Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 7:16-25

Vatongi 7:16-25 SCLB

Akaisa mazana matatu aya avarume muzvikwata zvitatu. Akapa munhu wose hwamanda, nechirongo chisina chinhu, nemwenje muzvirongo. Akavati, “Monyatsonditarisa mutevedzere zvandinoita. Kana ndasvika kumucheto wamatendhe, zvandinenge ndaita, imi moitawo saizvozvo. Mukanzwa ini navandinenge ndinavo taridza hwamanda, imi mobva maridzawo hwamanda, mativi ose akakomberedza tendhe, muzhambe muchiti, ‘Hondo yaTenzi, hondo yaGidheoni.’ ” Gidheoni navarume zana vaaiva navo, vakasvika kumucheto wamatendhe avo nguva yomurira kamwe vaMidhiani vachangobva mukutsinhana kugaririra. Vana Gidheoni vakaridza hwamanda vakabwadura-bwadura zvirongo zvavakanga vakatakura. Vezvikwata zvitatu zviya vakaridza hwamanda, vakabwadura-bwadura zvirongo zviya. Kuruboshwe vainge vakabata mwenje, kurudyi vakabata hwamanda dzokuridza. Vakazhamba vachiti, “Hondo yaTenzi, hondo yaGidheoni!” Munhu wose akamira panzvimbo yake vakatenderedza matendhe iwayo. Hondo yavaMidhiani ndokuti ware kutiza ichiridza mhere. Pavakaridza mazana matatu ehwamanda, Tenzi akaita kuti vaMidhiani vabayane pachavo nokurwisawo hondo yose. Hondo yavo yakatiza kusvikira kuBhetishita yakananga kuZerera kudzamara kumuganho weAbherimehora pedyo neTabhati. Kwakadaidzwa vaIsiraeri varume vedzinza rokwaNafutari neraAsheri navose vedzinza raManase vakadzingirira vaMidhiani. Gidheoni akatuma nhumwa kunyika yaEfuraimu yamakomo neshoko rokuti, “Uyai muzochingudzira vaMidhiani, mufanovadzivirira pose pokuyambuka napo Jorodhani kusvikira kuBhetibhara.” Saka varume vose vokwaEfuraimu vakakokorodzwa vakafanodzivirira pokuyambuka napo Jorodhani kusvikira kuBhetibhara. Vakabata vatungamiriri vaviri vechiMidhiani vanoti, Orebhu naZeebhu. Vakaurayira Orebhu paruware, Zeebhu akaurayirwawo kuchisviniro chewaini chokwaZeebhu, pavaidzingirira vaMidhiani. Vakauya nomusoro waOrebhu newaZeebhu kuna Gidheoni kumhiri kwaJorodhani.

Verenga chikamu Vatongi 7