VaIsiraeri vakaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi, Tenzi akabva avaisa mumaoko avaMidhiani kwamakore monomwe. VaMidhiani vaibata vaIsiraeri zvechisimba. Pamusana pavaMidhiani ivavo, vaIsiraeri vakazvigadzirira pokugara mumakomo, nomumapako, napane dzimwe nzvimbo dzokuzvidzivirira. Kwaiti kana vaIsiraeri vakadyara mbeu dzavo vaMidhiani navaAmareki namamwewo marudzi okumabvazuva vaiuya kuzovarwisa. Vaisvikodzika matendhe avo pedyo navo, voparadza zvirimwa zvavo muminda kusvikira kuGaza. Havaisiya kana chokubata muIsiraeri. Vaituta zvose hwai nemombe namadhongi. Chaiitika ndechokuti vaiuya vaine zvipfuwo zvavo namatendhe vakawanda semhashu, vanhu nengamera dzavo zvisingaverengeki. Vaiti kana vauya vaisiya nyika yaparara. VaIsiraeri vaisara vangovawo vanhu zvavo, vasisina chokubata pamusana pevaMidhiani. VaIsiraeri vakachema kuna Tenzi kuti avanunure. VaIsiraeri pavakachema kuna Tenzi pamusana pavaMidhiani, Tenzi akavatumira muporofita akati, “Zvanzi naTenzi Mwari wavaIsiraeri, ‘Ndakakuburitsai kuIjipiti, ndichikununurai muuranda. Ndakakununurai mumaoko avaIjipiti nomumaoko avose vaikubatai uranda. Ndakafanokudzingirai vanhu ivavo ndikakupai nyika yavo.’ Ndakakutaurirai kuti, ‘Ini Tenzi ndini Mwari wenyu. Musambonamata vamwari vavaAmori vane nyika yamugere, asi imi hamuna kunditerera.’ ”
Verenga chikamu Vatongi 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Vatongi 6:1-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo