Samusoni akaenda kuTimuna akaona mumwe musikana wechiFirisitia. Akadzoka kuna baba naamai vake ava kuti, “Ndakaona mumwe musikana wechiFirisitia kuTimuna. Zvino ndiroorereiwo musikana iyeyo.” Asi baba naamai vake vakati kwaari, “Ko washaya mukadzi wokuroora here pakati pehama dzako kana kuti parudzi rwedu rwose zvowoda kundoroora mukadzi kuvanhu vasina kudzingiswa, vaFirisitia?” Asi Samusoni akati kuna baba wake, “Ndiroorerei iyeyo chete, ndiye wandada.” Baba naamai vake vakanga vasiri kuziva kuti Tenzi ndiye aimuitisa izvozvo kuti pazova nechimwe chinokonzera kuti vaFirisitia varwiswe. Izvozvo vaFirisitia ndovaitonga vaIsiraeri.
Verenga chikamu Vatongi 14
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Vatongi 14:1-4
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo