Isaya 6
6
B: BHUKU RAIMANUERI (MWARI ANESU)
Kudaidzwa kwaIsaya naMwari kuti ave muporofita wake
1Mugore rakafa mambo Uziya, ndakaona Tenzi vakagara pachigaro choumambo, chiri pamusoro chakakwirira. Jira regemenzi rake raizvezvera pasi raizadza Temberi. 2Pamusoro pavo pakanga pakamira vatumwa vanonzi maserafimu, serafi roga roga raiva namapapiro matanhatu. Rakanga rakazvifukidza uso namapapiro maviri, namamwe maviri rakazvifukidza makumbo richibhururuka namamwe maviri. 3Aidaidzirana achiti:
“Munoera, Munoera, Munoera!
Imi Tenzi wehondo nehondo
pasi pose pazere nembiri#6:3 Mbiri yenyu: Mutsara wose uyu unogonawo kuturikirwa uchinzi, zvose zvakazadza nyika imbiri yenyu. yenyu.”#6:3 Munoera: Tarisa Zvakazarurwa 4:8.
4Ugaro hwemba iyi hwokumusuo hwakandengendeka pamusana pezwi rewainge adaidza. Imba iyoi yakazara noutsi. 5Ndakati, “Maiwe-e, maiwe-e zvangu inga ndaparara nokuti ndiri munhu ane miromo yakan'ora uye ndigere pakati pavanhu vane miromo yakan'ora nokuti ini nameso angu ndaona Mambo, Tenzi wehondo nehondo!”
6Rimwe serafi rakabhururukira kwandiri rakabata mumaoko nembato vhunze romoto rarakatora paatari. 7Rakasvikondigunzva muromo naro rikati,
“Tarisa uone wagunzwa muromo nevhunze iri
hauchisina mhosva,
chitadzo chako charegererwa.”
8“Ndakanzwa izwi raTenzi richiti,
‘Ndiani wandingatume,
ndiani angatiendere?’
Ini ndakati,
‘Ndiri pano.
Nditumei ini.’ ”
9Ivo ndokuti,
“Enda utaurire vanhu ava kuti,
‘Zvokuteereresa,#6:9 Zvokuteereresa: Tarisa Mateu 10:13–14. regaika zvenyu kuteerera,
handiti mungadaro mukazonzwisisa;
kana zvokunyatsotarisisa, regaika zvenyu kutarisa
handiti mungadaro mukazoona here.’
10“Zvino iwe chitosindimadza zvako
vanhu ivava mwoyo
utyorere zvimiti munzeve dzavo
uvapfige maziso
nokuti vangadaro vakaona nameso avo
vakanzwa nenzeve dzavo
uye vangadaro vakanzwisisa
mumwoyo mavo
vakazopindukira kwandiri ndikavaponesa.
11“Ini ndikati,
‘Kusvikira riniko nhai Tenzi?’
Ivo vakati,
‘Kusvikira maguta aparara
musisina anogaramo,
dzimba dzisisina vanhu,
nyikawo yanyatsoparara,
12Tenzi abvisa vanhu
avaendesa kurekure,
munyika mave namatunhu
mazhinji asina vanhu.
13Kunyange zvako kukasara
gumi pazana
naivo vacharoromeswa
somuti womuterebhini kana kuti muoku
une chigutsa chinosara chimire
kana warigwa.’ ”
Chigutsa ichocho ndiyo mbeu inoera.
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 6: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.