Varume veIsiraeri vakataurira Gidheoni vachiti, “Zvamakatinunura mumaoko avaMidhiani dai mukachiva zvenyu mutongi wedu iyemi muchiteverwa nomwanakomana wenyu kwozouya muzukuru wenyu mukomana.” Asi Gidheoni akavati, “Ini handisi kuzova mutongi wenyu, mwanakomana wangu haasi kuzovawo mutongi wenyu, asi Tenzi ndiye achava mutongi wenyu.” Gidheoni akatiwo kwavari, “Chinhu chimwechete chandinokukumbirai ndechokuti mumwe nomumwe wenyu ngaandipe mhete dzomunzeve dziri muzvinhu zvaakapamba.” Akadaro nokuti vaiva nemhete dzendarama dzomunzeve, zvavakanga vari vechiIshimaeri. Ivo vakati, “Zvokukupai, tinokupai zvedu.” Vakawaridza jira murume woga woga ndokubva atora mhete muzvinhu zvaakapamba, achikandapo. Uremo hwemhete dzendarama dzaakanga avakumbira dziya hwakaita chiuru chimwechete chamashekeri endarama namazana manomwe awo, tisingaverengei zvedu nyembe namakoza nehanzu dzeruvara rwehute dzaipfekwa namadzimambo evaMidhiani uye ngetani dzaiva mumitsipa yengamera dzavo. Gidheoni akagadzira nazvo hanzu yeefodhi akandoiisa muguta rake reOfura. VaIsiraeri vose vakaita unzenza hwokuinamata ikoko ikabva yava chinhu chakateya Gidheoni nemhuri yake. Naizvozvo vaMidhiani vakakurirwa navaIsiraeri, havana kana kuzombosimudza musoro. Panguva yaGidheoni, nyika yakava norunyararo kwamakumi mana amakore. Jerubhaari mwanakomana waJoashi akandogara kumusha kwake. Zvino Gidheoni uyu aiva navana vakomana makumi manomwe vake vokubereka nokuti aiva navakadzi vazhinji. Murongo wake aigara kuShikemu akamuberekerawo mwana mukomana. Iye akamutumidza zita rokuti Abhimereki. Gidheoni mwanakomana waJoashi akazofawo anyatsokwegura, akavigwa muguva rababa vake kuOfura ravaAbhiezeri. Zvakazoitika kuti Gidheoni paakangofa vaIsiraeri vakapanduka vakaita unzenza hwokunamata vanaBhaari. Vakazvigadzirira Bhaaribheriti kuti ave mwari wavo. VaIsiraeri vakakanganwa Tenzi, Mwari wavo akanga avanunura mumaoko avavengi vavo vakanga vakavakomberedza. Havana zvakare kana kumboita hanya nevemhuri yaJerubhaari, (Gidheoni uya uya) maererano nezvakanaka zvose zvaakaitira vaIsiraeri.
Verenga chikamu Vatongi 8
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Vatongi 8:22-35
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo