Zvino Jefuta muGireadhi, wakanga ari munhu ane simba noumhare, asi wakanga ari mwanakomana wechifeve; Gireadhi ndiye wakabereka Jefuta. Mukadzi waGireadhi akamuberekera vanakomana; zvino vanakomana vomukadzi wake vakati vakura, vakadzinga Jefuta, vakati kwaari, “Haungadyi nhaka mumba mababa vedu, nokuti uri mwanakomana womumwe mukadzi.” Ipapo Jefuta akatiza vanunguna vake, akandogara panyika yeTobhi; varume vakaipa vakaunganira kuna Jefuta, vakasibuda naye kundorwa.
Zvino nguva yakati yapfuura, vana vaAmoni vakandorwa navaIsiraeri, Zvino vana vaAmoni vakati vorwa navaIsiraeri, vakuru veGireadhi vakandotora Jefuta panyika yeTobhi. Vakati kuna Jefuta, “Uya, uve ishe wedu, kuti tindorwa navana vaAmoni.”
Jefuta akati kuvakuru veGireadhi, “Hamuna kundivenga mukandidzinga mumba mababa vangu here? Zvino mauyireiko kwandiri, zvamava munjodzi?”
Vakuru veGireadhi vakati kuna Jefuta, “Naizvozvo tadzokera kwauri, kuti uende nesu kundorwa navana vaAmoni, iwe ugova mukuru wedu nowavose vagere Gireadhi.”
Jefuta akati kuvakuru veGireadhi, “Kana muchindidzosa kuti ndirwe navana vaAmoni, kana Jehovha akavaisa mumaoko angu, ndichava mukuru wenyu here?”
Vakuru veGireadhi vakati kuna Jefuta, “Jehovha ngaave chapupu pakati pedu; zvirokwazvo tichaita sezvawataura iwe.” Zvino Jefuta akaenda navakuru veGireadhi, vanhu vakamuita mukuru nashe wavo; Jefuta akataura mashoko ake ose pamberi paJehovha paMizipa.
Zvino Jefuta akatuma nhume kuna mambo wavana vaAmoni, akati, “Mhosva yako ndeyeiko, zvawauya kuzorwa neni nenyika yangu?”
Mambo wavana vaAmoni akapindura nhume dzaJefuta, akati, “Nokuti vaIsiraeri vakatora nyika yangu, nguva yavakabva Ijipiti, kubva paArinoni kusvikira paJabhoki neJorodhani; saka zvino chidzosai nyika idzo norugare.”
Ipapo Jefuta akatumazve nhume kuna mambo wavana vaAmoni, akati kwavaari, “Zvanzi naJefuta, ‘VaIsiraeri havana kutora nyika yaMoabhu, kana nyika yavana vaAmoni; asi panguva yakakwira vaIsiraeri vachibva Ijipiti, vakafamba murenje kusvikira paGungwa Dzvuku, vakasvika paKadheshi,’ vaIsiraeri vakatuma nhume kuna mambo waEdhomu, vachiti, ‘Nditenderei henyu kupfuura napanyika yenyu;’ asi mambo waEdhomu wakaramba kunzwa. Saizvozvo akatumawo nhume kuna mambo waMoabhu; asi iye wakaramba; zvino vaIsiraeri vakagara paKadheshi. Ipapo vakafamba nomurenje, vakapota nyika yaEdhomu nenyika yaMoabhu, vakaenda nokumabvazuva enyika yaMoabhu, vakadzika matende avo nechemhiri kwaArinoni; asi havana kudarika muganhu waMoabhu, nokuti Arinoni waiva muganhu waMoabhu. Ipapo vaIsiraeri vakatuma nhume kuna Sihoni, mambo wavaAmori, mambo weHeshibhoni; vaIsiraeri vakati kwaari, ‘Titenderei henyu kupfuura napanyika yenyu, kusvikira panzvimbo yedu.’ Asi Sihoni haana kutenda vaIsiraeri kuti vadarike muganhu wake; Sihoni akaunganidza vanhu vake vose, akandodzika matende ake paJahazi, akarwa navaIsiraeri. Zvino Jehovha Mwari wavaIsiraeri akaisa Sihoni navanhu vake vose mumaoko avaIsiraeri vakavauraya; naizvozvo vaIsiraeri vakatora nyika yose yavaAmori, vakanga vagere munyika iyo, ikava yavo. Nyika yose yavaAmori ikava yavo, kubva paArinoni kusvikira paJabhoki, kubva kurenje, kusvikira paJorodhani. Saka zvino Jehovha Mwari wavaIsiraeri ndiye wakatorera vaAmori nyika yavo pamberi pavanhu vake vaIsiraeri, zvino imi moda kuvatorerazve here? Ko imi hamungatori izvo zvamunopiwa namwari wenyu Kemoshi here, nesuo titore nyika yavose vanodzingwa pamberi pedu naJehovha Mwari wedu? Ko zvino imi makanaka kupfuura Bharaki mwanakomana waZipori, mambo waMoabhu here? Iye wakatongopopotera vaIsiraeri, kana kurwa navo here? Nguva yakagara vaIsiraeri paHeshibhoni nemisha yaro, napaAroeri nemisha yaro, napamaguta ose ari parutivi rwaArinoni, makore ana mazana matatu, makaregereiko kuvatorera nyika iyo nenguva iyo? Naizvozvo ini handina kukutadzira, asi ndiwe unondiitira zvakaipa, uchida kurwa neni; Jehovha, iye Mutongi, ngaatonge nhasi pakati pavana vaIsiraeri navana vaAmoni.” Asi mambo wavana vaAmoni haana kuterera mashoko aJefuta, aakatuma kwaari.