Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 30:12-18

Isaya 30:12-18 SNA2002

Naizvozvo zvanzi noMutsvene waIsiraeri, “Zvamunozvidza shoko iri, muchivimba nokumanikidzwa nokunyengera, muchizvitenda izvo; naizvozvo kuipa uku kuchava kwamuri sapakakoromoka panoda kuwa, panotseyama parusvingo rwakareba, panowa kamwekamwe pakarepo. Uchaiputsa sezvinoputswa mudziyo womuumbi, uchaiputsa-putsa asine nyasha, kusvikira pachishaikwa pakati pezvimedu zvayo chaenga chokundogoka moto nacho pachoto, kana kutekesa mvura nacho patsime.” Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, Mutsvene waIsiraeri, “Pakudzoka nokuzorora ndipo panoruponeso rwenyu, pakunyarara napakutenda ndipo pachava nesimba renyu;” asi makaramba, mukati, “Kwete, tichatiza takatasva mabhiza;” saka muchatiza zvenyu; uyezve, “Tichatasva mabhiza anomhanyisa;” saka vanodzingana nemi vachamhanyisa. Vane chiuru vachatiza kana vachivambwa nomumwe; muchatiza kana muchivambwa navashanu; kusvikira masiyiwa sedanda pamusoro pegomo, somureza pamusoro pechikomo. Naizvozvo Jehovha achambomira, kuti akunzwirei tsitsi; naizvozvo achakudzwa, kuti ave nenyasha nemi, nokuti Jehovha ndiMwari wokururamisira; vakaropafadzwa vose vanomumirira.

Verenga chikamu Isaya 30