Ɀino Joshua wakati afa, ʋana ʋaIsraeri ʋakabvunza Jehova, ʋakati: Ndianiko kwatiri unofanira kutaŋga kundorwa naʋaKanani? Jehova akati: Juda ndiye unofanira kuenda; tarirai ndakaisa nyika iyi mumaʋoko ake. Ɀino Juda akati kunaSimeoni mukuru wake: Hendei tose kumugoʋe waŋgu, tirwe naʋaKanani, neni ndigoenda newe kumugoʋe wako. Ipapo Simeoni akaenda naye. Ɀino Juda akaenda, Jehova akaisa ʋaKanani naʋaPerizi mumaʋoko ake, ʋakaʋuraya muBezeki ʋarume ʋaʋo ʋaneɀuru ɀinegumi. Ʋakawana Adoni‐bezeki muBezeki, ʋakarwa naye, ʋakaʋuraya ʋaKanani naʋaPerizi. Asi Adoni‐bezeki wakatiza; ʋakamuteʋera, ʋakamuɓata, ndokumugura magunwe ake namagunwe amakumbo ake. Ipapo Adoni‐bezeki akati: Madzimambo anamakumi manomŋe, akaŋga akagurwa magunwe awo namagunwe amakumbo awo, ainoŋga ɀokudya ɀawo pasi petafura yaŋgu; seɀandakaita ini, Mŋari wakanditsiʋa ʋo. Ʋakaenda naye Jerusarema, akafira’po.
Ɀino ʋana ʋaJuda ʋakandorwa neJerusarema, ʋakarikunda, ʋakaʋaʋuraya neminondo inopinza, ʋakapisa guta nomŋoto. Pashure ʋana ʋaJuda ʋakaɓuruka ʋakandorwa naʋaKanani, ʋakaŋga ʋagere panyika yamakomo, nezasi nokumapani. Ɀino ʋaJuda ʋakandorwa naʋaKanani ʋakaŋga ʋagere Hebroni (ɀino zita reHebroni kare raiʋa Kiriati‐arba); ʋakaparadza Sheshai, naAhimani, naTarmai. Ʋakabva’po, ʋakandorwa naʋanhu ʋakaŋga ʋagere Debiri. (Ɀino zita reDebiri kare raiʋa Kiriati‐seferi). Karebi akati: Munhu unorwa neKiriati‐seferi, akarikunda, ndicamupa mukunda waŋgu Aksa, aʋe mukadzi wake. Ipapo Otnieri, mŋanakomana waKenazi, munuŋuna waKarebi, akarikunda; iye akamupa mukunda wake Aksa, akaʋa mukadzi wake. Ɀino iye wakati aciȿika kwaari, akamukurudzira kuti akumbire munda kunaɓaɓa ʋake; ɀino iye akaɓuruka pamboŋgoro yake, Karebi akati kwaari: Unoreʋeiko? Akati: Ndipei cipo; ɀamakandiisa kunyika yezasi, ndipei ʋo matsime emvura. Akamupa matsime okumsoro namatsime ezasi.
Ɀino ʋana ʋomuKeni, mukarabga waMosesi, ʋakaɓuɗa paguta remicindwe, ʋakakwira pamŋe cete naʋana ʋaJuda kurenje raJuda, riri zasi kweAradi; ʋakandogara naʋanhu ʋo’ko. Juda akaenda naSimeoni mukuru wake, ʋakakunda ʋaKanani ʋakaŋga ʋagere Zefati; ʋakariparadza cose. Guta iro rikazotumidzwa Horma. ƲaJuda ndokukunda ʋo Gaza nenyika yaro neAshkeroni nenyika yaro, neEkroni nenyika yaro. Jehova akaʋa naJuda akadziŋga ʋanhu ʋakaŋga ʋagere panyika yamakomo; asi wakaŋga asiŋgagoni kudziŋga ʋakaŋga ʋagere mumupata, nokuti iʋo ʋakaŋga ʋaneŋgoro dzamatare. Ʋakapa Karebi Hebroni seɀakaŋga ɀataurwa naMosesi, akadziŋga’po ʋana ʋaAnaki ʋatatu. Asi ʋana ʋaBenjamini haʋana‐kudziŋga ʋaJebusi ʋakaŋga ʋagere Jerusarema; asi ʋaJebusi ʋakagara Jerusarema pamŋe cete naʋana ʋaBenjamini kuȿikira nhasi.
Ʋeimba yaJosefa naiʋo ʋakakwira ʋakandorwa neBeti‐eri, Jehova akaʋa naʋo. Ʋeimba yaJosefa ʋakandoshora Beti‐eri. (Ɀino zita reguta iri pakutaŋga raiʋa Ruzi.) Nharirire dzikaʋona munhu aciɓuɗa muguta, dzikati kwaari: Ƌotiratidza hako panopindwa napo paguta, tigokuitira ɀakanaka. Akaʋaratidza panopindwa napo paguta, ʋakakunda guta neminondo inopinza; asi ʋakatendera munhu uyo nemhuri yake yose kuenda hake. Ɀino munhu uyo akaenda kunyika yaʋaHeti, akandoʋaka guta rake, akaritumidza zita rinonzi Ruzi; ndiro zita raro kuȿikira nhasi.
Manase haana‐kudziŋga ʋanhu ʋakaŋga ʋagere Beti‐sheani, nemisha yaro, kana ʋeTaanaki, nemisha yaro, kana ʋakaŋga ʋagere Dori, nemisha yaro, kana ʋakaŋga ʋagere Ibreami, nemisha yaro, kana ʋakaŋga ʋagere Megido, nemisha yaro; asi ʋaKanani ʋakaramba ʋaciɗa kugara panyika iyo. Ɀino ʋaIsraeri ʋakati ʋasimba, ʋakaɓatisa ʋaKanani ɓasa recibaro, haʋana‐kuʋadziŋga cose.
Efraimi haana‐kudziŋga ʋaKanani ʋakaŋga ʋagere Gezeri; asi ʋaKanani ʋakagara Gezeri pakati paʋo.
Zeburuni haana‐kudziŋga ʋanhu ʋakaŋga ʋagere Kitroni, kana ʋakaŋga ʋagere Naharori; asi ʋaKanani ʋakagara pakati paʋo, ʋakaʋa ʋaɓati ʋecibaro.
Asheri haana‐kudziŋga ʋanhu ʋakaŋga ʋagere Ako, kana ʋakaŋga ʋagere Zidoni, kana Akrabi, kana Aksibi, kana Herba, kana Afiki, kana Rehobi; asi ʋaAsheri ʋakagara pakati paʋaKanani, ʋakaŋga ʋagere munyika iyo; nokuti haʋana‐kuʋadziŋga.
Naftari haana‐kudziŋga ʋanhu ʋakaŋga ʋagere Beti‐shemeshi, kana ʋakaŋga ʋagere Beti‐anati; asi ʋakagara pakati paʋaKanani, ʋakaŋga ʋagere panyika iyo; asi ʋakaŋga ʋagere Beti‐shemeshi neBeti‐anati ʋakaʋa ʋaɓati ʋecibaro.
ƲaAmori ʋakasundira ʋana ʋaDani kunyika yamakomo, nokuti haʋana‐kuʋatendera kuɓurukira kumupata; asi ʋaAmori ʋakaramba ʋaciɗa kugara mugomo reHeresi, muAjaroni nomuShaarbimi; kunyaŋge ɀakaɗaro ruʋoko rwaʋeimba yaJosefa rwakakunda, ʋakaʋa ʋaɓati ʋecibaro. Muganho waʋaAmori wakabva pamukwidzwa weAkrabimi, kubva paɗombo, ucikwira.