Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaHebheru 4:1-12

VaHebheru 4:1-12 SCLB

Naizvozvo, chivimbiso chokupinda muzororo rake zvachichiripo kudai, ngatichenjerei, kuti mumwe wenyu angadaro akaonekwa akundikana kupinda muzororo iri. Nokuti Shoko Rakanaka rakaparidzwa kwatiri sezvarakaitwa kwavari asi Shoko iri harina zvarakabatsira, nokuti harina kusvikowana chitendero muna ivavo vakarinzwa. Isu takatenda tinopinda muzororo iroro sokureva kwaakaita achiti, “Sokupika kwandakaita, ndakashatirwa, ndichiti havachazombopinda muzororo rangu,” kunyange zvazvo mabasa ake akapera kubvira pakuvamba kwapasi. Paripo pamwe paakataura nezvezuva rechinomwe achiti, “Zvino Mwari akazorora mabasa ake ose pamusi wechinomwe.” Pamwechetepo anotizve, “Havachazombopinda muzororo rangu.” Naizvozvo pamusana pokuti pane vamwe vachiri kukwanisa kupindamo, pagoti vaya vakaparidzirwa Shoko vasina kupinda nemhaka yokusateerera, anomisa rimwe zuva racho achitori doma kuti, “Nhasi uno,” achitaura nomuromo waDhavhidhi, iko kwapera nguva yakati rebei kudai namazwi aya akamborehwa atinodzokorora anoti, “Nhasi kana monzwa izwi rake Musazoomesa mwoyo yenyu.” Nokuti dai Joshuwa akanga avapa zororo, Mwari angadai asina kuzotaura pashure nezverimwe zuvazve. Naizvozvo kuna vanhu vaMwari kuchine zororo rokusabata basa, nokuti uyo anopinda muzororo raMwari anomira kuita mabasa ake sezvakaitwawo naMwari. Naizvozvo, ngativavarirei kupinda muzororo iroro, kuti pasave naanoputsika pamusana pokusateerera kwakaita sokuku. Shoko raMwari ibenyu uye rine simba, rinopinza kupinda bakatwa ripi neripi zvaro romuchekakose. Rinobaya zvokupinda mukati–kati chaimo richisvika pakarundana munhu nemweya wake: richisvikawo pakasangana nhengo nomwongo. Rinopatsanurawo pfungwa nezvinovavarirwa nemwoyo.

Verenga chikamu VaHebheru 4