Vatongi 8:27-35
Vatongi 8:27-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Gidheoni akaita nazvo efodhi yegoridhe iyo yaakaisa muOfira, guta rake. VaIsraeri vose vakaita ufeve nokuinamata ipapo, uye yakava musungo kuna Gidheoni nokumhuri yake. Naizvozvo vaMidhiani vakakundwa pamberi pavaIsraeri uye havana kuzosimudzazve musoro wavo. Pamazuva okurarama kwaGidheoni, nyika yakava norugare kwamakore makumi mana. Jerubhi-Bhaari mwanakomana waJoashi akadzokerazve kundogara kumusha kwake. Akanga ana vanakomana vake chaivo makumi manomwe, nokuti akanga ana vakadzi vazhinji. Murongo wake, aigara muShekemu, akamuberekerawo mwanakomana, akamutumidza kuti Abhimereki. Gidheoni mwanakomana waJoashi akafa akwegura zvikuru uye akavigwa muguva rababa vake Joashi muOfira ravaAbhiezeri. Gidheoni akati achangofa, vaIsraeri vakafevazve vakatevera vaBhaari. Vakamisa Bhaari Bheriti samwari wavo uye havana kurangarira Jehovha Mwari wavo, akanga avanunura kubva mumaoko avavengi vavo kumativi ose. Vakatadza kuitira mhuri yaJerubhi-Bhaari (iye Gidheoni) zvakanaka pazvinhu zvose zvakanaka zvaakanga avaitira.
Vatongi 8:27-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Gidheoni akagadzira nazvo hanzu yeefodhi akandoiisa muguta rake reOfura. VaIsiraeri vose vakaita unzenza hwokuinamata ikoko ikabva yava chinhu chakateya Gidheoni nemhuri yake. Naizvozvo vaMidhiani vakakurirwa navaIsiraeri, havana kana kuzombosimudza musoro. Panguva yaGidheoni, nyika yakava norunyararo kwamakumi mana amakore. Jerubhaari mwanakomana waJoashi akandogara kumusha kwake. Zvino Gidheoni uyu aiva navana vakomana makumi manomwe vake vokubereka nokuti aiva navakadzi vazhinji. Murongo wake aigara kuShikemu akamuberekerawo mwana mukomana. Iye akamutumidza zita rokuti Abhimereki. Gidheoni mwanakomana waJoashi akazofawo anyatsokwegura, akavigwa muguva rababa vake kuOfura ravaAbhiezeri. Zvakazoitika kuti Gidheoni paakangofa vaIsiraeri vakapanduka vakaita unzenza hwokunamata vanaBhaari. Vakazvigadzirira Bhaaribheriti kuti ave mwari wavo. VaIsiraeri vakakanganwa Tenzi, Mwari wavo akanga avanunura mumaoko avavengi vavo vakanga vakavakomberedza. Havana zvakare kana kumboita hanya nevemhuri yaJerubhaari, (Gidheoni uya uya) maererano nezvakanaka zvose zvaakaitira vaIsiraeri.

Vatongi 8:27-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Gidheoni akaita efodhi nazvo, akaiisa muguta rake, ipo paOfura; vaIsiraeri vose vakapata vachiitevera ipapo; ukava musungo kuna Gidheoni nokuna veimba yake. Saizvozvo vaMidhiani vakakundwa pamberi pavana vaIsiraeri, havana kuzosimudzazve misoro yavo. Nyika ikazorora makore ana makumi mana pamazuva aGidheoni. Zvino Jerubhaari, mwanakomana waJoashi, akandogara mumba make. Gidheoni wakanga ana vanakomana vana makumi manomwe vakanga vaberekwa naye, nokuti wakanga ana vakadzi vazhinji; uye nomurongo wake, wakanga ari paShemi, wakamuberekera mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Abhimereki. Gidheoni, mwanakomana waJoashi, akafa akwegura, akavigwa mubwiro hwaJoashi baba vake paOfura ravaAbhiezeri. Zvino Gidheoni wakati achangofa, vana vaIsiraeri vakadzokera shure, vakapata vachitevera vaBhaari, vakaita Bhaari-bheriti mwari wavo. Vana vaIsiraeri vakasarangarira Jehovha Mwari wavo, iye wakanga avarwira mumaoko avavengi vavo vose kunhivi dzose; uye havana kuitira veimba yaJerubhaari, iye Gidheoni, zvakanaka pamusoro pezvose zvakanaka zvaakanga aitira vaIsiraeri.
Vatongi 8:27-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Gidheoni akagadzira nazvo hanzu yeefodhi akandoiisa muguta rake reOfura. VaIsiraeri vose vakaita unzenza hwokuinamata ikoko ikabva yava chinhu chakateya Gidheoni nemhuri yake. Naizvozvo vaMidhiani vakakurirwa navaIsiraeri, havana kana kuzombosimudza musoro. Panguva yaGidheoni, nyika yakava norunyararo kwamakumi mana amakore. Jerubhaari mwanakomana waJoashi akandogara kumusha kwake. Zvino Gidheoni uyu aiva navana vakomana makumi manomwe vake vokubereka nokuti aiva navakadzi vazhinji. Murongo wake aigara kuShikemu akamuberekerawo mwana mukomana. Iye akamutumidza zita rokuti Abhimereki. Gidheoni mwanakomana waJoashi akazofawo anyatsokwegura, akavigwa muguva rababa vake kuOfura ravaAbhiezeri. Zvakazoitika kuti Gidheoni paakangofa vaIsiraeri vakapanduka vakaita unzenza hwokunamata vanaBhaari. Vakazvigadzirira Bhaaribheriti kuti ave mwari wavo. VaIsiraeri vakakanganwa Tenzi, Mwari wavo akanga avanunura mumaoko avavengi vavo vakanga vakavakomberedza. Havana zvakare kana kumboita hanya nevemhuri yaJerubhaari, (Gidheoni uya uya) maererano nezvakanaka zvose zvaakaitira vaIsiraeri.
Vatongi 8:27-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Gideoni akaita efodi naɀo, akaiisa muguta rake, ipo paOfra; ʋaIsraeri ʋose ʋakapata ʋaciiteʋera ipapo; ukaʋa musuŋgo kunaGideoni nokunaʋeimba yake. Saiɀoɀo ʋaMidiani ʋakakundwa pamberi paʋana ʋaIsraeri, haʋana‐kuzosimudza ɀe misoro yaʋo. Nyika ikazorora makore anamakumi manna pamazuʋa aGideoni. Ɀino Jerubaari, mŋanakomana waJoashi, akandogara mumba make. Gideoni wakaŋga anaʋanakomana ʋanamakumi manomŋe ʋakaŋga ʋaɓerekwa naye, nokuti wakaŋga anaʋakadzi ʋazhinji; ʋuye nomuroŋgo wake, wakaŋga ari paShekemi, wakamuɓerekera mŋanakomana, akamutumidza zita rinonzi Abimereki. Gideoni, mŋanakomana waJoashi, akafa akwegura, akaʋigwa mubgiro bgaJoashi ɓaɓa ʋake paOfra raʋaAbiezeri. Ɀino Gideoni wakati acaŋgofa, ʋana ʋaIsraeri ʋakadzokera shure, ʋakapata ʋaciteʋera ʋaBaari, ʋakaita Baari‐beriti mŋari waʋo. Ʋana ʋaIsraeri ʋakasaraŋgarira Jehova Mŋari waʋo, iye wakaŋga aʋarwira mumaʋoko aʋaʋeŋgi ʋaʋo ʋose kunhiʋi dzose; ʋuye haʋana‐kuitira ʋeimba yaJerubaari, iye Gideoni, ɀakanaka pamsoro peɀose ɀakanaka ɀaakaŋga aitira ʋaIsraeri.