Une nhamo, iwe unoparadza, usina kuparadzwa umene; iwe unoita nokunyengera, asi havana kukuitira nokunyengera, iwe! Kana wapedza kuparadza, newewo uchaparadzwa, kana wapedza kuita nokunyengera, vachakuitira nokunyengera newewo. Jehovha mutinzwire tsitsi, takakumirirai; ivai ruoko rwedu mangwanani ose, noruponeso rwedu panguva yokutambudzika. Marudzi avanhu akatiza achinzwa mubvumo, marudzi akaparadzirwa imi muchisimuka. Zvakapambwa zvenyu zvichaparadzwa, sezvinoparadza gwatakwata; somumhanyire wemhashu, saizvozvo vanhu vachamhanyira kwazviri. Jehovha akakudzwa, nokuti anogara kumusoro; akazadza Zioni nokururamisira nokururama. Panguva dzako pachava nokugarika, nokuwanda kwokuponeswa, nouchenjeri nezivo; kutya Jehovha ndiyo pfuma yake.
Verenga chikamu Isaya 33
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Isaya 33:1-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo