Jeremiya 39
39
Kuparara kweJerusaremu
1Mugore rechipfumbamwe#39:1 Mugore rechipfumbamwe: muna Ndira naKukadzi. rokutonga kwaZedhekiya mambo wokwaJudha, mumwedzi wegumi, Nebhukadhireza mambo weBhabhironi nehondo yake yose vakauya kuzorwisa guta reJerusaremu vakarikomba. 2Mugore regumi#39:2 Mugore regumi: 587 KAA muna Nyamavhuvhu. nechiposhi rokutonga kwaZedhekiya, mumwedzi wechina pamusi wepfumbamwe wemwedzi iwoyo, rusvingo rweguta rwakapazwa.
3Jerusaremu payakatorwa, machinda ose amambo weBhabhironi akapinda akagaririra pasuo guru repakati. Paiti mumwe ainzi Nerigarishareza naSamigarinebho uye Sarisikimu jinda guru nomumwe mukuru mukuru anonzi Nerigarishareza mukuru mukuru pamwechete navamwe vakuru vakuru vose vamambo weBhabhironi. 4Zedhekiya mambo wokwaJudha navarwi vose vehondo pavakazviona vakatiza muguta nousiku nokubindu rokwamambo napasuo rapakati pemasvingo maviri vakananga kuArabhia.
5Asi hondo yavaKaridhea yakavaronda ikabatira Zedhekiya mumapani okuJeriko. Pavakamubata vakamuuyisa kuna Nebhukadhireza mambo weBhabhironi kuguta reRibhura mudunhu reHamati akabva amutemera chirango ipapo. 6Mambo weBhabhironi akauraya vanakomana vaZedhekiya paRibhura ipapo iye akatarisa. Mambo weBhabhironi akaurayawo vokumbahuru vokwaJudha. 7Akasvukunura Zedhekiya maziso akamusunga nengetani kuti aende naye kuBhabhironi. 8VaKaridhea vakapisa muzinda wamambo nedzimba dzavanhu vakapaza masvingo eJerusaremu. 9Mumwe mukuru wavachengetedzi vokwamambo anonzi Nebhuzaradhani akatapa vanhu vakanga vasara muguta navakanga vatizira kwaari pamwechete navakanga vasina kutizira kwavari vakaenda navo kuBhabhironi. 10Nabhuzaradhani mukuru wavachengetedzi vokwamambo, akasiya munyika yokwaJudha vamwe varombo vasina chavanacho akavapa minda yamagirepisi pamwechete nemimwe minda.
Kusunungurwa kwaJeremiya muusungwa
11Nebhukadhineza mambo weBhabhironi akatemera Jeremiya chirevo nokuna Nebhuzaradhani mukuru wavachengetedzi wokwamambo uya chokuti: 12“Mutore umuchengete zvakanaka urege kumukuvadza, asi umuitire zvaanenge akutaurira.” 13Saizvozvowo Nebhuzaradhani, mukuru wavachengetedzi vokwamambo naNebhushazibhana rimwe jinda guru naNegarishareza mumwe mukuru mukuru wacho navatungamiriri vakuru vose vamambo weBhabhironi, 14vakatuma vanhu vakatora Jeremiya munhandare yavachengetedzi vokwamambo vakamuisa mumaoko maGedhariya mwanakomana waAhikamu, mwanakomana waShafani kuti amuperekedze kumusha.#39:14 Aende naye kumusha kwake: chiHebheru chendima iyi hachinyatsonzwisisika vamwe vanoti vakapa Jeremiya rusununguko. Naizvozvo Jeremiya akandogara hake mukati mavanhu.
Mwari anoti ndichanunura Ebhedhimereki
15Shoko raTenzi rakauya kuna Jeremiya paakanga achakapfigirwa munhandare yavachengetedzi vokwamambo richiti, 16“Enda utaurire Ebhedhimereki uya muItiopia kuti, zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, zvaunoona ini ndichazadzisa shoko rangu randakareva nezveguta rino rokuti zvinhu zviriipire kwete kurinakira. Izvozvo zvichazadziswa iwe uchizviona musi iwoyo. 17Asi pazuva iroro ini ndichakununura, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Uye hausi kuzofa wakaiswa mumaoko avarume vauri kutya. 18Chiripo chaicho ndechokuti ndichatokununura chete uye hausi kuzofa rufu rwebakatwa. Asi uchapunyuka noupenyu hwako nokuti wakavimba neni. Ndizvo zviri kutaura Tenzi.”
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremiya 39: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
![None](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapi.com%2F58%2Fhttps%3A%2F%2Fweb-assets.youversion.com%2Fapp-icons%2Fsn.png&w=128&q=75)
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.