Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 66:1-24

Isaya 66:1-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvanzi naJehovha: “Denga ndicho chigaro changu, uye nyika chitsiko chetsoka dzangu. Ko, iripi imba yamungandivakira? Nzvimbo yangu yokuzorora ichava kupiko? Haruzi ruoko rwangu rwakaita izvozvi zvose here, nokudaro zvikavapo?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Munhu akadai ndiye wandichakudza: iye anozvininipisa uye ane mweya wakapwanyika, uye anodedera paanonzwa shoko rangu. Asi ani naani anobayira hando akafanana nouyo anouraya munhu, uye anobayira gwayana, anofanana nouyo anovhuna mutsipa wembwa; ani naani anoita chipiriso chezviyo anofanana nomunhu anopa ropa renguruve, uye ani naani anopisira zvinonhuhwira zvokurangaridza, anofanana nounonamata chifananidzo. Vakasarudza nzira dzavo, uye mweya yavo inofarira zvinonyangadza zvavo; naizvozvo neniwo ndichavasarudzira kuranga kuchavaomera, uye ndichauyisa pamusoro pavo izvo zvavanotya. Nokuti pandakadana, hapana akapindura, pandakataura, hapana akateerera. Vakaita zvakaipa pamberi pangu vakasarudza zvisingandifadzi.” Inzwai shoko raJehovha, imi munodedera pamunonzwa shoko rake: “Hama dzenyu dzinokuvengai, uye dzinokutsaurai nokuda kwezita rangu, dzakati, ‘Jehovha ngaaratidze kukudzwa kwake, kuti tione mufaro wenyu!’ Asi ivo vachanyadziswa. Inzwai maungira ebope anobva muguta, inzwai mheremhere inobva mutemberi! Ndiwo maungira aJehovha achiripira vavengi vake zvose zvakavakodzera. “Asati arwadziwa nemimba, anosununguka; kurwadza kusati kwauya pamusoro pake, anosununguka mwanakomana. Ndiani akambonzwa chinhu chakadai? Ndiani akamboona zvinhu zvakadai? Ko, nyika ingazvarwa pazuva rimwe here kana rudzi rungazvarwa pakarepo here? Kunyange zvakadaro, Zioni rakangoti kurwadziwa, pakarepo ndokubereka vana varo. Ndingasvitsa panguva yokubereka ndikasaberekesa here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, ndinozarira chizvaro pandinoberekesa here?” ndizvo zvinotaura Mwari wenyu. “Pemberai pamwe chete neJerusarema uye mufarisise nokuda kwaro, imi mose munorida; farisisai pamwe chete naro, imi mose munochema pamusoro paro. Nokuti muchanwa mukaguta pamazamu ake anonyaradza; muchanwa zvikuru kwazvo uye muchafadzwa nezvakawanda zvake zvinopfachukira.” Nokuti zvanzi naJehovha: “Ndichawedzera rugare kwaari sorwizi, uye upfumi hwendudzi sokudira kworukova; muchayamwa uye muchatakurwa paruoko rwake, uye muchavaraidzwa pamabvi ake. Samai vanonyaradza mwana wavo, saizvozvo ndichakunyaradzai; uye muchanyaradzwa pamusoro peJerusarema.” Pamuchaona izvozvo, mwoyo wenyu uchafara, uye muchaita bumhudza sebundo; ruoko rwaJehovha rucharatidzwa kuvaranda vake, asi hasha dzake dzicharatidzwa kuvavengi vake. Tarirai, Jehovha ari kuuya nomoto, uye ngoro dzake dzakaita sechamupupuri; achaburutsa kutsamwa kwake nehasha huru, uye kutuka kwake nomurazvo womoto. Nokuti nomoto uye nomunondo wake Jehovha achatonga vanhu vose, uye vazhinji vachava vaya vanourayiwa naJehovha. “Vaya vanozvinatsa nokuzvichenesa kuti vaende mumapindu, vachitevera munhu ari pakati paavo vanodya nyama yenguruve nembeva uye nezvimwe zvinhu zvinonyangadza, magumo avo achava mamwe chete,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Nokuti ini nokuda kwamabasa avo nepfungwa dzavo, ndiri kuuya kuzounganidza marudzi ose nendimi dzose; vachauya uye vachaona kubwinya kwangu. “Ndichaisa chiratidzo pakati pavo, uye ndichatumira vamwe vavakapunyuka kundudzi, kuTashishi, nokuvaRibhiya navaRidhia (vane mbiri yokuwembura uta), nokuTubhari nokuGirisi, nokuzviwi zviri kure zvisina kumbonzwa nezvembiri yangu kana kuona kubwinya kwangu. Vachaparidza kubwinya kwangu pakati pendudzi. Uye vachauyisa hama dzenyu dzose, kubva kundudzi dzose, kugomo rangu dzvene muJerusarema, sechipo kuna Jehovha, pamusoro pamabhiza, nomungoro uye mungoro dzina matenga, napamanyurusi uye napangamera,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Vachazviuyisa, savaIsraeri vanouyisa zvipiriso zvavo zvezviyo, kutemberi yaJehovha mumidziyo yakacheneswa. Ipapo ndichasarudza vamwe vavo kuti vave vaprista navaRevhi,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Nokuti sezvakaita matenga matsva nenyika itsva zvandinoita zvichazogara pamberi pangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “saizvozvo zita renyu nezvizvarwa zvenyu zvichagara. Kubva paKugara kwoMwedzi kusvikira kuno mumwe, uye kubva paSabata rimwe kusvikira kune rimwe, marudzi ose achauya kuzokotama pamberi pangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Vachabudapo vachindotarira zvitunha zvaavo vaindimukira; honye yavo haizofi, moto wavo haungadzimwi, uye vachasemesa vanhu vose.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 66

Isaya 66:1-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvanzi naJehovha, “Kudenga ndicho chigaro changu choushe, nyika ndicho chitsiko chetsoka dzangu; mungandivakira imba yakadiniko? Ndeipiko nzvimbo pandingazorora? Nokuti zvinhu izvi zvose zvakaitwa noruoko rwangu, izvi zvinhu zvose zvakaitwa kudaro ndizvo zvinotaura Jehovha; asi ndicharangarira munhu uyu, iye murombo anomweya wakaputsika, anodedera neshoko rangu. “Anouraya nzombe wakaita soanouraya munhu, anobayira gwayana soanovhuna mutsipa wembwa, anouya nechipiriso choupfu soanouya neropa renguruve, anopisira zvinonhuwira soanotenda chifananidzo. Zvirokwazvo, vakazvisanangurira nzira dzavo, mweya wavo unofarira zvinonyangadza zvavo. Neniwo ndichasanangura zvinovadadira, ndichawisira pamusoro pavo izvo zvavanotya; nokuti panguva yandakadana, hakuna akapindura, panguva yandakataura, havana kunzwa, asi vakaita zvakaipa pamberi pangu, vakasanangura zvakanga zvisingandifadzi.” Inzwai shoko raJehovha, imi munodedera neshoko rake, “Hama dzenyu, dzinokuvengai, dzakakudzingai nokuda kwezita rangu, dzakati, ‘Jehovha ngaaratidze umambo hwake, kuti tione mufaro wenyu; asi ndidzo dzichanyadziswa.’ Inzwai mheremhere iri muguta, mheremhere inobva kutemberi, izwi raJehovha rinotsiva vavengi vake. “Akapona asati arwadziwa, akabereka mwanakomana kurwadziwa kwake kusati kwasvika. “Ndianiko akambonzwa chinhu chakadai? Ndiani akamboona zvinhu zvakadai? Nyika ingaberekwe nezuva rimwe here? Rudzi rwavanhu rungazvarwe pakarepo? Nokuti Zioni rakangoti kurwadziwa, ndokubereka vana varo. Zvanzi naJehovha, ‘Ndingasvitsa pakubereka, ndikasaberekesa here? Ini, ndinoberekesa, ndingazarira chizvaro here?’ Ndizvo zvinotaura Mwari wako. “Farai pamwechete neJerusaremu, mufare pamusoro paro, imi mose munorida; farai nomufaro mukuru naro, imi mose munorichema; kuti munwe, mugute namazamu okunyaradzwa kwaro; kuti muyamwe, mufadzwe nokuwanda kwembiri yaro. Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, ndicharitambanudzira rugare rwakaita sorwizi, nepfuma yamarudzi avanhu sorwizi runofema kunze; imi muchayamwa, muchaberekwa pahudyu, muchavaraidzwa pamabvi.’ “Somunhu anovaraidzwa namai vake, saizvozvo ndichakuvaraidzai; muchavaraidzwa paJerusaremu. Muchazviona, mwoyo wenyu uchafara, namapfupa enyu achamera sebumhudza; ruoko rwaJehovha ruchazikanwa kuna varanda vake, asi achava nehasha navavengi vake.” Nokuti tarirai, Jehovha achauya nomoto, ngoro dzake dzichafanana nechamupupuri; kuti aratidze kutsamwa kwake noukasha, nokutuka kwake nemirazvo yomoto. Nokuti Jehovha achatonga vanhu vose nomoto uye nomunondo wake; vakaurawa naJehovha vachava vazhinji. Vanozviita vatsvene navanozvinatsa kuti vaende kuminda, vachitevera mumwe uri pakati, vachidya nyama yenguruve, nechinonyangadza, nembeva, ivavo vachapera vose ndizvo zvinotaura Jehovha. Nokuti ndinoziva mabasa avo nendangariro dzavo; nguva inosvika yandichaunganidza marudzi ose namarimi ose, vachauya vachiona kubwinya kwangu. Ndichaisa chiratidzo pakati pavo, vanopukunyuka kwavari ndichavatumira kuna mamwe marudzi, kuna veTarishishi, nePuri, neRudhi, vanopfura nouta, kuna veTubhari neJavhani, kuzvivi zviri kure, zvisina kumbonzwa mbiri yangu, kana kuona kubwinya kwangu pakati pamarudzi. Vachauyisa hama dzenyu dzose dzichibva kumarudzi ose, chive chipo kuna Jehovha, vakatasva mabhiza, vari mungoro, nomungoro dzinamatenga, vakatasva mahesera, namangamera, vachiuya kugomo rangu dzvene Jerusaremu, sezvinoitwa navana vaIsiraeri kana vachiuya nezvipo zvavo mumudziyo wakanaka mumba maJehovha ndizvo zvinotaura Jehovha. Ndichatorawo vamwe vavo vave vapristi navaRevhi ndizvo zvinotaura Jehovha. Nokuti denga idzva nenyika itsva, zvandichaita sezvichagara zviripo pamberi pangu, saizvozvo rudzi rwako nezita rako zvichagara zviripo ndizvo zvinotaura Jehovha. Zvino panguva iyo vanhu vose vachauya kuzonamata pamberi pangu, pakugara kwomwedzi mumwe nomumwe, napaSabata imwe neimwe ndizvo zvinotaura Jehovha. Vachabudapo vachindotarira zvitunha zvavanhu vakandidarikira; nokuti honye yavo haingafi, uye moto wavo haungadzimwi; vachava chinhu chinosemwa nevanhu vose.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 66

Isaya 66:1-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Zvanzi naTenzi, “Denga ndiro chigaro changu choushe, nyika iri iyo pokuisa tsoka dzangu. Imba yorudzii yamungandivakire, inzvimboi inganzi ndeyangu yokuzororera? Zvose izvozvi ndini ndakazviita noruoko rwangu? Ipapo zvose izvi ndezvangu ndizvo zviri kutaura Tenzi, asi munhu wandinocheuka munhu akadai izvi: munhu anozvidukupisa ane mwoyo wokutendeuka anodedera izwi rangu. “Zvavakati kuuraya mombe kwakafanana nokuuraya munhu kana kuti anoita hwai chipiro zvakafanana nokutyora imbwa mutsipa kana anopira mupiro wembwesanwa akafanana neanopira ropa renguruve uye kuti munhu anopira mupiro wokuyeuka worusenzi akafanana neanoremekedza chifananidzo chokunamata, vanhu vakadai vanoita zvomusoro wavo vanofarira zvinhu zvavo izvozvo zvinosemesa. Ini ndichavasarudzirawo nhamo ndichivaunzira zvavanenge vachitya nokuti ndakadaidza asi hapana akadavira. Ndakataura asi hapana akateerera asi vakatoita zvakaipa zvandisingamboda vachizvisarudzira zvinhu zvandisingadi.” Chimbonzwai zviri kutaurwa naTenzi imi munodedera izwi rake: “Hama dzenyu dzinokuvengai, dzinokudzingai pamusana pezita rangu vakataura vachiti, ‘Regai iye Tenzi arumbidzwe, tione kufara kwenyu ikoko!’ Asi ivo ndivo vachanyadziswa. Hero bongozozo richibva muguta, izwi riri kubva kuTemberi, izwi raTenzi, ari kuranga vavengi vake achivatsividza. “Asati amborwadzwa zvake nepamuviri mukadzi akasununguka mwana, asati abatwa nemarwadzo emimba akasununguka mwana mukomana. Ndiani chaizvo ati ambonzwa chinhu chakadaro ndiani ati amboona zvakadaro. Nyika ingaberekwe nomusi mumwechete here? Rudzi rwavanhu rungabva rwaberekwa nenguva isipi here? Ndinodaro nokuti guta reZioni parakangoti rwadzwei nemimba rakabva rasununguka vana varo vakomana. Ko ndingasvitse munhu panguva yokuti apone mwana ndigorega kuti asununguke here? Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Ko ini ndinoita kuti vanhu vabereke vana, ndini ndingazodzivisa here kuti pamuviri pasunungukwe?” Ndizvo zviri kutaura Mwari wako. Pamberi nokufara neguta reJerusaremu muchirifarira imi mose munorida. Farai naro muchipembera nokufara imi mose munorichema. Kuti muyamwe zvenyu muchiguta pamazamu aro anonyaradza, kuti munyatsoyamwa muchinakirwa noupfumi hwakawanda hwomukurumbira waro. Chiripo ndechokuti zvanzi naTenzi, “Teererai munzwe, ndichaita kuti upfumi rugare ruerere kwariri serwizi, upfumi hwavamarudzi huchiita sorukova rwakafashukira kuzara. Muchayamwa zvenyu makaita zvokutakurwa parutivi paro muchivarayidzwa muri pamakumbo paro. Semwana ari kunyaradzwa naamai vake ndokunyaradza kwandichakuitawo imi. Muchanyaradzwa muri muJerusaremu. Muchatozvionerawo moga mugofara mumwoyo, muchinyatsokura zvakanaka muviri kuita souswa. Ndopazvichazikanwa kuti simba reruoko rwaTenzi riri pavaranda vake, asi akashatirirwa kwazvo vavengi vake.” Chinzwai, ndinodaro nokuti, Tenzi achauya ari mumoto, ngoro dzake dzehondo dzichinge dutu remhepo, kuzotsiva nehasha achiranga namarimi omoto nokuti Tenzi achatonga nomoto nebakatwa rehondo yake richawira vanhu vose zvavo panyika, vachaurayiwa naTenzi vachange vakawanda. “Vanozviita vatsvene navanozvichenura kuti vaende mumapindu vachiteveredzana nomumwe ari pakati vachidya nyama yenguruve nezvinhu zvakaipa zvisingadiwe naMwari nembeva, vachapera pamwechete ndizvo zviri kutaura Tenzi. “Ndinodaro nokuti, ndinoziva mabasa avo netwavanofunga. Ndiri kuuya kuzounganidza ndudzi dzose dzavanhu nendimi dzose zvadzo vachasvikoona mbiri yangu. Ndichaisa mucherechedzo pakati pavo, ndichatora mukati mavo imomo chitsama chavanhu chichapunyuka rufu ndigochitumira kudzindudzi, kuTashishi nokuPuru nokuRudhi vanokunga uta. Ndichavatumirawo kuTubharu nokuJavhani nokunyika dzokumahombekombe kwegungwa kure uko kusina kumbonzwika mukurumbira wangu kana kuonekwa mbiri yangu. Vachadhumhisa mbiri yangu mukati mendudzi dzavanhu. Ivo vachauya nehama dzenyu dzose vachibva nadzo kundudzi dzose dzavanhu somupiro kuna Tenzi vari pamabhiza nomungoro dzehondo nomungoro dzine tutenga napamanyurusi nepanghamera dzinomhanya kwazvo vakananga kugomo rangu rinoera, Jerusaremu, ndizvo zviri kutaura Tenzi, vachiita sokuuya kunoita vaIsiraeri nomupiro wembesanwa uri mumudziyo wakachena kumba kwaTenzi. Vamwewo vavo ndichavaita vapristi vamwe ndichivaita vaRevhi, ndizvo zviri kutaura Tenzi. “Ndinodaro nokuti sezvazvichangoita kuti denga idzva nenyika itsva zvandichasika zvicharamba zviri pandiri. Ndizvo zviri kutaura Tenzi, ndozvichangoitawo zvizvarwa zvenyu nezita renyu zvicharamba zvichingovapo.” “Kubvira pakugara kwomwedzi kusvikira panozogarawo mumwe mwedzi, uye kubvira paSabata kusvikira pane rimwe Sabata, munhu wose zvake achange achiuya kuzondigwadamira,” ndizvo zviri kutaura Tenzi. “Vachabudamo zvavo vachindoona zvitunha zvevanhu vakandipandukira nokuti honye dzavo hadzizofi, moto wavo uchange usingadzimi. Vachange vari chinhu chinosemesa kwazvo kumunhu wese zvake.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 66

Isaya 66:1-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀanzi naJehova: Kuɗeŋga ndico cigaro caŋgu coʋushe, nyika ndico citsiko cetsoka dzaŋgu; muŋgandiʋakira imba yakaɗiniko? Ndeipiko nɀimbo pandiŋgazorora? Nokuti ɀinhu iɀi ɀose ɀakaitwa noruʋoko rwaŋgu, iɀi ɀinhu ɀose ɀakaitwa kuɗaro — ndiɀo ɀinotaura Jehova; asi ndicaraŋgarira munhu uyu, iye murombo unomŋeya wakaputsika, unoɗeɗera neshoko raŋgu. Unoʋuraya nzombe wakaita sounoʋuraya munhu, unoɓayira gwaiana sounovuna mutsipa wembga, unoʋuya necipiriso coʋupfu sounoʋuya neropa reŋguruʋe, unopisira ɀinonhuwira sounotenda cifananidzo. Ɀirokwaɀo, ʋakaɀisanaŋgurira nzira dzaʋo, mŋeya waʋo unofarira ɀinonyaŋgadza ɀaʋo. Neni ʋo ndicasanaŋgura ɀinoʋaɗaɗira, ndicawisira pamsoro paʋo iɀo ɀaʋanotya; nokuti paŋguʋa yandakaɗana, hakuna‐wakapindura, paŋguʋa yandakataura, haʋana‐kunzwa, asi ʋakaita ɀakaipa pamberi paŋgu, ʋakasanaŋgura ɀakaŋga ɀisiŋgandifadzi. Inzwai shoko raJehova, imi munoɗeɗera neshoko rake: Hama dzenyu, dzinokuʋeŋgai, dzakakudziŋgai nokuɗa kwezita raŋgu, dzakati: Jehova ŋgaaratidze ʋumambo bgake, kuti tiʋone mufaro wenyu; asi ndidzo dzicanyadziswa. Inzwai mubvumo weɓope riri muguta, mubvumo unobva kutembere, mubvumo waJehova unoripidzira ʋaʋeŋgi ʋake. Wakapona asati arwadziwa, wakaɓereka mŋanakomana kurwadziwa kwake kusati kwaȿika. Ndianiko wakambonzwa cinhu cakaɗai? Ndiani wakamboʋona ɀinhu ɀakaɗai? Nyika iŋgaɓerekwa nezuʋa rimŋe here? Rudzi rwaʋanhu ruŋgaɀarwa pakarepo? Nokuti Zioni rakaŋgoti kurwadziwa, ndokuɓereka ʋana ʋaro. Ɀanzi naJehova: Ndiŋgaȿitsa pakuɓereka, ndikasaɓerekesa here? Ini, ndinoɓerekesa, ndiŋgazarira ciɀaro here? Ndiɀo ɀinotaura Mŋari wako. Farai pamŋe cete neJerusarema, mufare pamsoro paro, imi mose, munoriɗa; farai nomufaro mukuru naro, imi mose munoricema; kuti mumne, mugute namazamu okunyaradzwa kwaro; kuti mukame, mufadzwe nokuwanda kwembiri yaro. Nokuti ɀanzi naJehova: Tarirai, ndicaritambanudzira rugare rwakaita sorwizi, nefuma yamarudzi aʋanhu sorwizi runofema kunze; imi mucamna, mucaɓerekwa pahudyu, mucaʋaraidzwa pamabvi. Somunhu unoʋaraidzwa namai ʋake, saiɀoɀo ndicakuʋaraidzai; mucaʋaraidzwa paJerusarema. Mucaɀiʋona, mŋoyo wenyu ucafara, namafupa enyu acamera seɓumhudza; ruʋoko rwaJehova rucazikanwa kunaʋaranda ʋake, asi ucaʋa nehasha naʋaʋeŋgi ʋake. Nokuti tarirai, Jehova ucaʋuya nomŋoto, ŋgoro dzake dzicafanana necampupuri; kuti aratidze kutsamŋa kwake noʋukasha, nokutuka kwake nemiraɀo yomŋoto. Nokuti Jehova ucatoŋga nyama yose nomŋoto ʋuye nomunondo wake; ʋakaʋurawa naJehova ʋacaʋa ʋazhinji. Ʋanoɀiita ʋatȿene naʋanoɀinatsa kuti ʋaende kuminda, ʋaciteʋera mumŋe uri pakati, ʋacidya nyama yeŋguruʋe, necinonyaŋgadza, nembeʋa, iʋaʋo ʋacapera ʋose — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Nokuti ndinoziʋa maɓasa aʋo nendaŋgariro dzaʋo; ŋguʋa inoȿika yandicaʋuŋganidza marudzi ose namarimi ose, ʋacaʋuya ʋaciʋona kubginya kwaŋgu. Ndicaisa ciratidzo pakati paʋo, ʋanopukunyuka kwaʋari ndicaʋatumira kunamamŋe marudzi, kunaʋeTarshishi, nePuri, neRudi, ʋanofura noʋuta, kunaʋeTubari neJavani, kuɀiwi ɀiri kure, ɀisina‐kumbonzwa mbiri yaŋgu, kana kuʋona kubginya kwaŋgu; iʋo ʋacaparidza kubginya kwaŋgu pakati pamarudzi. Ʋacaʋuyisa hama dzenyu dzose dzicibva kumarudzi ose, ciʋe cipo kunaJehova, ʋakataȿa mabiza, ʋari muŋgoro, nomuŋgoro dzinamateŋga, ʋakataȿa mahesera, namakamera, ʋaciʋuya kugomo raŋgu dɀene Jerusarema, seɀinoitwa naʋana ʋaIsraeri kana ʋaciʋuya neɀipo ɀaʋo mumudziyo wakanaka mumba maJehova — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Ndicatora ʋo ʋamŋe ʋaʋo ʋaʋe ʋaprista naʋaRevi — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Nokuti ɗeŋga idɀa nenyika itȿa, ɀandicaita, seɀaɀicagara ɀiri’po pamberi paŋgu, saiɀoɀo rudzi rwako nezita rako ɀicagara ɀiri’po — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Ɀino paŋguʋa iyo nyama yose icaʋuya kuzonamata pamberi paŋgu, pakugara kwomŋedzi mumŋe nomumŋe, napasaɓata imŋe neimŋe — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Ʋacaɓuɗa’po ʋacindotarira ɀitunha ɀaʋanhu ʋakandiɗarikira; nokuti honye yaʋo haiŋgafi, ʋuye mŋoto waʋo hauŋgadzimŋi; ʋacaʋa cinhu cinosemesa nyama yose.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 66

Isaya 66:1-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)