Zvino Abhimereki, mwanakomana waJerubhaari, wakaenda Shekemu, kuna madzisekuru ake, akataurirana navo uye norudzi rwose rweimba yababa vamai vake, akati, “Taurirai henyu, varume vose veShekemu vanzwe, muti, ‘Chinhu chakanaka ndechipiko, kuti mubatwe ushe navanakomana vose vaJerubhaari vanosvika vanhu vana makumi manomwe, kana mubatwe nomunhu mumwe chete?’ Rangariraiwo kuti ini ndiri pfupa renyu nenyama yenyu.” Zvino madzisekuru ake akataura mashoko awa ose pamusoro pake, varume veShekemu vachizvinzwa; mwoyo yavo ikada kutevera Abhimereki, nokuti vakati, “Ihama yedu.” Vakamupa mari yesirivha yakasvika mashekeri ana makumi manomwe, yavakatora paimba yaBhaari-bheriti, Abhimereki akaripira varume vakaipa, vasine hanya, ivo vakamutevera. Akaenda kumba kwababa vake paOfura, akauraya pabwe rimwe vana vababa vake, ivo vanakomana vaJerubhaari, vaiva varume vana makumi manomwe; asi Jotamu, mwanakomana worugotwe waJerubhaari wakapukunyuka, nokuti wakanga avanda.
Zvino varume vose veShekemu vakaungana pamwechete navose veimba yaMiro, vakandoita Abhimereki mambo pamuouki weshongwe yakamiswa paShekemu. Vakati vaudza Jotamu izvozvo, iye akaenda, akandomira pamusoro pegomo reGerizimi, akadana nezwi guru, akati kwavari, “Mundinzwei, imi varume veShekemu, kuti Mwari akunzweiwo imi. Imwe nguva miti yakandozvizodzera mambo wayo; ikati kumuorivhi, ‘Iva mambo wedu iwe.’ Asi muorivhi wakati kwairi, ‘Ko ini ndingarega mafuta angu, anorumbidzwa naMwari navanhu mandiri ndipepere uko nokoko pamusoro pemiti here?’ Zvino miti ikati kumuonde, ‘Uya iwe, uve mambo wedu.’ Asi muonde wakati kwairi, ‘Ko ini ndingarega kutapira kwangu nemichero yangu yakanaka, ndipepere uko nokoko pamusoro pemiti here?’ Zvino miti ikati kumuzambiringa, ‘Uya iwe, uve mambo wedu.’ Muzambiringa ukati kwairi, ‘Ko ini ndingarega waini yangu, inofadza Mwari navanhu, ndipepere uko nokoko pamusoro pemiti here?’ Ipapo miti yose yakati kurukato, ‘Uya iwe, uve mambo wedu.’ Rukato rukati kumiti, ‘Kana mukandizodza kuti ndive mambo wenyu zvirokwazvo, chiuyai muvande pamumvuri wangu; kana musingadi, moto ngaubude parukato, uparadze misidhari yeRebhanoni.’
“Saka zvino kana makaita zvakanaka nezvakarurama, zvamakaita Abhimereki mambo wenyu, uye kana makaitira Jerubhaari sezvaakafanirwa pamusoro pezvaakakuitirai, (nokuti baba vangu vakakurwirai, vasingarangariri upenyu hwavo, vakakurwirai mumaoko avaMidhiani; imi mukamukira nhasi imba yababa vangu, mukauraya pabwe rimwe vanakomana vake, vanhu vana makumi manomwe, mukaita Abhimereki, mwanakomana womurandakadzi wake, mambo wavarume veShekemu, zvairi hama yenyu;) kana makaitira Jerubhaari neimba yake zvakanaka nezvakarurama nhasi, chifarirai henyu Abhimereki, naiye akufarireiwo; asi kana zvisina kunaka, moto ngaubude kuna Abhimereki, uparadze varume veShekemu, naveimba yaMiro; uye moto ngaubude kuvarume veShekemu, naveimba yaMiro, uparadze Abhimereki.” Ipapo Jotamu akamhanya, akatiza, akandogara paBheeri, nokuti wakatya Abhimereki mukuru wake.