Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 66:1-24

Isaya 66:1-24 SCLB

Zvanzi naTenzi, “Denga ndiro chigaro changu choushe, nyika iri iyo pokuisa tsoka dzangu. Imba yorudzii yamungandivakire, inzvimboi inganzi ndeyangu yokuzororera? Zvose izvozvi ndini ndakazviita noruoko rwangu? Ipapo zvose izvi ndezvangu ndizvo zviri kutaura Tenzi, asi munhu wandinocheuka munhu akadai izvi: munhu anozvidukupisa ane mwoyo wokutendeuka anodedera izwi rangu. “Zvavakati kuuraya mombe kwakafanana nokuuraya munhu kana kuti anoita hwai chipiro zvakafanana nokutyora imbwa mutsipa kana anopira mupiro wembwesanwa akafanana neanopira ropa renguruve uye kuti munhu anopira mupiro wokuyeuka worusenzi akafanana neanoremekedza chifananidzo chokunamata, vanhu vakadai vanoita zvomusoro wavo vanofarira zvinhu zvavo izvozvo zvinosemesa. Ini ndichavasarudzirawo nhamo ndichivaunzira zvavanenge vachitya nokuti ndakadaidza asi hapana akadavira. Ndakataura asi hapana akateerera asi vakatoita zvakaipa zvandisingamboda vachizvisarudzira zvinhu zvandisingadi.” Chimbonzwai zviri kutaurwa naTenzi imi munodedera izwi rake: “Hama dzenyu dzinokuvengai, dzinokudzingai pamusana pezita rangu vakataura vachiti, ‘Regai iye Tenzi arumbidzwe, tione kufara kwenyu ikoko!’ Asi ivo ndivo vachanyadziswa. Hero bongozozo richibva muguta, izwi riri kubva kuTemberi, izwi raTenzi, ari kuranga vavengi vake achivatsividza. “Asati amborwadzwa zvake nepamuviri mukadzi akasununguka mwana, asati abatwa nemarwadzo emimba akasununguka mwana mukomana. Ndiani chaizvo ati ambonzwa chinhu chakadaro ndiani ati amboona zvakadaro. Nyika ingaberekwe nomusi mumwechete here? Rudzi rwavanhu rungabva rwaberekwa nenguva isipi here? Ndinodaro nokuti guta reZioni parakangoti rwadzwei nemimba rakabva rasununguka vana varo vakomana. Ko ndingasvitse munhu panguva yokuti apone mwana ndigorega kuti asununguke here? Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Ko ini ndinoita kuti vanhu vabereke vana, ndini ndingazodzivisa here kuti pamuviri pasunungukwe?” Ndizvo zviri kutaura Mwari wako. Pamberi nokufara neguta reJerusaremu muchirifarira imi mose munorida. Farai naro muchipembera nokufara imi mose munorichema. Kuti muyamwe zvenyu muchiguta pamazamu aro anonyaradza, kuti munyatsoyamwa muchinakirwa noupfumi hwakawanda hwomukurumbira waro. Chiripo ndechokuti zvanzi naTenzi, “Teererai munzwe, ndichaita kuti upfumi rugare ruerere kwariri serwizi, upfumi hwavamarudzi huchiita sorukova rwakafashukira kuzara. Muchayamwa zvenyu makaita zvokutakurwa parutivi paro muchivarayidzwa muri pamakumbo paro. Semwana ari kunyaradzwa naamai vake ndokunyaradza kwandichakuitawo imi. Muchanyaradzwa muri muJerusaremu. Muchatozvionerawo moga mugofara mumwoyo, muchinyatsokura zvakanaka muviri kuita souswa. Ndopazvichazikanwa kuti simba reruoko rwaTenzi riri pavaranda vake, asi akashatirirwa kwazvo vavengi vake.” Chinzwai, ndinodaro nokuti, Tenzi achauya ari mumoto, ngoro dzake dzehondo dzichinge dutu remhepo, kuzotsiva nehasha achiranga namarimi omoto nokuti Tenzi achatonga nomoto nebakatwa rehondo yake richawira vanhu vose zvavo panyika, vachaurayiwa naTenzi vachange vakawanda. “Vanozviita vatsvene navanozvichenura kuti vaende mumapindu vachiteveredzana nomumwe ari pakati vachidya nyama yenguruve nezvinhu zvakaipa zvisingadiwe naMwari nembeva, vachapera pamwechete ndizvo zviri kutaura Tenzi. “Ndinodaro nokuti, ndinoziva mabasa avo netwavanofunga. Ndiri kuuya kuzounganidza ndudzi dzose dzavanhu nendimi dzose zvadzo vachasvikoona mbiri yangu. Ndichaisa mucherechedzo pakati pavo, ndichatora mukati mavo imomo chitsama chavanhu chichapunyuka rufu ndigochitumira kudzindudzi, kuTashishi nokuPuru nokuRudhi vanokunga uta. Ndichavatumirawo kuTubharu nokuJavhani nokunyika dzokumahombekombe kwegungwa kure uko kusina kumbonzwika mukurumbira wangu kana kuonekwa mbiri yangu. Vachadhumhisa mbiri yangu mukati mendudzi dzavanhu. Ivo vachauya nehama dzenyu dzose vachibva nadzo kundudzi dzose dzavanhu somupiro kuna Tenzi vari pamabhiza nomungoro dzehondo nomungoro dzine tutenga napamanyurusi nepanghamera dzinomhanya kwazvo vakananga kugomo rangu rinoera, Jerusaremu, ndizvo zviri kutaura Tenzi, vachiita sokuuya kunoita vaIsiraeri nomupiro wembesanwa uri mumudziyo wakachena kumba kwaTenzi. Vamwewo vavo ndichavaita vapristi vamwe ndichivaita vaRevhi, ndizvo zviri kutaura Tenzi. “Ndinodaro nokuti sezvazvichangoita kuti denga idzva nenyika itsva zvandichasika zvicharamba zviri pandiri. Ndizvo zviri kutaura Tenzi, ndozvichangoitawo zvizvarwa zvenyu nezita renyu zvicharamba zvichingovapo.” “Kubvira pakugara kwomwedzi kusvikira panozogarawo mumwe mwedzi, uye kubvira paSabata kusvikira pane rimwe Sabata, munhu wose zvake achange achiuya kuzondigwadamira,” ndizvo zviri kutaura Tenzi. “Vachabudamo zvavo vachindoona zvitunha zvevanhu vakandipandukira nokuti honye dzavo hadzizofi, moto wavo uchange usingadzimi. Vachange vari chinhu chinosemesa kwazvo kumunhu wese zvake.”

Verenga chikamu Isaya 66