Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 7:16-25

Vatongi 7:16-25 SNA2002

Zvino akakamura varume avo vana mazana matatu, akaita mapoka matatu, akapa mumwe nomumwe hwamanda muruoko rwake, nezvirongo zvisine chiro, nezhenje mukati mezvirongo. Akati kwavari, “Mutarire kwandiri, mugoita seni; tarirai, kana ndichisvika kumudzivo wemisasa, sezvandinoita ini, nemiwo muite saizvozvo. Kana ndoridza hwamanda ini navose vandinavo, nemiwo muridze hwamanda kunhivi dzose dzemisasa, muchiti, ‘Munondo waJehovha nowaGidheoni!’ ” Naizvozvo Gidheoni navarume vane zana vaakanga anavo, vakasvika kumudzivo wemisasa pakutanga kwenguva yapakati yousiku, vachangoisa varindi; vakaridza hwamanda, vakaputsa zvirongo zvakanga zviri mumaoko avo. Ipapo mapoka matatu akaridza hwamanda, vakaputsa zvirongo, vakabata zhenje mumaoko avo oruboshwe, nehwamanda dzokuridza mumaoko avo orudyi, vakadanidzira vachiti, “Munondo waJehovha nowaGidheoni!” Vakamira mumwe nomumwe panzvimbo yake, vakakomba misasa; hondo yose ikamhanya, vakaridza mhere, vakatiza. Vakaridza hwamanda dzina mazana matatu, Jehovha akarwisa munondo womumwe nomumwe neshamwari yake, uye nehondo yose; hondo ikatiza kusvikira paBhetishita kurutivi rweZerera, kusvikira kumuganhu weAbherimehora, paTabhati. Zvino varume vaIsiraeri vakaungana, vachibva kwaNafutari, nokwaAsheri, nokwaManase, vakatevera Midhiani. Gidheoni akatuma nhume panyika yose yamakomo yaEfuremu, akati, “Burukai mundorwa naMidhiani, muvatangire kugarira nzizi dzemvura kusvikira paBheti-bhara neJorodhaniwo.” Vakabata machinda maviri aMidhiani, Orebhi naZeebhi, vakauraya Orebhi padombo raOrebhi, naZeebhi, vakamuuraya pachisviniro chewaini chaZeebhi, vakatevera vaMidhiani; vakauya nemisoro yaOrebhi naZeebhi kuna Gidheoni mhiri kwaJorodhani.

Verenga chikamu Vatongi 7