Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 16:15-31

Vatongi 16:15-31 SCLB

Dheraira akati kwaari, “Ungagoti unondida seiko, iwe mwoyo wako uri kurekure neni? Rwendo runo rwava rwechitatu, uchindiita zvako rema, usingandiudze kunobva simba rako guru rakadai.” Dheraira akaramba achimunetsa zuva nezuva nezvaaitaura kusvikira Samusoni aneta zvokukungura kufa. Ndipo paakazodura pachena zvaiva mumwoyo make achiti, “Musoro wangu uyu hausati wamboveurwa nechisvo nokuti ndiri muNaziri akatsaurirwa Mwari kubvira pakuberekwa kwangu. Kana ndikangoveurwa musoro chete, simba rangu rinobva raenda ndichibva ndasara ndisisina simba ndigoitawo sezvakangoitawo munhu wose wose.” Dheraira paakangoona kuti Samusoni azomudurira pachena zvaiva mumwoyo make chaizvo, akatumira nhume kumadzishe avaFirisitia achiti, “Chibvai mauya, nokuti rwendo runo andifushunurira pachena zviri mumwoyo make.” Madzishe evaFirisitia akabva auya kwaari, vakabata mari iya mumaoko. Dheraira akavatisa Samusoni pamakumbo. Akadaidza mumwe murume, akamugera musoro mapfundo manomwe evhudzi ndokutanga kuita zvinhu zvokumurwadzisa, simba rake richabva rapera. Akadaidzira achiti, “Samusoni, hokoyo navaFirisitia.” Samusoni akati vharavhazhu kumuka ndokuti, “Ndichazvizunza ndigopunyuka sezvandanga ndichingoita,” asingazivi kuti Tenzi akanga atomusiya. VaFirisitia vakamuti dzvi vakamusvukunura maziso ake. Vakaenda naye kuGaza, ndokumusunga nesimbi dzendarira. Ndokumuitisa basa rokugaya upfu ari mujeri. Asi vhudzi rake romusoro rakatanga kukura. Madzishe avaFirisitia akakokorodzana kuzopira Dhagoni mwari wavo chibayiro chomupiro mukuru kwazvo vachipembera nokufara nokuti vaiti, “Mwari wedu aisa mumaoko edu Samusoni muvengi wedu.” Vanhu pavakangomuona, vakarumbidza mwari wavo vachiti, “Mwari wedu aisa muvengi wedu, mumaoko edu. Mharadzi yenyika yedu, nyakuuraya vazhinji vedu.” Vakati zvino vafarisa, ndokuti, “Tidaidzirei zvedu Samusoni ativaraidze.” Nokudaro vakandotora Samusoni mujeri maakanga ari, akatamba achivavaraidza. Vakamumisa pakati pembiru dzaivamo. Samusoni ndokutaurira mukomana aimutungamirira achiti, “Ndisvitsewo pane mbiru dzakatsigira imba ino iyi, undirege ndimbozembera zvangu padziri.” Zvino mumba iyoyo makanga makaita zvokutsikana kuwanda, varume navakadzi. Madzishe ose evaFirisitia akanga arimowo. Nechomudenga memba iyoyo makanga mune zviuru zvitatu zvavanhu, varume navakadzi vakanga vachitarisa zvavo Samusoni achivavaraidza nokutamba. Ipapo Samusoni akachema kuna Tenzi achiti, “Tenzi Mwari, ndiyeukeiwo, ndateterera mundisimbisewo kwanhasi uno chete Mwari, ndapota zvangu ndibve ndangotsividza kamwechete vaFirisitia maziso angu ari maviri.” Samusoni akabata mbiru mbiri dziya dzapakati dzakanga dzakatsigira imba iyoyo, imwe akaibata noruoko rwake rorudyi imwe noruboshwe achidzisunda. Ndokubva Samusoni, ati, “Chiregai ndichifa zvangu pamwechete navaFirisitia.” Akakotama nesimba rake rose, imba ikabva yati ririri kuwira pamusoro pamadzishe ose navanhu vose vaivamo. Nokudaro vanhu vaakauraya pakufa kwake vakanga vakawanda kwazvo kupfuura vaakambouraya achiri mupenyu. Vakoma navanun'una vake navose vemhuri yokwababa wake vakadzikako vakamutora vakauya naye vakamuviga pakati peZora neEshitaori muguva rababa wake Manoa ravaiviga vanhu vavo. Samusoni uyu akatonga vaIsiraeri kwamakumi maviri amakore.

Verenga chikamu Vatongi 16