Zvichakuwana iwe muparadzi, iwe usina kumboparadzwa iwe woujarijari usina ani akambokuitirawo ujarijari! Paunongomira chete kuparadza unobva waparadzwa, paunongogumisa kuita ujarijari, unobva waitirwa ujarijari. Tenzi, tinzwireiwo nyasha tinotarisira kwamuri Ivai simba redu mangwanani oga oga, mutiponesewo panguva yokutambudzika. Pamusana pemaungira ebongozozo, ndudzi dzavanhu dzichiti ware kutiza pamunosumuka imi, marudzi avanhu anoita chimwanda-mwanda. Vachaunganidza zvokupamba sokuunganidzwa kunoitwa hwiza vanhu vachichirikira pazviri sokumomotera kunoita mhashu. Tenzi anokudzwa nokuti anogara kumusoro achazadza Zioni noruenzaniso noururami. Zvinodiwa zvacho achaita kuti zvivepo zvinoti: ruponeso rwakawanda noungwaru noruzivo, kutya Tenzi ndiko kunenge kuri upfumi hwake.
Verenga chikamu Isaya 33
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Isaya 33:1-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo