Vatongi 1:1-36
Vatongi 1:1-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mushure mokufa kwaJoshua, vaIsraeri vakabvunza Jehovha vakati, “Ndiani pakati pedu achatanga kukwidza kundorwa navaKenani?” Jehovha akapindura akati, “Judha ngaaende; ndapa nyika mumaoko ake.” Ipapo varume veJudha vakati kuvaSimeoni hama dzavo, “Ngatiendei tose kunyika yatakagoverwa, kuti tindorwa navaKenani. Nesuwo tichaenda nemi kumugove wenyu.” Saka vaSimeoni vakaenda navo. Judha paakarwisa, Jehovha akaisa vaKenani navaPerizi mumaoko avo uye vakauraya varume zviuru gumi paBhezeki. Ipapo ndipo pavakawana Adhoni Bhezeki vakarwa naye. Adhoni Bhezeki akatiza, asi vakamudzinganisa vakamubata, vakagura zvigunwe zvake zvikuru zvomumaoko nezvigunwe zvake zvikuru zvomumakumbo. Ipapo Adhoni Bhezeki akati, “Madzimambo makumi manomwe, vagurwa zvigunwe zvikuru zvomumaoko nezvigunwe zvikuru zvokumakumbo, vakanonga zvimedu zvezvokudya pasi petafura yangu. Zvino Mwari anditsiva pane zvandakaita kwavari.” Vakaenda naye kuJerusarema akandofira ikoko. Varume veJudha vakarwisawo Jerusarema vakaritora. Vakakunda guta nomunondo uye vakaripisa. Shure kwaizvozvo, varume veJudha vakaburuka vakandorwa navaKenani vaigara munyika yezvikomo, kuNegevhi uye nomujinga mezvikomo zvokumavirira. Vakaenda vakandorwa navaKenani vaigara muHebhuroni (rainzi Kiriati Abha kare) vakakunda Sheshai, Ahimani neTarimai. Vachibva ipapo, vakaenda vakandorwa navanhu vaigara muDhebhiri (rainzi Kiriati Seferi kare.) Uye Karebhu akati, “Ndichapa mwanasikana wangu Akisa kuti ave mukadzi kumurume acharwisa uye achatapa Kiriati Seferi.” Otinieri mwanakomana waKenazi, mununʼuna waKarebhu, akarikunda, saka Karebhu akapa mwanasikana wake Akisa kuti awanikwe naye. Rimwe zuva akati achisvika kuna Otinieri, akamukurudzira kuti akumbire munda kuna baba vake. Akati aburuka pambongoro yake, Karebhu akamubvunza akati, “Ndingakuitireiko?” Iye akapindura akati, “Ndiitirei zvakanaka. Sezvo makandipa nyika kuNegevhi, ndipeiwo matsime emvura.” Ipapo Karebhu akamupa matsime okumusoro neezasi. Zvizvarwa zvatezvara vaMozisi, vaKeni, vakakwidza vachibva kuGuta reMichindwe vaine varume veJudha kuti vandogara pakati pavanhu vokuGwenga reJudha riri kuNegevhi pedyo neAradhi. Ipapo varume veJudha vakaenda navaSimeoni hama dzavo vakandorwisa vaKenani vaigara muZefati, uye vakaparadza guta iri zvachose. Naizvozvo rakatumidzwa kuti Horima. Varume veJudha vakakundazve Gaza, Ashikeroni neEkironi, guta rimwe nerimwe nenyika yaro. Jehovha akanga ana vanhu veJudha. Vakatora nyika yezvikomo kuti ive yavo, asi havana kugona kudzinga vanhu vaibva mumapani, nokuti vakanga vane ngoro dzesimbi. Sokuvimbisa kwaMozisi, Hebhuroni yakapiwa kuna Karebhu, uyo akabudisa mairi vanakomana vatatu vaAnaki. Kunyange zvakadaro, vaBhenjamini vakatadza kudzinga vaJebhusi, vaigara muJerusarema; kusvikira nhasi vaJebhusi vageremo navaBhenjamini. Zvino veimba yaJosefa vakarwisa Bheteri, uye Jehovha aiva navo. Vakati vatuma vanhu kundosora Bheteri (rainzi Ruzi kare), Vasori vakaona murume achibuda muguta vakati kwaari, “Tiratidze kuti tingapinda sei muguta tigokuitira zvakanaka.” Saka akavaratidza, uye vakakunda guta nomunondo asi vakaponesa murume uya nemhuri yake. Ipapo akaenda kunyika yavaHiti, kwaakandovaka guta akaritumidza kuti Ruzi, rinova ndiro zita raro nanhasi. Asi Manase haana kudzinga vanhu veBheti Shani kana veTanaki kana veDhori kana veIbhireami kana veMegidho uye nenzvimbo dzavo dzokugara dzakapoteredza, nokuti vaKenani vakanga vazvipira kuti vagare munyika iyoyo. VaIsraeri vakati vasimba vakamanikidza vaKenani kuti vashande basa rechibharo asi havana kumbovadzinga zvachose. Uye Efuremu haana kudzingawo vaKenani vaigara muGeeri, asi vaKenani vakaramba vagere pakati pavo. NaZebhuruniwo haana kudzinga vaKenani vaigara muKitironi kana muNaharori, avo vakaramba vagere pakati pavo; asi vakaita kuti vaite basa rechibharo. Uye Asheri haanawo kudzinga vaya vaigara muAko kana veSidhoni kana Ahirabhi kana Akizibhi kana Heribha kana Afeki kana Rehobhi, uye nokuda kwaizvozvo vanhu veAsheri vakagara pakati pavaKenani avo vaigara munyika. Nafutari haana kudzinga avo vaigara muBheti Shemeshi kana muBheti Anati; asi vaNafutari vakagarawo pakati pavaKenani vaigara munyika, uye vaya vaigara muBheti Shemeshi neBheti Anati vakava vashandi vebasa rechibharo. VaAmori vakasundira vaDhani kunyika yezvikomo, vakasavatendera kuburuka kuti vauye kumapani. Uye vaAmori vakashingirira kuti varambe vari muGomo reHeresi, Aijaroni neShaaribhimi, asi simba reimba yaJosefa rakati richiwanda, naivowo vakamanikidzwa kushanda basa rechibharo. Muganhu wavaAmori waibva paMupata weChinyavada uchisvika kuSera uye uchipfuurira mberi.
Vatongi 1:1-36 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Joshua wakati afa, vana vaIsiraeri vakabvunza Jehovha, vakati, “Ndianiko kwatiri anofanira kutanga kundorwa navaKenani?” Jehovha akati, “Judha ndiye unofanira kuenda; tarirai ndakaisa nyika iyi mumaoko ake.” Zvino Judha akati kuna Simeoni mukuru wake, “Hendei tose kumugove wangu, tirwe navaKenani, neni ndigoenda newe kumugove wako.” Ipapo Simeoni akaenda naye. Zvino Judha akaenda, Jehovha akaisa vaKenani navaPerizi mumaoko ake, vakauraya muBhezeki varume vavo vane zviuru zvine gumi. Vakawana Adhoni-bhezeki muBhezeki, vakarwa naye, vakauraya vaKenani navaPerizi. Asi Adhoni-bhezeki wakatiza; vakamutevera, vakamubata, ndokumugura magunwe ake namagunwe amakumbo ake. Ipapo Adhoni-bhezeki akati, “Madzimambo ana makumi manomwe, akanga akagurwa magunwe awo namagunwe amakumbo awo, ainonga zvokudya zvawo pasi petafura yangu; sezvandakaita ini, Mwari wakanditsivawo.” Vakaenda naye Jerusaremu, akafirapo. Zvino vana vaJudha vakandorwa neJerusaremu, vakarikunda, vakavauraya neminondo inopinza, vakapisa guta nomoto. Pashure vana vaJudha vakaburuka vakandorwa navaKenani, vakanga vagere panyika yamakomo, nezasi nokumapani. Zvino vaJudha vakandorwa navaKenani vakanga vagere Hebhuroni (zvino zita reHebhuroni kare raiva Kiriati-abha); vakaparadza Sheshai, naAhimani, naTarimani. Vakabvapo, vakandorwa navanhu vakanga vagere Dhebhiri. (Zvino zita reDhebhiri kare raiva Kiriati-seferi). Karebhu akati, “Munhu unorwa neKiriati-seferi, akarikunda, ndichamupa mukunda wangu Akisa, ave mukadzi wake.” Ipapo Otinieri, mwanakomana waKenazi, mun'una waKarebhu, akarikunda; iye akamupa mukunda wake Akisa, akava mukadzi wake. Zvino iye wakati achisvika kwaari, akamukurudzira kuti akumbire munda kuna baba vake; zvino iye akaburuka pambongoro yake, Karebhu akati kwaari, “Unoreveiko?” Akati, “Ndipei chipo; zvamakandiisa kunyika yezasi, ndipeiwo matsime emvura.” Akamupa matsime okumusoro namatsime ezasi. Zvino vana vomuKeni, mukarabwa waMosesi, vakabuda paguta remichindwe, vakakwira pamwechete navana vaJudha kurenje raJudha, riri zasi kweAradhi; vakandogara navanhu voko. Judha akaenda naSimeoni mukuru wake, vakakunda vaKenani vakanga vagere Zefati; vakariparadza chose. Guta iro rikazotumidzwa Homa. VaJudha ndokukundawo Gaza nenyika yaro neAshikeroni nenyika yaro, neEkironi nenyika yaro. Jehovha akava naJudha akadzinga vanhu vakanga vagere panyika yamakomo; asi wakanga asingagoni kudzinga vakanga vagere mumupata, nokuti ivo vakanga vane ngoro dzamatare. Vakapa Karebi Hebhuroni sezvakanga zvataurwa naMosesi, akadzingapo vana vaAnaki vatatu. Asi vana vaBhenjamini havana kudzinga vaJebhusi vakanga vagere Jerusaremu; asi vaJebhusi vakagara Jerusaremu pamwechete navana vaBhenjamini kusvikira nhasi. Veimba yaJosefa naivo vakakwira vakandorwa neBheti-eri, Jehovha akava navo. Veimba yaJosefa vakandoshora Bheti-eri. (Zvino zita reguta iri pakutanga raiva Ruzi.) Nharirire dzikaona munhu achibuda muguta, dzikati kwaari, “Dotiratidza hako pano paguta, tigokuitira zvakanaka.” Akavaratidza panopindwa napo paguta, vakakunda guta neminondo inopinza; asi vakatendera munhu uyo nemhuri yake yose kuenda hake. Zvino munhu uyo akaenda kunyika yavaHeti, akandovaka guta rake, akaritumidza zita rinonzi Ruzi; ndiro zita raro kusvikira nhasi. Manase haana kudzinga vanhu vakanga vagere Bheti-sheani, nemisha yaro, kana veTaanaki, nemisha yaro, kana vakanga vagere Dhori, nemisha yaro; kana vakanga vagere Ibhireami, nemisha yaro, kana vakanga vagere Megidho, nemisha yaro; asi vaKenani vakaramba vachida kugara panyika iyo. Zvino vaIsiraeri vakati vasimba, vakabatisa vaKenani basa rechibharo, havana kuvadzinga chose. Efuremu haana kudzinga vaKenani vakanga vagere Gezeri; asi vaKenani vakagara Gezeri pakati pavo. Zebhuruni haana kudzinga vanhu vakanga vagere Kitironi, kana vakanga vagere Naharori; asi vaKenani vakagara pakati pavo, vakava vabati vechibharo. Asheri haana kudzinga vanhu vakanga vagere Ako, kana vakanga vagere Zidhoni, kana Akirabhi, kana Akisibhi, kana Heribha, kana Afiki, kana Rehobi; asi vaAsheri vakagara pakati pavaKenani, vakanga vagere munyika iyo; nokuti havana kuvadzinga. Nafutari haana kudzinga vanhu vakanga vagere Bheti-shemeshi, kana vakanga vagere Bheti-anati; asi vakagara pakati pavaKenani, vakanga vagere panyika iyo; asi vakanga vagere Bhetishemeshi neBheti-anati vakava vabati vechibharo. VaAmori vakasundira vana vaDhani kunyika yamakomo, nokuti havana kuvatendera kuburukira kumupata; asi vaAmori vakaramba vachida kugara mugomo reHeresi, muAjaroni nomuShaaribhimu; kunyange zvakadaro ruoko rwaveimba yaJosefa rwakakunda, vakava vabati vechibharo. Muganhu wavaAmori wakabva pamukwidzwa weAkirabhimu, kubva padombo, uchikwira.
Vatongi 1:1-36 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino kuzoti Joshuwa afa, vaIsiraeri vakabvunza kuna Tenzi vachiti, “Ndivanaani pakati pedu vanofanira kutanga kundorwisa vaKanani?” Tenzi akapindura achiti, “VokwaJudha ndivo vanoenda. Izvozvi ndakatoisa nyika iyoyo mumaoko avo.” VokwaJudha vakati kuhama dzavo dzokwaSimeoni, “Hendei tose kunyika yatakagoverwa, tindorwisa vaKanani, isu tizondorwawo saizvozvo pamwechete nemi kunyika yenyu yamakagoverwa.” VokwaSimeoni ndokubva vaenda navo. VokwaJudha vakaenda, Tenzi akaisa mumaoko avo vaKanani navaPerizi. Vakauraya varume gumi rezviuru kuBhezeki. Vakasvikira Adhonibhezeki ari kuBhezeki vakamurwisa vakakurira vaKanani navaPerizi. Adhonibhezeki ndokuti ware kutiza, asi vakamudzingirira, vakamubata, vakamudimura zvara zvake nezvigunwe zvake zvikuru. Adhonibhezeki akati, “Ndaiva namakumi manomwe amadzimambo andakanga ndakadimura zvara zvawo mumaoko nezvigunwe zvawo zvikuru, chokudya vachiita chokutonongerera pasi petafura yangu yandaidyira. Nhasi uno Mwari anditsiva zvandakavaitira.” Vakaenda naye kuJerusaremu akandofirako. Varume vokwaJudha vakarwisawo Jerusaremu vakarikurira vakauraya vanhu vomo namapakatwa, vakaripisa nomoto. Shure kwaizvozvo varume vokwaJudha vakadzika, vakandorwisa vaKanani vaigara kunyika yamakomo, kuNegevhu nokunyika yokumanhika. Vakavinga vaKanani vaigara muguta reHebhuroni, raimbonzi Kiriatiaribha, vakakurira Sheshai naAhimani naTarimai. Vakabva ipapo vakavinga vanhu vaigara muguta reDhebhiri raimbonzi Kiriatiseferi. Karebhu akanga ati, “Anenge arwisa Kiriatiseferi akarikurira ndinomupa mwana wangu Akesa kuti ave mukadzi wake.” Otinieri mwanakomana waKenazi munun'una waKarebhu ndiye akarikurira. Karebhu ndokumupa mwanasikana wake Akesa kuti ave mukadzi wake. Akesa paakauya kwaari, akamukurudzira kuti akumbire baba vake munda. Mukadzi iyeye akajitika padhongi rake, baba vake vakati, “Unodeiko mwanangu.” Mukadzi uyu akati, “Zvamakandipa munda kuNegevhu, ndiitireiwo mwoyochena, mundipe zvisipiti zvemvura.” Karebhu ndokumupa zvisipiti zvemvura zveko zvokumusoro nezvisipiti zvezasi. VaKeni zvizvarwa zvokwavatezvara vaMosesi vakabva kuguta remirara pamwechete nevokwaJudha, vakaenda kurenje rokwaJudha riri kuNegevhu pedyo neAradhi vakandogara pamwechete navanhu voko. VokwaJudha vakaenda nehama dzavo dzokwaSimeoni vakakurira vaKanani vaigara muguta reZefati, vakariparadza zvokuparadza zviya. Saka guta iroro rakazonzi Horuma. VokwaJudha ivava vakakurirawo guta reGaza namatunhu aro neAshikeroni namatunhu aro, neEkironi namatunhu aro. Tenzi akava nevokwaJudha vakatora nyika yamakomo ikava yavo. Asi vakatadza kudzinga vanhu vokumapani nokuti vakanga vaine ngoro dzehondo dzesimbi. Guta reHebhuroni rakapiwa kuna Karebhu sokutaura kwakanga kwaita Mosesi. Karebhu akadzingamo vanakomana vaAnaki vatatu. Asi vokwaBhenjamini vakatadza kudzinga vaJebhusi vaigara muguta reJerusaremu. Saka vaJebhusi vagere muJerusaremu pamwechete nevokwaBhenjamini nanhasi uno. Vemba yokwaJosefi vakakwira kundorwisa Bhetieri Tenzi aiva navo. Vemba yokwaJosefi ivava vakatuma vanhu kundosora muguta reBhetieri. Kare zita reguta irori raimbonzi Ruzi. Vasori ivavo vakaona murume akanga achibuda muguta imomo vakati kwaari, “Tiratidzewo panopindwa napo muguta, isu tigozokunzwirawo tsitsi.” Akavaratidza paipindwa napo muguta iroro. Vakauraya vomuguta imomo namapakatwa. Asi vakarega murume uya kuti aende zvake nemhuri yake. Murume uyu akaenda kunyika yavaHiti. Akavaka guta ikoko, akaritumidza zita rokuti Ruzi ndiro zita raro nanhasi uno. VokwaManase havana kudzinga vagari vomumaguta aya anoti: Bhetisheani nemisha yaro, kwouya Taanaki nemisha yaro, kwochiti Dhori nemisha yaro kwoti Ibhereamu nemisha yaro kwozoti Megidho nemisha yaro. Asi vaKanani vakaramba vangotsungisawo mwoyo kugara munyika imomo. VaIsiraeri pavakanga vava vanhu vane simba vakaitisa vaKanani basa rechibharo. Asi havana kubva vavadzinga zvokuvapedzeredza. VokwaEfuraimu havanawo kudzinga vaKanani vaigara muGezeri. Asi vaKanani vakagara zvavo muGezeri mukati mavo. VokwaZebhuruniwo havana kudzinga vagari vomuKitironi, kana vagari vomuNaharori. Asi vaKanani vakagara mukati mavo vokwaZebhuruni vakavabatisa chibharo. VokwaAsheri havanawo kudzinga vagari vomuAko kana vagari vomuSidhoni, kanawo vagari vomuAhirabhu, kanawo vomuAkizibhu, kana vomuHeribha kana vomuAfiki, kunyange vomuRehobhu. Asi vokwaAsheri ivava vakatogara zvavo mukati mavaKanani, vagari vomunyika iyoyo nokuti havana kuvadzinganisa. VokwaNafutari havana kudzinga vagari vomuguta iri reBhetishemeshi, kana vagari vomuBhetianati, asi vakatogara zvavo mukati mavaKanani, vagari vomunyika iyoyo. Asi ivo vagari vomuBhetishemeshi nevomuBhetianati vaibatiswa chibharo. VaAmori vakasundira vokwaDhani kunyika yamakomo nokuti havana kuvabvumidza kuburuka kubani. VaAmori vakaramba vakatsungisa mwoyo kugara kugomo reHeresi nomuAijaroni nomuShaaribhimu. Asi vemba yokwaJosefi vakavakurira vakavabatisa chibharo. Muganho wenyika yevaAmori waibvira kumupata weAkirabhimu woenda nokuSera zvichingokwira zvakangodaro.
Vatongi 1:1-36 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Joshua wakati afa, ʋana ʋaIsraeri ʋakabvunza Jehova, ʋakati: Ndianiko kwatiri unofanira kutaŋga kundorwa naʋaKanani? Jehova akati: Juda ndiye unofanira kuenda; tarirai ndakaisa nyika iyi mumaʋoko ake. Ɀino Juda akati kunaSimeoni mukuru wake: Hendei tose kumugoʋe waŋgu, tirwe naʋaKanani, neni ndigoenda newe kumugoʋe wako. Ipapo Simeoni akaenda naye. Ɀino Juda akaenda, Jehova akaisa ʋaKanani naʋaPerizi mumaʋoko ake, ʋakaʋuraya muBezeki ʋarume ʋaʋo ʋaneɀuru ɀinegumi. Ʋakawana Adoni‐bezeki muBezeki, ʋakarwa naye, ʋakaʋuraya ʋaKanani naʋaPerizi. Asi Adoni‐bezeki wakatiza; ʋakamuteʋera, ʋakamuɓata, ndokumugura magunwe ake namagunwe amakumbo ake. Ipapo Adoni‐bezeki akati: Madzimambo anamakumi manomŋe, akaŋga akagurwa magunwe awo namagunwe amakumbo awo, ainoŋga ɀokudya ɀawo pasi petafura yaŋgu; seɀandakaita ini, Mŋari wakanditsiʋa ʋo. Ʋakaenda naye Jerusarema, akafira’po. Ɀino ʋana ʋaJuda ʋakandorwa neJerusarema, ʋakarikunda, ʋakaʋaʋuraya neminondo inopinza, ʋakapisa guta nomŋoto. Pashure ʋana ʋaJuda ʋakaɓuruka ʋakandorwa naʋaKanani, ʋakaŋga ʋagere panyika yamakomo, nezasi nokumapani. Ɀino ʋaJuda ʋakandorwa naʋaKanani ʋakaŋga ʋagere Hebroni (ɀino zita reHebroni kare raiʋa Kiriati‐arba); ʋakaparadza Sheshai, naAhimani, naTarmai. Ʋakabva’po, ʋakandorwa naʋanhu ʋakaŋga ʋagere Debiri. (Ɀino zita reDebiri kare raiʋa Kiriati‐seferi). Karebi akati: Munhu unorwa neKiriati‐seferi, akarikunda, ndicamupa mukunda waŋgu Aksa, aʋe mukadzi wake. Ipapo Otnieri, mŋanakomana waKenazi, munuŋuna waKarebi, akarikunda; iye akamupa mukunda wake Aksa, akaʋa mukadzi wake. Ɀino iye wakati aciȿika kwaari, akamukurudzira kuti akumbire munda kunaɓaɓa ʋake; ɀino iye akaɓuruka pamboŋgoro yake, Karebi akati kwaari: Unoreʋeiko? Akati: Ndipei cipo; ɀamakandiisa kunyika yezasi, ndipei ʋo matsime emvura. Akamupa matsime okumsoro namatsime ezasi. Ɀino ʋana ʋomuKeni, mukarabga waMosesi, ʋakaɓuɗa paguta remicindwe, ʋakakwira pamŋe cete naʋana ʋaJuda kurenje raJuda, riri zasi kweAradi; ʋakandogara naʋanhu ʋo’ko. Juda akaenda naSimeoni mukuru wake, ʋakakunda ʋaKanani ʋakaŋga ʋagere Zefati; ʋakariparadza cose. Guta iro rikazotumidzwa Horma. ƲaJuda ndokukunda ʋo Gaza nenyika yaro neAshkeroni nenyika yaro, neEkroni nenyika yaro. Jehova akaʋa naJuda akadziŋga ʋanhu ʋakaŋga ʋagere panyika yamakomo; asi wakaŋga asiŋgagoni kudziŋga ʋakaŋga ʋagere mumupata, nokuti iʋo ʋakaŋga ʋaneŋgoro dzamatare. Ʋakapa Karebi Hebroni seɀakaŋga ɀataurwa naMosesi, akadziŋga’po ʋana ʋaAnaki ʋatatu. Asi ʋana ʋaBenjamini haʋana‐kudziŋga ʋaJebusi ʋakaŋga ʋagere Jerusarema; asi ʋaJebusi ʋakagara Jerusarema pamŋe cete naʋana ʋaBenjamini kuȿikira nhasi. Ʋeimba yaJosefa naiʋo ʋakakwira ʋakandorwa neBeti‐eri, Jehova akaʋa naʋo. Ʋeimba yaJosefa ʋakandoshora Beti‐eri. (Ɀino zita reguta iri pakutaŋga raiʋa Ruzi.) Nharirire dzikaʋona munhu aciɓuɗa muguta, dzikati kwaari: Ƌotiratidza hako panopindwa napo paguta, tigokuitira ɀakanaka. Akaʋaratidza panopindwa napo paguta, ʋakakunda guta neminondo inopinza; asi ʋakatendera munhu uyo nemhuri yake yose kuenda hake. Ɀino munhu uyo akaenda kunyika yaʋaHeti, akandoʋaka guta rake, akaritumidza zita rinonzi Ruzi; ndiro zita raro kuȿikira nhasi. Manase haana‐kudziŋga ʋanhu ʋakaŋga ʋagere Beti‐sheani, nemisha yaro, kana ʋeTaanaki, nemisha yaro, kana ʋakaŋga ʋagere Dori, nemisha yaro, kana ʋakaŋga ʋagere Ibreami, nemisha yaro, kana ʋakaŋga ʋagere Megido, nemisha yaro; asi ʋaKanani ʋakaramba ʋaciɗa kugara panyika iyo. Ɀino ʋaIsraeri ʋakati ʋasimba, ʋakaɓatisa ʋaKanani ɓasa recibaro, haʋana‐kuʋadziŋga cose. Efraimi haana‐kudziŋga ʋaKanani ʋakaŋga ʋagere Gezeri; asi ʋaKanani ʋakagara Gezeri pakati paʋo. Zeburuni haana‐kudziŋga ʋanhu ʋakaŋga ʋagere Kitroni, kana ʋakaŋga ʋagere Naharori; asi ʋaKanani ʋakagara pakati paʋo, ʋakaʋa ʋaɓati ʋecibaro. Asheri haana‐kudziŋga ʋanhu ʋakaŋga ʋagere Ako, kana ʋakaŋga ʋagere Zidoni, kana Akrabi, kana Aksibi, kana Herba, kana Afiki, kana Rehobi; asi ʋaAsheri ʋakagara pakati paʋaKanani, ʋakaŋga ʋagere munyika iyo; nokuti haʋana‐kuʋadziŋga. Naftari haana‐kudziŋga ʋanhu ʋakaŋga ʋagere Beti‐shemeshi, kana ʋakaŋga ʋagere Beti‐anati; asi ʋakagara pakati paʋaKanani, ʋakaŋga ʋagere panyika iyo; asi ʋakaŋga ʋagere Beti‐shemeshi neBeti‐anati ʋakaʋa ʋaɓati ʋecibaro. ƲaAmori ʋakasundira ʋana ʋaDani kunyika yamakomo, nokuti haʋana‐kuʋatendera kuɓurukira kumupata; asi ʋaAmori ʋakaramba ʋaciɗa kugara mugomo reHeresi, muAjaroni nomuShaarbimi; kunyaŋge ɀakaɗaro ruʋoko rwaʋeimba yaJosefa rwakakunda, ʋakaʋa ʋaɓati ʋecibaro. Muganho waʋaAmori wakabva pamukwidzwa weAkrabimi, kubva paɗombo, ucikwira.
Vatongi 1:1-36 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)