Gidheoni akaita efodhi nazvo, akaiisa muguta rake, ipo paOfura; vaIsiraeri vose vakapata vachiitevera ipapo; ukava musungo kuna Gidheoni nokuna veimba yake. Saizvozvo vaMidhiani vakakundwa pamberi pavana vaIsiraeri, havana kuzosimudzazve misoro yavo. Nyika ikazorora makore ana makumi mana pamazuva aGidheoni. Zvino Jerubhaari, mwanakomana waJoashi, akandogara mumba make. Gidheoni wakanga ana vanakomana vana makumi manomwe vakanga vaberekwa naye, nokuti wakanga ana vakadzi vazhinji; uye nomurongo wake, wakanga ari paShemi, wakamuberekera mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Abhimereki. Gidheoni, mwanakomana waJoashi, akafa akwegura, akavigwa mubwiro hwaJoashi baba vake paOfura ravaAbhiezeri. Zvino Gidheoni wakati achangofa, vana vaIsiraeri vakadzokera shure, vakapata vachitevera vaBhaari, vakaita Bhaari-bheriti mwari wavo. Vana vaIsiraeri vakasarangarira Jehovha Mwari wavo, iye wakanga avarwira mumaoko avavengi vavo vose kunhivi dzose; uye havana kuitira veimba yaJerubhaari, iye Gidheoni, zvakanaka pamusoro pezvose zvakanaka zvaakanga aitira vaIsiraeri.
Verenga chikamu Vatongi 8
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Vatongi 8:27-35
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo