Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 6:1-10

Vatongi 6:1-10 SNA2002

Zvino vana vaIsiraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha, Jehovha akavaisa mumaoko aMidhiani makore manomwe. Midhiani akakunda Isiraeri; vana vaIsiraeri vakazviitira pokuvanda pamakomo, namapako, nenhare, nokuda kwaMidhiani. Nokuti vaIsiraeri vakati kana vakusha, vaMidhiani navaAmareki navana vamabvazuva ndokukwira kuzorwa navo. Vakadzika matende avo pakatarisana navo, ndokuparadza zvibereko zveminda kusvikira paGaza; havana kusiyira vaIsiraeri zvokudya kana makwai kana mombe, kana mbongoro. Nokuti vaikwira nezvipfuwo zvavo, namatende avo; vaiuya vakawanda semhashu, vasingagoni kuverengwa, ivo namakamera avo; vaipinda munyika kuti vaiparadze. VaIsiraeri vakava varombo kwazvo nokuda kwaMidhiani; zvino vana vaIsiraeri vakachema kuna Jehovha. Zvino vana vaIsiraeri vakati vachichema kuna Jehovha nokuda kwaMidhiani, Jehovha akatuma muporofita kuvana vaIsiraeri; iye akati kwavari, “Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, ‘Ndakakukwidzai, ndichikubudisai paIjipiti, nokukubudisai paimba youranda; ndikakurwirai mumaoko avaIjipiti, nomumaoko avose vaikumanikidzai, ndikavadzinga pamberi penyu, ndikakupai nyika yavo’; ndikati kwamuri, ‘Ndini Jehovha Mwari wenyu; hamufaniri kutya vamwari vavaAmori, vamugere munyika yavo; asi hamuna kuterera izwi rangu.’ ”

Verenga chikamu Vatongi 6