Kwati perei chinguva, yave nguva yokukohwa koroni, Samusoni akaenda kundobvakachira mukadzi wake akamuigira mbudzana. Akasvikoti, “Ndava kudawo kuchipinda mumba nomukadzi wangu.” Asi vatezvara vake vakaramba.
Vakati, “Ndakatosvika pokunyatsofunga kuti, imi hamuchambomuda zvenyu, ndikabva ndamupa zvangu kune muperekedzi wenyu uya. Inga munun'una wake akatonaka kupinda mukoma wake wani. Dai matora zvenyu iyeyo pachinzvimbo chake.”
Samusoni akati kwavari, “Kuwana chii zvacho chandinenge ndaita kumaFirisitia chokuvatsvata, rwendo runo mhosva haisi yangu.” Saka Samusoni akandobata makava mazana matatu, ndokuasunganidza miswe yawo ari maviri maviri. Pakati pemiswe miviri yawo yakanga yakasunganidzwa akaisa zhenje romoto. Paakatungidza mazhenje omoto aya, akabva ati makava iwayo muminda yavaFirisitia isati yakohwiwa, sunde. Ndokupisa kwaakaita zvisote zvekoroni nembesanwa dzakanga dzakamira muminda, pamwechete neminda yemagirepisi neyemiorivhi. VaFirisitia vakabvunzana vachiti, “Ndianiko aita izvi?” Zvikanzi, “NdiSamusoni, mukuwasha womuTimuna uya nokuti vatezvara vake vakatora mukadzi wake vakamupa kune mumwe aiva muperekedzi wake.” VaFirisitia vakaendako, vakapisa nomoto mukadzi iyeyo nababa wake.
Samusoni akavati, “Kana ariwo maitiro enyu aya chokwadi ndinotsidza kuti ndichatokutsividzai ndokuzoenda zvangu.” Akavauraya chaizvo gumi nefararira, ndokubva aenda kundogara mubako rokuEtamu.
VaFirisitia vakakwira vakandodzika matendhe avo munyika yaJudha. Vakabva vaita fararira kurwisa guta rose reRehi. Varume vomudzinza raJudha vakabvunza kuti, “Chamavinga kuzotirwisira chii?” Ivo vakati, “Tauya kuzosunga Samusoni kuti timutsividze zvaakatiitira.” Varume zviuru zvitatu vedzinza rokwaJudha vakadzika kubako rokuEtamu vakandoti kuna Samusoni, “Hauzivi kuti vaFirisitia ndivo vanotitonga here? Zvino chii chawakatiparira ichi?” Iye akati, “Ndiri kuvatsividza zvavakandiitira.” Ivo vakati kwaari, “Tadzika kuno kuzokusunga kuti tikuise mumaoko evaFirisitia.” Samusoni akati kwavari, “Nditsidzirei kuti hamuzondiuraya imi pachenyu.” Ivo vakati, “Kwete, tichangokusunga chete tokuisa mumaoko avo, hatizokuuraya.” Vakamusunga netambo mbiri itsva, ndokumubvisa pabako apa. Kuzoti asvika kuguta reRehi, vaFirisitia vakauya kuzomuchingura vachipemberera. Mweya waTenzi wakauya paari nesimba. Tambo dzakanga dzakasunga maoko ake dzakadambuka seshinda yefurakisi yatsva nomoto. Tambo dzakanga dzakamusunga ndokubva dzananauka kubva mumaoko ake. Akawana rushaya rwedhongi rwakanga ruchakasimba, akarutora akauraya narwo chiuru chavarume. Samusoni akati,
“Norushaya rwedhongi
ndakavaita matutu matutu
norushaya rwedhongi
ndakauraya chiuru chavanhu.”
Paakapedza kutaura akakanda pasi rushaya rwedhongi rwuya. Nzvimbo iyoyo yakapiwa zita rokuti Ramatirehi. Samusoni akanga afa chaizvo nenyota, akachema kuna Tenzi achiti, “Makasevenzesa ini muranda wenyu kuunza ruponeso urwu rukuru. Ndofa here zvangu nenyota ndichizova mumaoko avanhu vasina kudzingiswa?” Mwari ndokutsemura guvi raiva muRehi makaremo mvura ndokubudamo. Samusoni akamwa akabva anzwa pano moyo, simba rake rikabva radzoka. Zita rechisipiti ichocho rakabva ranzi Enihakore, chichiriko kuRehi nanhasi uno.
Samusoni akatonga vaIsiraeri munguva dzavaFirisitia kwamakore makumi maviri.