Iye akati kwaari, “Zvino ungataura seiko uchiti, ‘Ndinokuda, kana mwoyo wako usinganditendi? Zvino wandidadira katatu, usingandiudzi kuti simba rako guru rinobvepi?’ ” Zvino wakati achingomutambudza mazuva ose namashoko ake, achigombedzera, mwoyo wake ukanetswa kusvikira pakufa. Akamuudza nomwoyo wake wose akati kwaari, “Musoro wangu hauna kutongoveurwa nechisvo, nokuti ndiri muNaziri waMwari kubva padumbu ramai vangu; kana ndikaveurwa, simba rangu richabva kwandiri, ndingashaiwa simba, ndikaita somumwe munhu.”
Zvino Dherira wakati aona kuti wamuudza nomwoyo wake wose, akatuma munhu kundodana madzishe avaFirisitia, akati, “Kwirai henyu kuno nguva ino, nokuti wandiudza nomwoyo wake wose.” Ipapo madzishe avaFirisitia vakakwira kwaari, vakauya nemari mumaoko avo. Iye akamuvatisa pamabvi ake, akadana munhu kuzoveura mhotsi nomwe dzevhudzi romusoro wake; akatanga kumumanikidza; simba rake rikabva kwaari. Akati, “Samusoni, vaFirisitia vasvika!” Ipapo Samusoni akapepuka pahope dzake, akati, “Ndichabuda nguva inowo sapane dzimwe nguva, ndikazvisunungura;” asi wakanga asingazivi kuti Jehovha wakanga abva kwaari. Zvino vaFirisitia vakamubata, vakamutumbura meso, vakaburuka naye Gaza, ndokumusunga nezvisungo zvendarira, akakuya mutorongo. Asi vhudzi romusoro wake rakatanga kurebazve shure kwokuveurwa kwake.
Zvino madzishe avaFirisitia akaungana pamwechete kuzobayira Dhagoni mwari wavo chibayiro chikuru, ndokufara; nokuti vakati, “Mwari wedu wakaisa mumaoko edu muvengi wedu Samusoni.” Zvino vanhu vakati vachimuona, vakarumbidza mwari wavo, nokuti vakati, “Mwari wedu wakaisa mumaoko edu muvengi wedu, nomuparadzi wenyika yedu, wakauraya vazhinji vedu.” Zvino mwoyo yavo yakati yofara, vakati, “Chidanai Samusoni, atitambire.” Vakandodana Samusoni mutorongo, akatamba pamberi pavo, vakamuisa pakati pembiru. Zvino Samusoni akati kumukomana wakanga akabata ruoko rwake, “Nditendere kuti ndibate mbiru dzakatsigira imba, ndisendamire padziri.” Zvino imba yakanga izere navarume navakadzi; namadzishe avaFirisitia akanga arimo ose; napamusoro pedenga pakanga pana varume navakadzi vanenge zviuru zvitatu, vakanga vachitarira kutamba kwaSamusoni.
Ipapo Samusoni akadana kuna Jehovha akati, “Ishe Mwari, ndirangarirei henyu, ndisimbisei henyu nguva ino bedzi, imi Mwari, nditsivirwe meso angu maviri kuvaFirisitia.” Samusoni akabata mbiru mbiri dzapakati, dzakanga dzakatsigira imba, akadzisunda, imwe noruoko rwake rworudyi neimwe noruoko rwake rworuboshwe. Ipapo Samusoni akati, “Ngandife hangu pamwechete navaFirisitia.” Akakotama nesimba rake rose, imba ikawira pamusoro pamadzishe, napamusoro pavanhu vaivamo. Naizvozvo vakafa vaakauraya pakufa kwake, vakanga vari vazhinji kuna vakaurawa naye achiri mupenyu.
Zvino hama dzake, navose veimba yababa vake, vakaburuka, vakamutora, vakakwira naye, ndokumuviga pakati peZora neEshitaori, pabwiro yaManoa, baba vake. Iye wakatonga vaIsiraeri makore ana makumi maviri.