Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 8:27-35

Vatongi 8:27-35 SCLB

Gidheoni akagadzira nazvo hanzu yeefodhi akandoiisa muguta rake reOfura. VaIsiraeri vose vakaita unzenza hwokuinamata ikoko ikabva yava chinhu chakateya Gidheoni nemhuri yake. Naizvozvo vaMidhiani vakakurirwa navaIsiraeri, havana kana kuzombosimudza musoro. Panguva yaGidheoni, nyika yakava norunyararo kwamakumi mana amakore. Jerubhaari mwanakomana waJoashi akandogara kumusha kwake. Zvino Gidheoni uyu aiva navana vakomana makumi manomwe vake vokubereka nokuti aiva navakadzi vazhinji. Murongo wake aigara kuShikemu akamuberekerawo mwana mukomana. Iye akamutumidza zita rokuti Abhimereki. Gidheoni mwanakomana waJoashi akazofawo anyatsokwegura, akavigwa muguva rababa vake kuOfura ravaAbhiezeri. Zvakazoitika kuti Gidheoni paakangofa vaIsiraeri vakapanduka vakaita unzenza hwokunamata vanaBhaari. Vakazvigadzirira Bhaaribheriti kuti ave mwari wavo. VaIsiraeri vakakanganwa Tenzi, Mwari wavo akanga avanunura mumaoko avavengi vavo vakanga vakavakomberedza. Havana zvakare kana kumboita hanya nevemhuri yaJerubhaari, (Gidheoni uya uya) maererano nezvakanaka zvose zvaakaitira vaIsiraeri.

Verenga chikamu Vatongi 8