Ava mangwana akaona Jesu achiuya kwaari, akati, “Tarirai, Hwayana yaMwari, inobvisa zvivi zvenyika. Ndiye wandaireva, ndichiti, ‘Shure kwangu kunouya mumwe, akavapo mberi kwangu, nokuti akanditangira.’ Neni ndakanga ndisingamuzivi; asi ndizvo zvandakauyira, ndichibhabhatidza nemvura, kuti aoneswe kuvaIsiraeri.”
Johani akapupura, akati, “Ndakaona Mweya achiburuka kudenga senjiva akagara pamusoro pake. Neni ndakanga ndisingamuzivi; asi akandituma kubhabhatidza nemvura, ndiye akati kwandiri, ‘Uyo waunoona Mweya achiburuka pamusoro pake, akagara pamusoro pake, ndiye anobhabhatidza noMweya Mutsvene.’
“Ini ndikaona, ndikapupura kuti uyu ndiye Mwanakomana waMwari.”
Ava mangwanazve Johani akanga amire navadzidzi vake vaviri; akatarisisa Jesu achifamba, akati, “Tarirai, Hwayana yaMwari!” Ivavo vadzidzi vaviri, vakamunzwa achitaura, vakatevera Jesu. Jesu akatendeuka akavaona vachitevera, akati kwavari, “Munotsvakeiko?” Vakati kwaari, “Rabhi” (ndokuti, “Mudzidzisi, kana zvichishandurwa,”) munogarepiko? Akati kwavari, “Uyai, muone.” Vakaenda, vakandoona kwaaigara, vakagara naye zuva iro; yakanga iri nguva inenge yegumi. Mumwe waivavo vaviri, vakanga vanzwa Johani, vakamutevera, waiva Andireya, munun'una waSimoni Petirosi. Iye akatanga kuwana Simoni, mukoma wake, akati kwaari, “Tawana Mesiasi” (ndokuti, “Kristu, kana zvichishandurwa.”) Akamuisa kuna Jesu. Jesu akamutarira, akati, “Ndiwe Simoni, mwanakomana waJona, uchanzi Kefasi zvinoshandurwa, dombo.”
Ava mangwana akada kuenda Gariria, akawana Firipi; Jesu akati kwaari, “Nditevere.” Firipi akanga ari weBhetisaidha, guta raAndireya naPetirosi.
Firipi akawana Nataneri, akati kwaari, “Tamuwana iye, akanyorwa zvake naMosesi mumurayiro navaporofita, iye Jesu weNazareta, mwanakomana waJosefa.” Nataneri akati kwaari, “Kune chinhu chakanaka chingabva Nazareta here?” Firipi akati kwaari, “Uya, uone.”
Jesu akaona Nataneri achiuya kwaari, akamuti, “Tarirai, muIsiraeri wechokwadi, asina kunyengera maari.”
Nataneri akati kwaari, “Mandizivirepiko?” Jesu akapindura, akati kwaari, “Firipi asati akudana, uri munyasi momuonde, ndakakuona.”
Nataneri akamupindura, akati, “Rabhi, ndimi Mwanakomana waMwari, ndimi Ishe waIsiraeri.”
Jesu akapindura, akati kwaari, “Unotenda iwe, nokuti ndakati kwauri, ndakakuona munyasi momuonde here? Uchazoona zvikuru kuna izvozvi.” Akati kwaari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, uchaona kudenga kwazarurwa, navatumwa vaMwari vachikwira, nokuburukira pamusoro poMwanakomana womunhu.”