Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 8:22-35

Vatongi 8:22-35 SNA2002

Zvino varume vaIsiraeri vakati kuna Gidheoni, “Mutibate ushe imi nomwanakomana wenyu, nomwanakomana womwanakomana wenyuwo, nokuti makatiponesa pamaoko avaMidhiani.” Gidheoni akati kwavari, “Ini handingakubatiyi ushe, kunyange mwanakomana wangu haangakubatiyi ushe; Jehovha ndiye uchakubatai.” Gidheoni akati kwavari, “Ndinoda kukumbira chinhu chimwe kwamuri: Mumwe nomumwe wenyu ngaandipe zvindori zvemhino zviri pakati pezvakapambwa zvake.” (Nokuti vakanga vane zvindori zvemhino zvendarama, nokuti vakanga vari vaIshimaeri.) Vakapindura vakati, “Tichakupai izvo nomwoyo wose!” Ipapo vakawarira nguo, mumwe nomumwe akakandirapo zvindori zvemhino, zvakanga zviri pakati pezvakapambwa zvavo. Zvindori izvo zvemhino zvendarama, zvaakakumbira kwavari, pakurema kwazvo zvikasvika mashekeri ane chiuru chimwe namazana manomwe endarama; asi havana kuverenga zvishongo zvakanga zvakafanana nomwedzi, nezvindori zvaishongwa, nenguo shava dzaifukwa namadzimambo aMidhiani; havana kuverengawo uketani hwakanga hwuri pamitsipa yamakamera avo. Gidheoni akaita efodhi nazvo, akaiisa muguta rake, ipo paOfura; vaIsiraeri vose vakapata vachiitevera ipapo; ukava musungo kuna Gidheoni nokuna veimba yake. Saizvozvo vaMidhiani vakakundwa pamberi pavana vaIsiraeri, havana kuzosimudzazve misoro yavo. Nyika ikazorora makore ana makumi mana pamazuva aGidheoni. Zvino Jerubhaari, mwanakomana waJoashi, akandogara mumba make. Gidheoni wakanga ana vanakomana vana makumi manomwe vakanga vaberekwa naye, nokuti wakanga ana vakadzi vazhinji; uye nomurongo wake, wakanga ari paShemi, wakamuberekera mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Abhimereki. Gidheoni, mwanakomana waJoashi, akafa akwegura, akavigwa mubwiro hwaJoashi baba vake paOfura ravaAbhiezeri. Zvino Gidheoni wakati achangofa, vana vaIsiraeri vakadzokera shure, vakapata vachitevera vaBhaari, vakaita Bhaari-bheriti mwari wavo. Vana vaIsiraeri vakasarangarira Jehovha Mwari wavo, iye wakanga avarwira mumaoko avavengi vavo vose kunhivi dzose; uye havana kuitira veimba yaJerubhaari, iye Gidheoni, zvakanaka pamusoro pezvose zvakanaka zvaakanga aitira vaIsiraeri.

Verenga chikamu Vatongi 8