Jeremiya 38
38
Machinda anoti Jeremiya ngaaurayiwe
1Zvino Shefatiya mwanakomana waMatani, uye Gedhariya mwanakomana waPashuru uyewo Jukari mwanakomana waSheremiya pamwechete naPashuri mwanakomana waMarikiya, pavakanzwa mashoko aJeremiya aaitaurira vanhu vose okuti, 2“Zvanzi naTenzi anenge agara muguta rino achafa rufu rwebakatwa neshangwa yenzara nedenda asi anenge abuda achindozvipereka kuvaKaridhea achararama. Achapunyuka noupenyu hwake. 3Zvanzi naTenzi, guta rino iri richaiswa mumaoko mehondo yamambo weBhabhironi richibva ratorwa.”
4Machinda aya akati kuna mambo, “Madii kuuraya munhu uyu nokuti ari kurukutisa maoko avarwi vasara muguta rino achirukutisawo maoko avanhu vose nokuvataurira mazwi akadaro. Chiripo ndechokuti murume uyu haasi kuda kuti zvinhu zvifambire vanhu ava zvakanaka asi kuti zvivaipire.”
5Mambo Zedhekiya akati, “Inga wani ari mumaoko menyu nokuti mambo hapana chaangaite chinopesana nemi.”
6Ipapo vakatora Jeremiya vakamukanda mumugodhi waMarikiya mwanakomana wamambo. Mugodhi iwoyo waiva munhandare yavachengetedzi vokwamambo. Vakaita zvokudzikisa Jeremiya netambo. Mumugodhi imomo makanga musisina mvura asi mangove madhaka chete ndokubva Jeremiya anyura mumadhaka imomo.
Kununurwa kwaJeremiya nomunhu weItiopia
7Mumwe munhu wokuItiopia muyuniki anonzi Ebhedhimereki aiva mumuzinda wamambo paakanzwa zvichinzi vakanda Jeremiya mumugodhi, izvozvo mambo aiva padare kuSuo Guru rokwaBhenjamini, 8Ebhedhimereki akabuda mumuzinda wamambo akasvikoti kuna mambo, 9“Changamire wangu mambo, varume ava vaita chinhu chakaipa kwazvo pazvinhu zvose zvazvo zvavaita kuno muporofita Jeremiya nokumukanda kwavamuita mumugodhi. Jeremiya achafira imomo nenzara nokuti hapasisina kana chingwa chasara muguta muno.”
10Mambo ndokutuma Ebhedhimereki, munhu wokuItiopia achiti, “Chitora varume vatatu pano apa uende navo kundoburitsa muporofita Jeremiya mumugodhi macho asati afa.” 11Ebhedhimereki akabvawo atora varume akaenda navo mumuzinda wamambo. Vakasvika muwodhirobu mumba maichengeterwa zvinhu; vakatoramo mamvemve namarengenya embatya aakadzikisa netambo pasi paiva naJeremiya mumugodhi. 12Ebhedhimereki munhu wokuItiopia uya akati kuna Jeremiya, “Isa mamvemve namarengenya ayo muhapwa dzako, pakati pehapwa dzako netambo.” Jeremiya akaita saizvozvowo. 13Ivo ndokubva vakweva Jeremiya netambo vakamuburitsa mumugodhi muya. Jeremiya akaramba ari munhandare yevachengetedzi vokwamambo.
14Mambo Zedhekiya akatumira nhume kundodaidza muporofita Jeremiya akabva andochingamidzana naye kumusuo wetatu wokupinda muTemberi yaTenzi. Mambo akati kuna Jeremiya, “Ndava kukubvunza mubvunzo, iwe rega kundivanzira kana chinhu zvacho.”
15Jeremiya akapindura Zedhekiya achiti, “Kana ndikakutaurirai chokwadi hamuzondiuraya here? Kunyange ndikakurumai nzeve hamumbofa makandinzwa.”
16Mambo Zedhekiya ndokupika mhiko muchivande kuna Jeremiya yokuti, “NaTenzi mupenyu chaiye, musiki wemweya yedu, handisi kuzokuuraya kana kukuturira mumaoko avarume ava vanovavarira kukupfuudza upenyu.”
17Jeremiya akabva ati kuna Zedhekiya, “Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, kana mukaita zvokuzvipereka kumachinda amambo weBhabhironi uye guta rino iri harizopiswa nomoto uyewo imi nemba yenyu muchararama. 18Asi kana mukarega henyu kuzvipereka kumachinda amambo weBhabhironi zvichaita kuti guta rino riiswe mumaoko mavaKaridhea vacharipisa nomoto. Imi hamuzombopunyuki mumaoko mavo.”
19Mambo Zedhekiya akati kuna Jeremiya, “Ndiri kutya vaJudha vakatizira kuvaKaridhea ndingazongoiswa mumaoko avo vakandionesa nhamo.”
20Jeremiya ndokuti, “Hamusi kuzoiswa mumaoko mavo! Chingoteererai zvenyu izwi raTenzi pane zvandiri kukutaurirai kuitira kuti zvikunakirei. Uye muchasiyiwa muri mupenyu. 21Asi kana mukaramba kuita zvokuzvipereka henyuka, hechinoi chiratidzo chandaoneswa naTenzi. 22Ndinoona vakadzi vose zvavo vachibva mumuzinda wamambo wokwaJudha vachibudwa navo kuenda kumachinda amambo weBhabhironi vachiti,
“ShaMwari dzako dzawaivimba nadzo
dzakakunyengedza dzikakwanisa.
Zvino wachiti makumbo
tindindi kunyura mudhaka
ivo vakakufuratira kusiya.
23“Madzimai enyu ose navanakomana venyu vachaendwa navo kuvaKaridhea, imiwo hamusi kuzopunyuka. Asi muchatobatwa namambo weBhabhironi uye guta rino richapiswa nomoto.”
24Zedhekiya akabva ati kuna Jeremiya, “Rega kuva newaunozozivisa hurukuro iyoyi nezvo kufa, hauzofa. 25Kana machinda akanzwa kuti ndakurukura newe, akauya kwauri achiti, ‘Tiudzeiwo zvawataura kuna mambo nezvawazotaurirwawo namambo. Rega kana kuva nechaunotivanzira, isu hatizokuuraya,’ 26uti kwavari, ‘Ndakasvitsa chichemo changu kuna mambo ndichiteterera kuti varege kundidzosera kumba kwaJonatani ndirege kufirako.’ ”
27Machinda ose akazouyawo kuna Jeremiya vakamubvumunza, iye akavapindura sokunyeverwa kwaakanga aitwa namambo. Ipapo vakabva varega kutaura naye nokuti hurukuro iyoyo yakanga isina wamboinzwa. 28Izvozvo Jeremiya akaramba ari munhandare yavachengetedzi vokwamambo kudzamara musi wakazotorwa Jerusaremu.
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremiya 38: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.