengera maari.” Nataneri akati kwaari, “Mandizivirepiko?” Jesu akapindura, akati kwaari, “Firipi asati akudana, uri munyasi momuonde, ndakakuona.” Nataneri akamupindura, akati, “Rabhi, ndimi Mwanakomana waMwari, ndimi Ishe waIsiraeri.” Jesu akapindura, akati kwaari, “Unotenda iwe, nokuti ndakati kwauri, ndakakuona munyasi momuonde here? Uchazoona zvikuru kuna izvozvi.” Akati kwaari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, uchaona kudenga kwazarurwa, navatumwa vaMwari vachikwira, nokuburukira pamusoro poMwanakomana womunhu.”

Verenga chikamu Johani 1