Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 49:15-18

Isaya 49:15-18 SCLB

“Mudzimai angakanganwe here mwana wake achiri kuyamwa, achitadza kuva netsitsi nomwana akabva munhumbu make? Kunyange zvazvo ivava vakakanganwa asi ini handizokukanganwi. Chinzwa unzwe ndakaita zvokukutemera senyora muzvanza zvamaoko angu, tsvingo dzako dzinogara dziri mupfungwa dzangu. “Vana venyu vava kupitipidza kudzoka vaikuparadzai vava kubudidzana kuenda. Simudzai musoro mutarise kwose kwose muone kuti vari kuungana vose zvavo vachiuya kwamuri. Hezvino ndakudai ini Tenzi, ndinoti vose zvavo vachatoti pauri nyerere sezvishongo, sezvinoita muroora pamuchato kusungirira hanzu ndozvauchaita kuunganidza pauri vana vako.

Verenga chikamu Isaya 49