Vatongi 15:1-20
Vatongi 15:1-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mushure mechinguva, panguva yokukohwa gorosi, Samusoni akatora mbudzana akaenda kundoshanyira mukadzi wake. Akati, “Ndinoda kupinda mumba nomukadzi wangu.” Asi baba vomukadzi wake havana kumutendera kupinda. Baba vomukadzi wake vakati, “Ndakanga ndine chokwadi chaizvo kuti unomuvenga kwazvo zvokuti ndakamupa kushamwari yako. Ko, mununʼuna wake haana kunaka kukunda iye here? Chimutora iye panzvimbo yake.” Samusoni akati kwaari, “Panguva ino ndine mvumo yokuti nditsive kuvaFiristia; ndichavaitira zvakaipa chaizvo.” Saka akabuda akandobata makava mazana matatu akaasunganidza miswe yawo achiita maviri maviri. Ipapo akaisa zhenje pakati pemiswe miviri miviri yacho. Akatungidza mazhenje akaregedza makava akapinda muzviyo zvavaFiristia zvakanga zvimire. Akapisa zviyo zvakanga zvakohwewa nezvakanga zvimire mumunda, pamwe chete neminda yemizambiringa neyemiorivhi. VaFiristia pavakabvunza kuti, “Ndianiko aita izvi?” vakaudzwa kuti, “NdiSamusoni, mukuwasha womuTimina, nemhaka yokuti mukadzi wake akapiwa kushamwari yake.” Saka vaFiristia vakaenda vakandomupisa iye nababa vake vakafa. Samusoni akati kwavari, “Sezvo maita kudai, ini handitombomiri kusvikira ndakutsivai.” Akavarwisa zvakasimba uye akauraya vazhinji vavo. Ipapo akaburuka akandogara mubako redombo reEtami. VaFiristia vakakwidza vakandodzika musasa wavo muJudha, vakapararira kusvika pedyo neRehi. Varume veJudha vakavabvunza vakati, “Mauyireiko kuzorwa nesu?” Ivo vakapindura vakati, “Tauya kuzotora Samusoni kuti ave musungwa, uye kuti tiite kwaari zvaakatiitira isu.” Ipapo varume zviuru zvitatu vaibva kuJudha vakaburuka kubako reEtami vakandoti kuna Samusoni, “Ko, haunzwi here kuti vaFiristia vanotitonga? Chiiko chawatiitira?” Akapindura akati, “Ndakangovaitira zvavakandiitira.” Ivo vakati kwaari, “Tauya kuzokusunga kuti tikuise kuvaFiristia.” Samusoni akati, “Pikai kwandiri kuti imi hamundiurayi pachenyu.” Ivo vakati, “Hongu, isu tichangokusunga bedzi tigokuisa mumaoko avo. Hatikuurayi isu.” Saka vakamusunga namabote matsva maviri vakamutungamirira kuruware. Akati aswedera kuRehi, vaFiristia vakauya kwaari vachidanidzira. Mweya waJehovha wakauya paari nesimba. Mabote akanga ari mumaoko ake akaita sorushinda, uye zvisungo zvikadonha mumaoko ake. Akawana rushaya rutsva rwembongoro, akarubata akauraya varume chiuru. Ipapo Samusoni akati, “Norushaya rwembongoro ndavaita mbongoro. Norushaya rwembongoro ndauraya varume chiuru.” Akati apedza kutaura, akakanda rushaya kure; uye nzvimbo iyoyo ikanzi Ramati Rehi. Nokuti akanga ava nenyota chaizvo, akadanidzira kuna Jehovha akati, “Mapa muranda wenyu kukunda kukuru. Zvino ndofira pano nenyota here ndigowira mumaoko avasina kudzingiswa?” Ipapo Mwari akazarura mukaha muRehi, mvura ikabuda mauri. Samusoni akati anwa, simba rake rakadzoka maari uye akamutsiridzwazve. Saka tsime iro rakanzi Eni Hakore, uye richirimo muRehi. Samusoni akatungamirira vaIsraeri kwamakore makumi maviri mumazuva avaFiristia.
Vatongi 15:1-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi nguva duku yakati yapera, panguva yokukohwa zviyo, Samusoni akandoshanyira mukadzi wake, akabata mbudzana; akati, “Ndinoda kupinda kumukadzi wangu mumba.” Asi baba vake vakaramba kumutendera kupinda. Baba vake vakati, “Zvirokwazvo, ndakati wamuvenga kwazvo; saka ndakamupa shamwari yako. Ko mun'una wake haamupfuuri nokunaka here? Mutore hake iye panzvimbo yake.” Samusoni akati kwavari, “Nguva ino handingavi nemhosva kuvaFirisitia, kana ndikavaitira zvakaipa.” Ipapo Samusoni akandobata makava ana mazana matatu, akatora mazhenje, akabatanidza miswe miviri-miviri, ndokuisa zhenje pakati pemiswe miviri. Zvino akatungidza mazhenje, ndokuaregedza, akapinda muzviyo zvavaFirisitia zvakanga zvaunganidzwa nezvakanga zvigere kukohiwa, neminda yemizambiringa neyemiorivhi. Ipapo vaFirisitia vakati, “Ndianiko waita izvozvo?” Vakati, “NdiSamusoni, mukuwasha womuTimuna, nokuti wakatora mukadzi wake, akamupa shamwari yake.” Zvino vaFirisitia vakakwira, vakamupisa iye nomukadzi nababa vake nomoto. Samusoni akati kwavari, “Kana mukaita saizvozvo, zvirokwazvo ndichakutsivai, pashure ndigorega.” Akavarova pazvidya nezviuno, akavauraya nokuuraya kukuru; akaburuka, akandogara pabako redombo reEtami. Zvino vaFirisitia vakakwira, vakandodzika matende avo paJudha, vakapararira muRehi. Varume vaJudha vakati, “Makwirireiko kuzorwa nesu.” Ivo vakati, “Takwira kuzosunga Samusoni, timuitire sezvaakatiitira isu.” Ipapo varume vaJudha vakanga vane zviuru zvitatu vakaburukira kubako redombo reEtami, vakati kuna Samusoni, “Hauzivi kuti vaFirisitia vabati vedu here? Chinyiko ichi chawatiitira?” Akati kwavari, “Sezvavakandiitira ini, ndizvo zvandakavaitirawo.” Vakati kwaari, “Isu taburukira kuno kuzokusunga, kuti tikuise mumaoko avaFirisitia.” Samusoni akati kwavari, “Pikai kwandiri, kuti imi hamungandivambi mumene.” Vakataura naye, vakati, “Kwete; asi tichakusunga, nokukuisa mumaoko avo; asi zvirokwazvo hatingakuurayi.” Vakamusunga netambo mbiri itsva, vakakwira naye vachibva padombo. Zvino wakati achisvika Rehi, vaFirisitia vakamupurudzira. Ipapo Mweya waJehovha akauya pamusoro pake nesimba guru; tambo dzakanga dzakasunga maoko ake dzikafanana noruchinda rwakatsva nomoto, zvisungo zvake zvikanyauka pamaoko ake. Akawana rushaya rwembongoro, akatambanudza ruoko rwake, akarutora, ndokuuraya varume vana mazana ane gumi narwo. Ipapo Samusoni akati, “Norushaya rwembongoro ndakauraya boka namapoka, Norushaya rwembongoro ndakauraya vana mazana ane gumi.” Zvino wakati apedza kutaura, akakanda kure rushaya rwakanga ruri muruoko rwake; nzvimbo iyo ikanzi Ramatirehi. Ipapo akanzwa nyota kwazvo, akachema kuna Jehovha, akati, “Matirwira kwazvo noruoko rwomuranda wenyu; zvino ndichafa nenyota, ndikawira mumaoko avasina kudzingiswa.” Asi Mwari wakapamura mukaha paRehi, mvura ikabudapo; zvino wakati anwa, mweya wake ukadzokera maari, akaponazve; naizvozvo ipapo pakatumidzwa Enihakori, tsime riri paRehi kusvikira nhasi. Iye akatonga vaIsiraeri makore makumi maviri pamazuva avaFirisitia.
Vatongi 15:1-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kwati perei chinguva, yave nguva yokukohwa koroni, Samusoni akaenda kundobvakachira mukadzi wake akamuigira mbudzana. Akasvikoti, “Ndava kudawo kuchipinda mumba nomukadzi wangu.” Asi vatezvara vake vakaramba. Vakati, “Ndakatosvika pokunyatsofunga kuti, imi hamuchambomuda zvenyu, ndikabva ndamupa zvangu kune muperekedzi wenyu uya. Inga munun'una wake akatonaka kupinda mukoma wake wani. Dai matora zvenyu iyeyo pachinzvimbo chake.” Samusoni akati kwavari, “Kuwana chii zvacho chandinenge ndaita kumaFirisitia chokuvatsvata, rwendo runo mhosva haisi yangu.” Saka Samusoni akandobata makava mazana matatu, ndokuasunganidza miswe yawo ari maviri maviri. Pakati pemiswe miviri yawo yakanga yakasunganidzwa akaisa zhenje romoto. Paakatungidza mazhenje omoto aya, akabva ati makava iwayo muminda yavaFirisitia isati yakohwiwa, sunde. Ndokupisa kwaakaita zvisote zvekoroni nembesanwa dzakanga dzakamira muminda, pamwechete neminda yemagirepisi neyemiorivhi. VaFirisitia vakabvunzana vachiti, “Ndianiko aita izvi?” Zvikanzi, “NdiSamusoni, mukuwasha womuTimuna uya nokuti vatezvara vake vakatora mukadzi wake vakamupa kune mumwe aiva muperekedzi wake.” VaFirisitia vakaendako, vakapisa nomoto mukadzi iyeyo nababa wake. Samusoni akavati, “Kana ariwo maitiro enyu aya chokwadi ndinotsidza kuti ndichatokutsividzai ndokuzoenda zvangu.” Akavauraya chaizvo gumi nefararira, ndokubva aenda kundogara mubako rokuEtamu. VaFirisitia vakakwira vakandodzika matendhe avo munyika yaJudha. Vakabva vaita fararira kurwisa guta rose reRehi. Varume vomudzinza raJudha vakabvunza kuti, “Chamavinga kuzotirwisira chii?” Ivo vakati, “Tauya kuzosunga Samusoni kuti timutsividze zvaakatiitira.” Varume zviuru zvitatu vedzinza rokwaJudha vakadzika kubako rokuEtamu vakandoti kuna Samusoni, “Hauzivi kuti vaFirisitia ndivo vanotitonga here? Zvino chii chawakatiparira ichi?” Iye akati, “Ndiri kuvatsividza zvavakandiitira.” Ivo vakati kwaari, “Tadzika kuno kuzokusunga kuti tikuise mumaoko evaFirisitia.” Samusoni akati kwavari, “Nditsidzirei kuti hamuzondiuraya imi pachenyu.” Ivo vakati, “Kwete, tichangokusunga chete tokuisa mumaoko avo, hatizokuuraya.” Vakamusunga netambo mbiri itsva, ndokumubvisa pabako apa. Kuzoti asvika kuguta reRehi, vaFirisitia vakauya kuzomuchingura vachipemberera. Mweya waTenzi wakauya paari nesimba. Tambo dzakanga dzakasunga maoko ake dzakadambuka seshinda yefurakisi yatsva nomoto. Tambo dzakanga dzakamusunga ndokubva dzananauka kubva mumaoko ake. Akawana rushaya rwedhongi rwakanga ruchakasimba, akarutora akauraya narwo chiuru chavarume. Samusoni akati, “Norushaya rwedhongi ndakavaita matutu matutu norushaya rwedhongi ndakauraya chiuru chavanhu.” Paakapedza kutaura akakanda pasi rushaya rwedhongi rwuya. Nzvimbo iyoyo yakapiwa zita rokuti Ramatirehi. Samusoni akanga afa chaizvo nenyota, akachema kuna Tenzi achiti, “Makasevenzesa ini muranda wenyu kuunza ruponeso urwu rukuru. Ndofa here zvangu nenyota ndichizova mumaoko avanhu vasina kudzingiswa?” Mwari ndokutsemura guvi raiva muRehi makaremo mvura ndokubudamo. Samusoni akamwa akabva anzwa pano moyo, simba rake rikabva radzoka. Zita rechisipiti ichocho rakabva ranzi Enihakore, chichiriko kuRehi nanhasi uno. Samusoni akatonga vaIsiraeri munguva dzavaFirisitia kwamakore makumi maviri.
Vatongi 15:1-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi ŋguʋa ɗuku yakati yapera, paŋguʋa yokukohwa ɀiyo, Samsoni akandoshanyira mukadzi wake, akaɓata mbudzana; akati: Ndinoɗa kupinda kumukadzi waŋgu mumba. Asi ɓaɓa ʋake ʋakaramba kumutendera kupinda. Ƃaɓa ʋake ʋakati: Ɀirokwaɀo, ndakati wamuʋeŋga kwaɀo; saka ndakamupa shamŋari yako. Ko munuŋuna wake haamupfuʋuri nokunaka here? Mutore hake iye panɀimbo yake. Samsoni akati kwaʋari: ŋguʋa ino handiŋgaʋi nemhoȿa kuʋaFiristia, kana ndikaʋaitira ɀakaipa. Ipapo Samsoni akandoɓata makaʋa anamazana matatu, akatora mazhenje, akaɓatanidza miswe miʋiri‐miʋiri, ndokuisa zhenje pakati pemiswe miʋiri. Ɀino akatuŋgidza mazhenje, ndokuaregedza, akapinda muɀiyo ɀaʋaFiristia ɀakaŋga ɀigere kukohiwa, akapisa ɀiyo ɀakaŋga ɀaʋuŋganidzwa neɀakaŋga ɀigere kukohiwa, neminda yemizambiriŋga neyemiorivi. Ipapo ʋaFiristia ʋakati: Ndianiko waita iɀoɀo? Ʋakati: NdiSamsoni, mukuwasha womuTimna, nokuti wakatora mukadzi wake, akamupa shamŋari yake. Ɀino ʋaFiristia ʋakakwira, ʋakamupisa iye mukadzi naɓaɓa ʋake nomŋoto. Samsoni akati kwaʋari: Kana mukaita saiɀoɀo, ɀirokwaɀo ndicakutsiʋai, pashure ndigorega. Akaʋaroʋa paɀidɀa neɀiʋuno, akaʋaʋuraya nokuʋuraya kukuru; akaɓuruka, akandogara paɓako reɗombo reEtami. Ɀino ʋaFiristia ʋakakwira, ʋakandodzika matente aʋo paJuda, ʋakapararira muRehi. Ʋarume ʋaJuda ʋakati: Makwirireiko kuzorwa nesu: Iʋo ʋakati: Takwira kuzosuŋga Samsoni, timuitire seɀaakatiitira isu. Ipapo ʋarume ʋaJuda ʋakaŋga ʋaneɀuru ɀitatu ʋakaɓurukira kuɓako reɗombo reEtami, ʋakati kunaSamsoni: Hauziʋi kuti ʋaFiristia ʋaɓati ʋeɗu here? Cinyiko ici cawatiitira? Akati kwaʋari: Seɀaʋakandiitira ini, ndiɀo ɀandakaʋaitira ʋo. Ʋakati kwaari: Isu taɓurukira ʋuno kuzokusuŋga, kuti tikuise mumaʋoko aʋaFiristia. Samsoni akati kwaʋari: Pikai kwandiri, kuti imi hamuŋgandiʋambi mumene. Ʋakataura naye, ʋakati: Kwete; asi ticakusuŋga, nokukuisa mumaʋoko aʋo; asi ɀirokwaɀo hatiŋgakuʋurayi. Ʋakamusuŋga netambo mbiri itȿa, ʋakakwira naye ʋacibva paɗombo. Ɀino wakati aciȿika Rehi, ʋaFiristia ʋakamupurudzira. Ipapo Mŋeya waJehova akaʋuya pamsoro pake nesimba guru; tambo dzakaŋga dzakasuŋga maʋoko ake dzikafanana norucinda rwakatȿa nomŋoto, ɀisuŋgo ɀake ɀikanyauka pamaʋoko ake. Akawana rushaya rwemboŋgoro, akatambanudza ruʋoko rwake, akarutora, ndokuʋuraya ʋarume ʋanamazana anegumi narwo. Ipapo Samsoni akati: Norushaya rwemboŋgoro ndakaʋuraya ɓoka namapoka, Norushaya rwemboŋgoro ndakaʋuraya ʋanamazana anegumi. Ɀino wakati apedza kutaura, akakanda kure rushaya rwakaŋga ruri muruʋoko rwake; nɀimbo iyo ikanzi: Ramati‐rehi. Ipapo akanzwa nyota kwaɀo, akacema kunaJehova, akati: Matirwira kwaɀo noruʋoko rwomuranda wenyu; ɀino ndicafa nenyota, ndikawira mumaʋoko aʋasina‐kudziŋgiswa. Asi Mŋari wakapamura mukaha paRehi, mvura ikaɓuɗa’po; ɀino wakati anwa, mŋeya wake ukadzokera maari, akapona ɀe; naiɀoɀo ipapo pakatumidzwa Enihakori, tsime riri paRehi kuȿikira nhasi. Iye akatoŋga ʋaIsraeri makore makumi maʋiri pamazuʋa aʋaFiristia.
Vatongi 15:1-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)