Kunomumwe anotambudzika pakati penyu here? Ngaanyengetere. Kuno mumwe anofara here? Ngaaimbe nziyo. Kuno mumwe anorwara pakati penyu here? Ngaadane vakuru vekereke; ngavamunyengeterere, vamuzodze namafuta nezita raIshe. Kunyengetera kwokutenda kuchaponesa anorwara, Ishe achamumutsa; kana akaita zvivi achazviregererwa. Naizvozvo reururanai zvivi zvenyu, munyengetererane kuti muporeswe. Kukumbira kwomunhu akarurama kune simba guru pakubata kwako. Eria akanga ari munhu akaita sesu, akanyengetera nomunyengetero kuti mvura irege kunaya; ikasanaya panyika makore matatu nemwedzi mitanhatu. Akanyengeterazve; denga rikanisa mvura, nyika ikabereka zvibereko zvayo. Hama dzangu, kana kuno munhu pakati penyu akatsauka pazvokwadi, mumwe akamudzora, ngaazive kuti anodzora mutadzi panzira yokutsauka kwake, uchaponesa mweya parufu nokufukidza zvivi zvizhinji.
Verenga chikamu Jakobho 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jakobho 5:13-20
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo