Ndokusaka zvanzi naiye Anoera waIsiraeri “Pamusana pokuti imi muri kuramba shoko irori muchivimba nokuonesa vanhu ndondo nouipi muchibva mazendama chaizvo pazviri, naizvozvo uipi ihwohwu huchakupfukirai sezvinoita rusvingo rurefu rune mutswe, runofutunukira kunze, runoti kana rwokoromoka runobva rwati pakarepo pasi rikiti nenguva isipi, rune mupwanyikiro unenge wehari yomuumbi inenge yabhwadurirwa pasi zvine utsinye zvokuti hapana kazenga kayo kanowanika kwokutapisa moto kunyange kwokutekesa mvura mumugodhi wemvura,” nokuti zvanzi naTenzi Mwari, iye Anoera waIsiraeri, “Ruponeso rwenyu ruri mukudzokera kwenyu kwandiri nomukuzviisa kwenyu mumaoko mangu. Simba renyu riri mukunyarara nokuvimba neni,” asi imi munoramba asi chamunototaura ndechokuti, “Aiwa, nokuti tichamhanyisa kwazvo tiri pamabhiza,” Saizvozvo muchamhanya chaizvo. Uye munoti, “Tichati karakata kutasva pamabhiza emikono anoribiduka kumhanya,” saizvozvo mucharondwa navanomhanya chaizvo. Chiuru chenyu chichatiza munhu mumwechete Masoja mashanu chaiwo achaita kuti muti ware kutiza muchisara mangoita, sechimuti chemureza pamusoro pegomo, somureza pachikomo. Naizvozvo Tenzi anomirira kuti akuitirei zvakanaka. Naizvozvo anofarira kwazvo kukuitirai tsitsi nokuti Tenzi ndiMwari woruenzaniso. Vakakomborerwa zvavo vose vanomumirira.
Verenga chikamu Isaya 30
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Isaya 30:12-18
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo