1
Isaya 6:8
Bhaibhiri Idzva rechiShona
“Ndakanzwa izwi raTenzi richiti, ‘Ndiani wandingatume, ndiani angatiendere?’ Ini ndakati, ‘Ndiri pano. Nditumei ini.’ ”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Isaya 6:3
Aidaidzirana achiti: “Munoera, Munoera, Munoera! Imi Tenzi wehondo nehondo pasi pose pazere nembiri yenyu.”
3
Isaya 6:5
Ndakati, “Maiwe-e, maiwe-e zvangu inga ndaparara nokuti ndiri munhu ane miromo yakan'ora uye ndigere pakati pavanhu vane miromo yakan'ora nokuti ini nameso angu ndaona Mambo, Tenzi wehondo nehondo!”
4
Isaya 6:1
Mugore rakafa mambo Uziya, ndakaona Tenzi vakagara pachigaro choumambo, chiri pamusoro chakakwirira. Jira regemenzi rake raizvezvera pasi raizadza Temberi.
5
Isaya 6:7
Rakasvikondigunzva muromo naro rikati, “Tarisa uone wagunzwa muromo nevhunze iri hauchisina mhosva, chitadzo chako charegererwa.”
6
Isaya 6:2
Pamusoro pavo pakanga pakamira vatumwa vanonzi maserafimu, serafi roga roga raiva namapapiro matanhatu. Rakanga rakazvifukidza uso namapapiro maviri, namamwe maviri rakazvifukidza makumbo richibhururuka namamwe maviri.
7
Isaya 6:6
Rimwe serafi rakabhururukira kwandiri rakabata mumaoko nembato vhunze romoto rarakatora paatari.
8
Isaya 6:9
Ivo ndokuti, “Enda utaurire vanhu ava kuti, ‘Zvokuteereresa, regaika zvenyu kuteerera, handiti mungadaro mukazonzwisisa; kana zvokunyatsotarisisa, regaika zvenyu kutarisa handiti mungadaro mukazoona here.’
9
Isaya 6:10
“Zvino iwe chitosindimadza zvako vanhu ivava mwoyo utyorere zvimiti munzeve dzavo uvapfige maziso nokuti vangadaro vakaona nameso avo vakanzwa nenzeve dzavo uye vangadaro vakanzwisisa mumwoyo mavo vakazopindukira kwandiri ndikavaponesa.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo