Pakati penyu pane ari kutambudzika here? Ngaanamate. Pane ari kufara here? Ngaaimbe nziyo dzokurumbidza. Pane anorwara here pakati penyu. Ngaadaidze vakuru vakuru vesangano vazomunamatira vachimuzora mafuta muzita raTenzi. Munamato uyu wechitendero uchaponesa murwere. Tenzi achamumutsa uye kana akapara zvitadzo acharegererwa. Naizvozvo reururai zvitadzo zvenyu mumwe kunomumwe muchinamatirana kuti muporeswe. Munamato womunhu akarurama une simba pakushanda kwawo. Eriya akanga ari munhu akangoitawo sesu pamuzvarirwo wake. Akanamata nomwoyo wose kuti kurege kunaya. Kwamakorewo matatu nemwedzi mitanhatu hakuna kunaya panyika. Akazonamatazve, denga rikanaya mvura, nyika ikabereka muchero wayo. Hama dzangu pakati penyu mumwe akatsauka pachokwadi, mumwewo akamudzora, iyeyo ngaazive kuti ani nani anodzora mutadzi mukurasika kwake gwara achaponesa mweya wake kurufu uye zvitadzo zvizhinji zvichafukidzwa.
Verenga chikamu Jemusi 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jemusi 5:13-20
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo