Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 1:29-51

Johani 1:29-51 SCLB

Ramangwana acho, Johani akaona Jesu achiuya kwaari akati, “Tarisai muone hwayana yaMwari inobvisa chitadzo chapasi. Uyu ndiye wandaitaura nezvake ndichiti, ‘Mushure mangu muchauya munhu mukuru kupinda ini nokuti akanga aripo ini ndisati ndavapo.’ Ini handina kunge ndichimuziva; asi ndizvo zvandakavinga ndichiombeka nemvura, kuti aziviswe kuIsraeri.” Johani akapa umboo uhu hwokuti, “Ndakaona Mweya achiburuka kudenga senjiva akasvikogara paari. Ini pachezvangu ndakanga ndisingamuzivi asi uyo akandituma kuti ndiombeke nemvura akanditi, ‘Uyo waunoona Mweya achiburukira paari, achigara paari iyeyo ndiye anoombeka naMweya Mutsvene.’ Ini ndakazviona uye ndinopupura kuti uyu Mwanakomana waMwari.” Ramangwana rachozve Johani akanga amire navadzidzi vake vaviri; akatarisa Jesu achifamba akati, “Tarisai muone Hwayana yaMwari.” Vadzidzi vaviri vaya vakamunzwa achitaura izvi vakabva vatevera Jesu. Jesu akatendeuka akavaona vachitevera akavati, “Muri kutsvakeiko?” Ivo vakati kwaari, “Rabhi,” (zvinoreva kuti mudzidzisi) “Munogara kupiko?” Iye akati kwavari, “Uyai muzoona.” Vakauya vakaona paaigara vakagara naye zuva iroro, izvozvo yakanga iri awa yechigumi. Andireya munun'una waSimoni Pita ndiye mumwe wavadzidzi vaviri vaya vakanzwa Johani achitaura vakamutevera. Akatanga kuwana Simoni akamuti, “Tawana Mesia zvinoreva kuti Kristu.” Akauya naye kuna Jesu. Jesu akamutarisa akati, “Iwe unonzi Simoni Mwanakomana waJohani zvino uchanzi Kefasi,” (zvinoreva kuti Pita). Ava mangwana Jesu akafunga zvokuenda kuGarirea ndokuwana Firipi akamuti, “Nditevere.” Zvino Firipi aibva kuBhetisaidha guta ravanaAndireya naPita. Firipi akawana Natanieri akati kwaari, “Taona munhu uya akanyorwa nezvake naMosesi muMutemo noMuvaporofita, anonzi Jesu anobva kuNazareti mwanakomana waJosefi.” Natanieri akamuti, “Chiiwo chakanaka chingabve kuNazareti?” Firipi akati kwaari, “Uyaka uone.” Jesu akaona Natanieri achiuya kwaari akataura nezvake achiti, “Houno muIsiraeri chaiyeiye, asina unyengedzi maari.” Natanieri akati, “Ko mandiziva sei?” Jesu akamupindura achiti, “Firipi asati akudaidza, zviya uri pasi pomukuyu ndatenge ndakuona.” Natanieri akamupindura achiti, “Rabhi imi ndimi Mwanakomana waMwari, ndimi mambo weIsiraeri.” Jesu akamupindura achiti, “Watenda pamusana pezvandati ndakuona uri pasi pomukuyu uchaona zvinhu zvikuru kupinda izvi.” Akati kwaari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri muchaona denga rakazaruka vatumwa vaMwari vachikwira nokuburuka nechapamusoro pomwanakomana womunhu.”

Verenga chikamu Johani 1