Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 57:14-21

Isaya 57:14-21 SCLB

Zvichazonzi, “Pangurai pangurai, mugadzire nzira mubvise zvose zvingapingaidze vanhu vangu munzira,” nokuti zvanzi naNyadenga iye Wokumusorosoro iye Chidzachepo ane zita rokuti Anoera, “Ndinogara kumusoro munzvimbo inoera, uye ndinogarawo navane mwoyo wakapinduka vano mwoyo wokuzvirereka kutimutsurudza mwoyo wavanozvidukupisa nokumutsurudza mwoyo yavanhu vanenge vatendeuka. Ndinodaro nokuti handicharamba ndichingovapa mhosva kana kuramba ndakangovashatirirwa, nokuti kwandiri ini ndokunobva mweya, ndini ndakasika mweya wacho unofema. Pamusana pemhosva yoruchiva rwake uyu ndakashatirwa, ndikamurova ndikafuratira ndakashatirwa. Asi iye ndopaakatoomesa gotsi achiita zvake zvomusoro wake. Ndakaona hangu kuita kwake asi ndichamuporesa ndichamutungamirira ndigomupa mubayiro wokugarika ndichiita kuti pamiromo yavanoungudza pabude mipururu yokurumbidza Zvanzi naTenzi, ‘Imi vokure nemi vapadyo, ndinokupai rugare, rugare chairwo, ndichakuporesai.’ Asi vakaipa vakaita samasaisai egungwa asingagarikike pasi; mvura yaro haigadzikani inobvundura nhope netsvina, vakaipa havana rugare,” ndizvo zviri kutaurwa naMwari wangu.

Verenga chikamu Isaya 57