Abhimereki mwanakomana waJerubhaari akaenda kuShikemu kwanasekuru vake, hanzvadzi dzaamai vake akataurirana navo pamwechete nehama dzose dzokwaamai vake achiti, “Mubvunzo uyu usvitsei munzeve dzavanhu vose vomuShikemu wokuti, ‘Chiiko chamunosarudza pane izvi? Mungade here kuti makumi manomwe avanakomana vaJerubhaari ndivo vova vatongi venyu kana kuti munhu mumwechete chete ave mutongi wenyu? Zivaiwo kuti imi neni tiri hama nehama, tiri veropa rimwechete chairo.’ ” Madzisekuru ake okwaamai vake vakasuma zvose izvozvi kuvatungamiriri vose vokuShikemu. Vakasarudza kutungamirirwa naAbhimereki nokuti vaiti, “Muzukuru wavo.” Vakatora zvidimbu makumi manomwe zvemari yesirivha mutemberi yaBhaaribheriti, vakapa Abhimereki, nemari iyoyo akatsvaga madzenga avanhu asingakatari aakaenda nawo. Akaenda kumusha kwababa vake kuOfura, akauraya vakoma navanun'una wake makumi manomwe, padombo rimwechete. Asi Jotamu, gotwe raJerubhaari ndiye oga akapunyuka nokuti akanga ahwanda. Varume vokuShikemu vakaunganidzana nevokuBhetimiro, vakagadza Abhimereki umambo pamuoku wokuShikemu wakatsigirwa.
Pazvakasvika munzeve dzaJotamu, iye akaenda akandokwira pamusoro pegomo reGerizimu, akataura kwavari achiita zvokudaidzira kwazvo achiti, “Varume veShikemu, teererai munzwe zvandava kutaura kuti Mwari agokunzwaiwo. Rimwe zuva miti yakaenda kundogadza mambo wokuitonga. Yakati kumuti womuorivhi, ‘Iva mambo wedu.’ Asi muorivhi wakati kwairi, ‘Heya munoti ndisiye mafuta angu anoshandiswa kupa rukudzo vamwari namadzimambo ndichienda kundosweropepera pamusoro pemiti here?’ Miti iya ndokuti kumuonde, ‘Uya zvako uve mambo wedu.’ Asi muonde wakati kwairi, ‘Heya munoti ndisiye kutapira kwangu nemichero yangu iyi yakanaka kudai ndichienda kundosweropepera pamusoro pemiti here?’ Miti yakati kumugirepisi, ‘Uya zvako uve mambo wedu.’ Asi mugirepisi wakati, ‘Heya munoti ndisiye waini yangu inofadza vamwari navanhu, ndichienda kundosweropepera pamusoro pemiti here.’ Miti yose yakazoti kurukato, ‘Uya zvako uve mambo wedu.’ Rukato rwakati kwairi, ‘Kana zviri zvechokwadi kuti muri kuda kundigadza kuti ndive mambo wenyu, uyai mupotere mumumvuri wangu. Kana zvisizvo, moto ngaubve murukato uroromese miti yemisidhari yokuRebhanoni.’
“Naizvozvo hameno kana zvokugadza Abhimereki umambo makazviita muchiti muri kuita zvakanaka, uye maifunga kuti muri kuita zvinhu kwazvo, zvimwe munofungawo kuti zvamakaitira Jerubhaari nemhuri yake zvinokodzerana nezvaakaita. Chandinodariro ndechichi chokuti, baba vangu vakakurwirai, vakazvipinza munjodzi yokuti vaigona kufa, vakakununurai mumaoko avaMidhiani. Asi nhasi uno iyemi ndimi mamukira imba yababa wangu, mukauraya vana vake, varume makumi manomwe padombo rimwechete, mukatora Abhimereki mwana waakabereka zvake nomuranda wake, mukamugadza kuti ave mambo wavanhu vomuShikemu nokuti muzukuru wenyu. Zvino kana zvamaitira Jerubhaari nemhuri yake nhasi uno mazviita muri pachokwadi uye nomazvo, farai zvenyu mupemberere Abhimereki, iye ngaakufarireiwo kwazvo. Asi kana zvisizvo moto ngaubve muna Abhimereki uroromese vanhu vomuShikemu nevomuBhetimiro. Moto ngaubvewo mune vanhu vemuShikemu nevomuBhetimiro uroromese Abhimereki.” Jotamu akabva atiza ndokumhanya oenda kuBheeri. Akagarako nokuti aitya Abhimereki mukoma wake.