Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 11:1-28

Vatongi 11:1-28 SCLB

Zvino kwaiva naJefuta wokuGireadhi murume aiva mvumba chaiyo yokurwa, asi akanga ari mwana wepfambi, baba vake ari Gireadhi. Gireadhi akabereka vamwe vana vakomana nomudzimai wake. Vana ivavo pavakanga vakura vakadzinga Jefuta vachimuti, “Panhaka yababa vedu, iwe hapana chako nokuti uri mwana womumwewo mukadzi.” Jefuta akatiza vakoma navanun'una vake akandogara kunyika yeTobhu. Akabatana namamwe madzenga akati unga unga kwaari kufamba naye vachipamba vanhu. Kwati perei chinguva, Amoni akandorwisa vaIsiraeri. Amoni paakarwisa vaIsiraeri kudaro vatungamiriri vokuGireadhi vakandotora Jefuta kunyika yeTobhu. Vakati kuna Jefuta, “Uya uite mutungamiriri wedu tirwise vaAmoni.” Asi Jefuta akapindura vatungamiriri vokuGireadhi ava achiti, “Handiti imi makandivenga here, mukandidzinga mumusha mababa vangu? Nhasi mava mumatambudziko, mavakuuya kwandiri pamusana pei?” Vakuru vakuru veGireadhi vakamupindura vachiti, “He-ekaka ndokusaka tauya kwauri. Tati uende nesu kundorwisa vaAmoni somutungamiriri wavanhu vose vokuGireadhi.” Jefuta akapindurawo vakuru vakuru ava achiti, “Mukandidzorerazve kumusha kundorwisa vaAmoni, Tenzi akavaisa mumaoko angu ndichava mutongi wenyu.” Vakuru vakuru vokuGireadhi vakati kuna Jefuta, “Tenzi ngaave chapupu pakati pedu, tichaita zvawataura.” Jefuta akaenda navakuru vakuru vokuGireadhi ava. Vanhu vakamuita mutongi nomutungamiriri wavo Jefuta akadzokerera kutaura mashoko ake aya pana Tenzi kuMizipa. Jefuta akatumira nhume kuna mambo wavaAmoni, achiti, “Chandakakutadzira chaicho chii kundivinga kudai kuzorwisa nyika yangu?” Mambo wevaAmoni akapindura nhume dzaJefuta dziya achiti, “Chikonzero ndechokuti vaIsiraeri pavaibva kuIjipiti, vakatora nyika yangu kubvira kuna Arinoni kusvikira kuna Jabhoku nokuna Jorodhani. Zvino idzore zvichakanaka.” Jefuta akatumira zvakare nhume kuna mambo wevaAmoni, akati kwaari, “Zvanzi naJefuta, vaIsiraeri havana kutora nyika yavaMoabhu kana yavaAmoni. Kwete. Asi vaIsiraeri pavakabva kuIjipiti, vakapfuura nokugungwa Dzvuku vakasvika kuKadheshi. Ipapo vaIsiraeri vakatumira nhume kuna mambo weEdhomu vachiti, ‘Tapota, tibvumireiwo kupfuura nomunyika yenyu.’ Asi mambo weEdhomu haana kana kuda kumbozvinzwa. Vakaitawo saizvozvo kuna mambo weMoabhu asi akaramba. Naizvozvo vaIsiraeri vakaita zvokutombogara zvavo kuKadheshi. Vakabva ipapo vakapfuura nomurenje vachiita zvokutopoterera nyika yeEdhomu neyeMoabhu vari nechokumabvazuva kweMoabhu, vakazodzika matendhe avo kumhiri kwaArinoni. Asi havana kupinda munyika yeMoabhu nokuti Arinoni ndorwaiva muganhu weMoabhu. “VaIsiraeri vakazotuma nhume kuna Sihoni mambo wevaAmori, mambo weHeshibhoni. VaIsiraeri vakati kwaari, ‘Tibvumureiwo kupfuura nomunyika yenyu tichienda zvedu kunyika yedu.’ Asi Sihoni haana kugutsikana nezvokuti vaIsiraeri vapfuure nomunyika yake. Naizvozvo Sihoni akaunganidza vanhu vake vose, vakandodzika matendhe avo kuJahazi, vakarwisa vaIsiraeri. Tenzi, Mwari wavaIsiraeri akaisa Sihoni navanhu vake vose mumaoko avaIsiraeri vakabva vavakurira. Nokudaro vaIsiraeri vakatorera vaAmori vaigaramo nyika yavo yose. Vakatorera vaAmori nyika yavo yose kubvira muna Arinoni kusvikira muna Jabhoku, uye kubvira kugwenga kusvikira muna Jorodhani. “Naizvozvo Tenzi, Mwari wavaIsiraeri ndiye akatorera vaAmori nyika, achiipa vaIsiraeri. Zvino mavawo kuda kuvatorera here? Ko imimi, zvamunenge mapiwa namwari wenyu Kemoshi, hamutore here? Zvino nesuwo zvose zvatinenge tapiwa naTenzi, Mwari wedu, tinozvitora. Munokunda Bharaki mwanakomana waZipori mambo weMoabhu here? Ko iye akambokakavadzana navaIsiraeri here, kana kurwisana navo muhondo? VaIsiraeri vakagara muHeshibhoni nemisha yaro, nomuAroero nemisha yaro, nomumaguta ose ari munyasi merwizi rwaArinoni, kwamazana matatu amakore. Nguva yose iyoyi makaregereiko kuatorazve? Naizvozvo hapana chandakakutadzirai. Ndimi mava kutonditadzira nokuita hondo neni. Tenzi ndiye Mutongi, ndiye achaenzanisa nhasi uno mhosva iri pakati pavaIsiraeri navaAmoni.” Asi mambo wavaAmoni haana kuita hanya neshoko raakanga atumirwa naJefuta.

Verenga chikamu Vatongi 11