Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 12:1-15

Vatongi 12:1-15 SCLB

Vanhu vokwaEfuraimu vakaunganirana hondo, vakayambukira kuZafoni vakati kuna Jefuta, “Wakayambukireiko kundorwisa vaAmoni usina kutidaidza kuti tiende pamwechete newe? Tinoda kukupisira mumba mako nomoto.” Jefuta akati kwavari, “Ini navanhu vangu takava negakava redaka chairo navaAmoni. Ndakakudaidzaika imi, asi hamuna kuzondinunura mumaoko avo. Pandakaona imi musina kuzondinunura, ndakangoti chauya chauya ndotozvionera chokuita, ndikayambukira vaAmoni, Tenzi akavaisa mumaoko angu. Zvino chamazouyira nhasi uno kuzondirwisa chii?” Jefuta akaunganidza vanhu vose vomuGireadhi akarwisana nevokwaEfuraimu akavarakasha nokuti vokwaEfuraimu vakanga vaburitsa muromo wokuti “Imi vaGireadhi muri vapanduki vakatobva zvavo kwaEfuraimu, vasokeri, makangoti bvochowo kugara pakati pevokwaEfuraimu nevokwaManase!” VokuGireadhi vakandomira kumazambuko aJorodhani okuenda kwaEfuraimu. Munhu wokwaEfuraimu ainge apunyuka muhondo akati, “Ndingayambukewo here?” Vanhu vokuGireadhi vaimuti, “Uri wedzinza rokwaEfuraimu here?” Kana aipindura achiti, “Kwete.” Ivo vaimuti iti, “Shibhoreti.” Iye aikanganisa kuritaura oti, “Sibhoreti” achitadza kuridudza, vaibva vamubata, vomuuraya pazambuko pakarepo. Zviuru makumi mana nezviviri zvekwaEfuraimu zvakaurayiwa nguva iyoyo. Jefuta akatonga vaIsiraeri kwamakore matanhatu. Jefuta wokuGireadhi akazofawo ndokuvigwa muguta rake muGireadhi. Mushure maJefuta, Ibhuzani wokuBheterehemu ndiye akatonga Isiraeri. Akanga aina vana vakomana makumi matatu navana, vasikana makumi matatu. Akaroodza vanasikana vake kune vamwe vasiri vedzinza rake. Akaroorera vanakomana vake vakadzi makumi matatu vasiri vedzinza rake. Ibhuzani akatonga Isiraeri makore manomwe. Ibhuzani akazofa akavigwa kuBheterehemu. Mushure maIbhuzani, Eroni wokwaZebhuruni ndiye akatonga Isiraeri kwegumi ramakore. Eroni wokwaZebhuruni akazofa, akavigwa kuAijaroni munyika yakwaZebhuruni. Shure kwaEroni, Abhudhoni mwanakomana waHireri wokuPiratoni ndiye akatonga Isiraeri. Aiva navana vakomana makumi mana, navazukuru vechikomana makumi matatu vaitasva makumi manomwe amadhongi. Akatonga Isiraeri kwamakore masere. Abhudhoni mwanakomana waHireri, wokuPiratoni, akazofa, akavigwa kuPiratoni kunyika yokwaEfuraimu, munyika yamakomo yavaAmareki.

Verenga chikamu Vatongi 12