Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 12:1-15

Vatongi 12:1-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Varume veEfuremu vakadana varwi vavo, vakayambuka mhiri vakaenda kuZafani vakandoti kuna Jefuta, “Wakaendereiko kundorwa navaAmoni ukasatidana kuti tiende newe? Tichapisa imba yako iwe uri mukati.” Jefuta akapindura akati, “Ini navanhu vangu takanga tiri pakurwisana kukuru navaAmoni, uye kunyange ndakadana, imi hamuna kundiponesa kubva mumaoko avo. Pandakaona kuti hamusi kuda kubatsira, ndakaisa upenyu hwangu mumaoko angu ndikayambuka kundorwa navaAmoni, uye Jehovha akandipa kukunda pamusoro pavo. Zvino mauyireiko nhasi kuzorwa neni?” Ipapo Jefuta akaunganidza varume veGireadhi akarwa neEfuremu. VaGireadhi vakavauraya nokuti vaEfuremu vakanga vati, “Imi vaGireadhi muri vanhu vakatiza kubva kuna Efuremu naManase.” VaGireadhi vakatora mazambuko eJorodhani aienda kuEfuremu, uye upi noupi wavakasara veEfuremu aiti akati, “Regai hangu ndiyambukire mhiri,” varume veGireadhi vaimubvunza vachiti, “Uri muEfuremu here?” Kana akapindura achiti, “Kwete,” vaiti, “Zvakanaka, iti, ‘Shibhoreti.’ ” Kana akati, “Sibhoreti” nokuda kwokuti akanga asingagoni kureva shoko iro zvakanaka, vaimubata vomuuraya pamazambuko eJorodhani. Zviuru makumi mana nezviviri zvavaEfuremu zvakaurayiwa panguva iyoyo. Jefuta akatungamirira vaIsraeri kwamakore matanhatu. Ipapo Jefuta muGireadhi akafa, uye akavigwa muguta riri muGireadhi. Shure kwake, Ibhizani weBheterehema akatungamirira Israeri. Akanga ana vanakomana makumi matatu uye vanasikana makumi matatu. Akawanisa vanasikana vake kuvanhu vakanga vasiri vorudzi rwake, uye akavigira vanakomana vake vanasikana vakanga vasiri vorudzi rwake makumi matatu kuti vave vakadzi vavo. Ibhizani akatungamirira Israeri kwamakore manomwe. Ipapo Ibhizani akafa, uye akavigwa muBheterehema. Shure kwake, Eroni muZebhuruni akatungamirira vaIsraeri kwamakore gumi. Ipapo Eroni akafa, uye akavigwa muAijaroni munyika yaZebhuruni. Shure kwake, Abhudhoni mwanakomana waHireri aibva kuPiratoni, akatungamirira Israeri. Akanga ana vanakomana makumi mana uye vazukuru makumi matatu, vaitasva mbongoro makumi manomwe. Akatungamirira vaIsraeri kwamakore masere. Ipapo Abhudhoni mwanakomana waHireri akafa, uye akavigwa paPiratoni muEfuremu, munyika yezvikomo yavaAmareki.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Vatongi 12

Vatongi 12:1-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino varume vaEfuremu vakaungana, vakapfuurira kurutivi rwokumusoro, vakati kuna Jefuta, “Wakapfuurireiko kundorwa navana vaAmoni, ukasatidana isu kuti tiendewo newe? Tichapisa imba yako pamusoro pako nomoto.” Jefuta akati kwavari, “Ini navanhu vangu takanga tichitambudzika kwazvo navana vaAmoni; zvino panguva yandakakudanai, imi hamuna kundiponesa pamaoko avo. Zvino ndakati ndichiona kuti hamuna kundiponesa, handina kurangarira upenyu hwangu, asi ndakapfuura ndikandorwa navana vaAmoni, Jehovha akavaisa muruoko rwangu; zvino makwirireiko nhasi kwandiri kuzorwa neni?” Ipapo Jefuta akaunganidza varume vose veGireadhi, akarwa naEfuremu, nokuti vakati, “Muri vanhu vakatiza kuna Efuremu, imi vaGireadhi, muchigara pakati paEfuremu, napakati paManase.” Ipapo vaGireadhi vakandogarira mazambuko aJorodhani paiyambukira vaEfuremu. Zvino kana mumwe wavakatiza kuna Efuremu akati, “Nditenderei kuti ndiyambuke,” varume veGireadhi ndokuti kwaari, “Uri muEfuremu here?” Kana akati, “Kwete,” ipapo vakati kwaari, “Zvino chiti, ‘Shibhoreti;’ iye ndokuti, ‘Sibhoreti,’ nokusagona kureva kwazvo;” ipapo vakamubata, vakamuuraya pamazambuko aJorodhani; nenguva iyo vaEfuremu vane zviuru zvina makumi mana nezviviri vakaurawa. Jefuta akatonga Isiraeri makore matanhatu. Ipapo Jefuta muGireadhi akafa, akavigwa mune rimwe ramaguta aGireadhi. Shure kwake Ibhuzani weBheterehemu wakatonga Isiraeri. Iye wakanga ana vanakomana vana makumi matatu; vanasikana vake vana makumi matatu akavatuma vakandowanikwa kumwe, akandotorazve kumwe vamwe vanasikana vana makumi matatu vakawanikwa navanakomana vake. Iye akatonga Isiraeri makore manomwe. Ibhuzani akafa, akavigwa paBheterehemu. Shure kwake Eroni muZebhuruni wakatonga Isiraeri; akatonga Isiraeri makore ane gumi. Eroni muZebhuruni akafa, akavigwa paAjaroni, panyika yaZebhuruni. Shure kwake Abhidhoni mwanakomana waHireri, muPiratoni, wakatonga Isiraeri. Iye wakanga ana vanakomana vana makumi mana, navazukuru vana makumi matatu, vaitasva vana vembongoro vana makumi manomwe; iye akatonga Isiraeri makore masere. Abhidhoni mwanakomana waHireri, muPiratoni, akafa, akavigwa paPiratoni, panyika yaEfuremu, panyika yamakomo yavaAmareki.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Vatongi 12

Vatongi 12:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Vanhu vokwaEfuraimu vakaunganirana hondo, vakayambukira kuZafoni vakati kuna Jefuta, “Wakayambukireiko kundorwisa vaAmoni usina kutidaidza kuti tiende pamwechete newe? Tinoda kukupisira mumba mako nomoto.” Jefuta akati kwavari, “Ini navanhu vangu takava negakava redaka chairo navaAmoni. Ndakakudaidzaika imi, asi hamuna kuzondinunura mumaoko avo. Pandakaona imi musina kuzondinunura, ndakangoti chauya chauya ndotozvionera chokuita, ndikayambukira vaAmoni, Tenzi akavaisa mumaoko angu. Zvino chamazouyira nhasi uno kuzondirwisa chii?” Jefuta akaunganidza vanhu vose vomuGireadhi akarwisana nevokwaEfuraimu akavarakasha nokuti vokwaEfuraimu vakanga vaburitsa muromo wokuti “Imi vaGireadhi muri vapanduki vakatobva zvavo kwaEfuraimu, vasokeri, makangoti bvochowo kugara pakati pevokwaEfuraimu nevokwaManase!” VokuGireadhi vakandomira kumazambuko aJorodhani okuenda kwaEfuraimu. Munhu wokwaEfuraimu ainge apunyuka muhondo akati, “Ndingayambukewo here?” Vanhu vokuGireadhi vaimuti, “Uri wedzinza rokwaEfuraimu here?” Kana aipindura achiti, “Kwete.” Ivo vaimuti iti, “Shibhoreti.” Iye aikanganisa kuritaura oti, “Sibhoreti” achitadza kuridudza, vaibva vamubata, vomuuraya pazambuko pakarepo. Zviuru makumi mana nezviviri zvekwaEfuraimu zvakaurayiwa nguva iyoyo. Jefuta akatonga vaIsiraeri kwamakore matanhatu. Jefuta wokuGireadhi akazofawo ndokuvigwa muguta rake muGireadhi. Mushure maJefuta, Ibhuzani wokuBheterehemu ndiye akatonga Isiraeri. Akanga aina vana vakomana makumi matatu navana, vasikana makumi matatu. Akaroodza vanasikana vake kune vamwe vasiri vedzinza rake. Akaroorera vanakomana vake vakadzi makumi matatu vasiri vedzinza rake. Ibhuzani akatonga Isiraeri makore manomwe. Ibhuzani akazofa akavigwa kuBheterehemu. Mushure maIbhuzani, Eroni wokwaZebhuruni ndiye akatonga Isiraeri kwegumi ramakore. Eroni wokwaZebhuruni akazofa, akavigwa kuAijaroni munyika yakwaZebhuruni. Shure kwaEroni, Abhudhoni mwanakomana waHireri wokuPiratoni ndiye akatonga Isiraeri. Aiva navana vakomana makumi mana, navazukuru vechikomana makumi matatu vaitasva makumi manomwe amadhongi. Akatonga Isiraeri kwamakore masere. Abhudhoni mwanakomana waHireri, wokuPiratoni, akazofa, akavigwa kuPiratoni kunyika yokwaEfuraimu, munyika yamakomo yavaAmareki.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Vatongi 12

Vatongi 12:1-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino ʋarume ʋaEfraimi ʋakaʋuŋgana, ʋakapfuʋurira kurutiʋi rwokumsoro, ʋakati kunaJefta: Wakapfuʋurireiko kundorwa naʋana ʋaAmoni, ukasatiɗana isu kuti tiende ʋo newe? Ticapisa imba yako pamsoro pako nomŋoto. Jefta akati kwaʋari: Ini naʋanhu ʋaŋgu takaŋga ticitambudzika kwaɀo naʋana ʋaAmoni; ɀino paŋguʋa yandakakuɗanai, imi hamuna‐kundiponesa pamaʋoko aʋo. Ɀino ndakati ndiciʋona kuti hamuna‐kundiponesa, handina‐kuraŋgarira ʋupenyu bgaŋgu, asi ndakapfuʋura ndikandorwa naʋana ʋaAmoni, Jehova akaʋaisa muruʋoko rwaŋgu; ɀino makwirireiko nhasi kwandiri kuzorwa neni? Ipapo Jefta akaʋuŋganidza ʋarume ʋose ʋeGireadi, akarwa naEfraimi, ʋarume ʋeGireadi ʋakakunda Efraimi, nokuti ʋakati: Muri ʋanhu ʋakatiza kunaEfraimi, imi ʋaGireadi, mucigara pakati paEfraimi, napakati paManase. Ipapo ʋaGireadi ʋakandogarira mazambuko aJoridani paiyambukira ʋaEfraimi. Ɀino kana mumŋe waʋakatiza kunaEfraimi akati: Nditenderei kuti ndiyambuke, ʋarume ʋeGireadi ndokuti kwaari: Uri muEfraimi here? Kana akati, kwete, ipapo ʋakati kwaari: Ɀino citi: Shiboreti; iye ndokuti: Siboreti, nokusagona kureʋa kwaɀo; ipapo ʋakamuɓata, ʋakamuʋuraya pamazambuko aJoridani; neŋguʋa iyo ʋaEfraimi ʋaneɀuru ɀinamakumi manna neɀiʋiri ʋakaʋurawa. Jefta akatoŋga Israeri makore matanhatu. Ipapo Jefta muGireadi akafa, akaʋigwa munerimŋe ramaguta aGireadi. Shure kwake Ibzani weBeti‐rehemi wakatoŋga Israeri. Iye wakaŋga anaʋanakomana ʋanamakumi matatu; ʋanasikana ʋake ʋanamakumi matatu akaʋatuma ʋakandowanikwa kumŋe, akandotora ɀe kumŋe ʋamŋe ʋanasikana ʋanamakumi matatu ʋakawanikwa naʋanakomana ʋake. Iye akatoŋga Israeri makore manomŋe. Ibzani akafa, akaʋigwa paBeti‐rehemi. Shure kwake Eroni muZeburuni wakatoŋga Israeri; akatoŋga Israeri makore anegumi. Eroni muZeburuni akafa, akaʋigwa paAjaroni, panyika yaZeburuni. Shure kwake Abdoni mŋanakomana waHireri, muPiratoni, wakatoŋga Israeri. Iye wakaŋga anaʋanakomana ʋanamakumi manna, naʋazukuru ʋanamakumi matatu, ʋaitaȿa ʋana ʋembongoro ʋanamakumi manomŋe; iye akatoŋga Israeri makore masere. Abdoni mŋanakomana waHireri, muPiratoni, akafa, akaʋigwa paPiratoni, panyika yaEfraimi, panyika yamakomo yaʋaAmareki.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Vatongi 12

Vatongi 12:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)