Zvino kuzoti Joshuwa afa, vaIsiraeri vakabvunza kuna Tenzi vachiti, “Ndivanaani pakati pedu vanofanira kutanga kundorwisa vaKanani?” Tenzi akapindura achiti, “VokwaJudha ndivo vanoenda. Izvozvi ndakatoisa nyika iyoyo mumaoko avo.” VokwaJudha vakati kuhama dzavo dzokwaSimeoni, “Hendei tose kunyika yatakagoverwa, tindorwisa vaKanani, isu tizondorwawo saizvozvo pamwechete nemi kunyika yenyu yamakagoverwa.” VokwaSimeoni ndokubva vaenda navo. VokwaJudha vakaenda, Tenzi akaisa mumaoko avo vaKanani navaPerizi. Vakauraya varume gumi rezviuru kuBhezeki. Vakasvikira Adhonibhezeki ari kuBhezeki vakamurwisa vakakurira vaKanani navaPerizi. Adhonibhezeki ndokuti ware kutiza, asi vakamudzingirira, vakamubata, vakamudimura zvara zvake nezvigunwe zvake zvikuru.
Adhonibhezeki akati, “Ndaiva namakumi manomwe amadzimambo andakanga ndakadimura zvara zvawo mumaoko nezvigunwe zvawo zvikuru, chokudya vachiita chokutonongerera pasi petafura yangu yandaidyira. Nhasi uno Mwari anditsiva zvandakavaitira.” Vakaenda naye kuJerusaremu akandofirako.
Varume vokwaJudha vakarwisawo Jerusaremu vakarikurira vakauraya vanhu vomo namapakatwa, vakaripisa nomoto.
Shure kwaizvozvo varume vokwaJudha vakadzika, vakandorwisa vaKanani vaigara kunyika yamakomo, kuNegevhu nokunyika yokumanhika. Vakavinga vaKanani vaigara muguta reHebhuroni, raimbonzi Kiriatiaribha, vakakurira Sheshai naAhimani naTarimai.
Vakabva ipapo vakavinga vanhu vaigara muguta reDhebhiri raimbonzi Kiriatiseferi. Karebhu akanga ati, “Anenge arwisa Kiriatiseferi akarikurira ndinomupa mwana wangu Akesa kuti ave mukadzi wake.” Otinieri mwanakomana waKenazi munun'una waKarebhu ndiye akarikurira. Karebhu ndokumupa mwanasikana wake Akesa kuti ave mukadzi wake.
Akesa paakauya kwaari, akamukurudzira kuti akumbire baba vake munda. Mukadzi iyeye akajitika padhongi rake, baba vake vakati, “Unodeiko mwanangu.”
Mukadzi uyu akati, “Zvamakandipa munda kuNegevhu, ndiitireiwo mwoyochena, mundipe zvisipiti zvemvura.” Karebhu ndokumupa zvisipiti zvemvura zveko zvokumusoro nezvisipiti zvezasi.
VaKeni zvizvarwa zvokwavatezvara vaMosesi vakabva kuguta remirara pamwechete nevokwaJudha, vakaenda kurenje rokwaJudha riri kuNegevhu pedyo neAradhi vakandogara pamwechete navanhu voko. VokwaJudha vakaenda nehama dzavo dzokwaSimeoni vakakurira vaKanani vaigara muguta reZefati, vakariparadza zvokuparadza zviya. Saka guta iroro rakazonzi Horuma. VokwaJudha ivava vakakurirawo guta reGaza namatunhu aro neAshikeroni namatunhu aro, neEkironi namatunhu aro. Tenzi akava nevokwaJudha vakatora nyika yamakomo ikava yavo. Asi vakatadza kudzinga vanhu vokumapani nokuti vakanga vaine ngoro dzehondo dzesimbi. Guta reHebhuroni rakapiwa kuna Karebhu sokutaura kwakanga kwaita Mosesi. Karebhu akadzingamo vanakomana vaAnaki vatatu. Asi vokwaBhenjamini vakatadza kudzinga vaJebhusi vaigara muguta reJerusaremu. Saka vaJebhusi vagere muJerusaremu pamwechete nevokwaBhenjamini nanhasi uno.
Vemba yokwaJosefi vakakwira kundorwisa Bhetieri Tenzi aiva navo. Vemba yokwaJosefi ivava vakatuma vanhu kundosora muguta reBhetieri. Kare zita reguta irori raimbonzi Ruzi. Vasori ivavo vakaona murume akanga achibuda muguta imomo vakati kwaari, “Tiratidzewo panopindwa napo muguta, isu tigozokunzwirawo tsitsi.” Akavaratidza paipindwa napo muguta iroro. Vakauraya vomuguta imomo namapakatwa. Asi vakarega murume uya kuti aende zvake nemhuri yake. Murume uyu akaenda kunyika yavaHiti. Akavaka guta ikoko, akaritumidza zita rokuti Ruzi ndiro zita raro nanhasi uno.
VokwaManase havana kudzinga vagari vomumaguta aya anoti: Bhetisheani nemisha yaro, kwouya Taanaki nemisha yaro, kwochiti Dhori nemisha yaro kwoti Ibhereamu nemisha yaro kwozoti Megidho nemisha yaro. Asi vaKanani vakaramba vangotsungisawo mwoyo kugara munyika imomo. VaIsiraeri pavakanga vava vanhu vane simba vakaitisa vaKanani basa rechibharo. Asi havana kubva vavadzinga zvokuvapedzeredza.
VokwaEfuraimu havanawo kudzinga vaKanani vaigara muGezeri. Asi vaKanani vakagara zvavo muGezeri mukati mavo.
VokwaZebhuruniwo havana kudzinga vagari vomuKitironi, kana vagari vomuNaharori. Asi vaKanani vakagara mukati mavo vokwaZebhuruni vakavabatisa chibharo.
VokwaAsheri havanawo kudzinga vagari vomuAko kana vagari vomuSidhoni, kanawo vagari vomuAhirabhu, kanawo vomuAkizibhu, kana vomuHeribha kana vomuAfiki, kunyange vomuRehobhu. Asi vokwaAsheri ivava vakatogara zvavo mukati mavaKanani, vagari vomunyika iyoyo nokuti havana kuvadzinganisa.
VokwaNafutari havana kudzinga vagari vomuguta iri reBhetishemeshi, kana vagari vomuBhetianati, asi vakatogara zvavo mukati mavaKanani, vagari vomunyika iyoyo. Asi ivo vagari vomuBhetishemeshi nevomuBhetianati vaibatiswa chibharo.
VaAmori vakasundira vokwaDhani kunyika yamakomo nokuti havana kuvabvumidza kuburuka kubani. VaAmori vakaramba vakatsungisa mwoyo kugara kugomo reHeresi nomuAijaroni nomuShaaribhimu. Asi vemba yokwaJosefi vakavakurira vakavabatisa chibharo.
Muganho wenyika yevaAmori waibvira kumupata weAkirabhimu woenda nokuSera zvichingokwira zvakangodaro.