Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 14:1-4

Vatongi 14:1-4 SNA2002

Zvino Samusoni wakaburukira Timuna, akaona paTimuna mukadzi pakati pavakunda vavaFirisitia. Akakwira akandoudza baba vake namai vake, akati, “Ndaona mukadzi paTimuna pakati pavakunda vavaFirisitia; naizvozvo zvino nditorerei iye, ave mukadzi wangu.” Ipapo baba vake namai vake vakati kwaari, “Ko pakati pavakunda vehama dzako, kana pakati pavanhu vangu vose, hapano mukadzi here, zvowoda kundozvitorera mukadzi pakati pavaFirisitia vasina kudzingiswa?” Samusoni akati kuna baba vake, “Nditorerei iye, nokuti unondifadza kwazvo.” Asi baba vake namai vake havana kuziva kuti zvakanga zvichibva kuna Jehovha, nokuti wakanga achitsvaka mhaka yokurwa navaFirisitia. Zvino nenguva iyo vaFirisitia vakanga vakabata Isiraeri.

Verenga chikamu Vatongi 14