Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaHebheru 4:1-12

VaHebheru 4:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Naizvozvo, sezvo chipikirwa chokupinda muzororo rake chichiripo, ngatichenjerei kuti kurege kuva nomumwe wenyu angatadza kusvikako. Nokuti nesuwo takanzwa vhangeri richiparidzwa kwatiri, saivo; asi shoko ravakanzwa harina kuvabatsira, nokuti ivo vakarinzwa havana kuribatanidza nokutenda. Zvino isu tinotenda tinopinda muzororo iroro, sezvakareva Mwari achiti, “Naizvozvo ndakapika mhiko mukutsamwa kwangu, kuti, ‘Havazopindi muzororo rangu.’ ” Uye kunyange zvakadaro basa rake akapedza kubva pakusikwa kwenyika. Nokuti pane imwe nzvimbo akataura mashoko aya pamusoro pezuva rechinomwe. “Zvino pazuva rechinomwe Mwari akazorora kubva pabasa rake rose.” Uyezve mundima iri pamusoro anoti, “Havazopindi muzororo rangu.” Ichokwadi kuti vamwe vachapinda muzororo iroro, uye vaya vakatanga kuparidzirwa vhangeri kare havana kupinda, nokuda kwokusateerera kwavo. Naizvozvo Mwari akaisazve rimwe zuva rinonzi Nhasi, paakataura kare kubudikidza naDhavhidhi, sezvazvakataurwa pakutanga zvichinzi: “Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake, musaomesa mwoyo yenyu.” Nokuti dai Joshua akanga avapa zororo, Mwari angadai asina kuzotaurazve nezverimwe zuva. Naizvozvo richiripo, zororo reSabata ravanhu vaMwari; nokuti ani naani anopinda muzororo raMwari anozororawo pabasa rake, sezvakaita Mwari pane rake. Naizvozvo ngatishingairirei kuti tipinde muzororo iro, kuitira kuti pashayikwe achawa nokuda kwokutevera muenzaniso wavo wokusateerera. Nokuti shoko raMwari ibenyu uye rine simba. Rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kunyange kusvikira panoparadzana mwoyo nomweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomwoyo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaHebheru 4

VaHebheru 4:1-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Naizvozvo, chipikirwa chokupinda muzororo rake zvachichipo, tinofanira kutya kuti zvimwe kurege kuva nomumwe wenyu achawanikwa asingasviki ikoko. Nokuti nesuo takaparidzirwa Vhangeri, saivo; asi shoko ravakanzwa, harina kuvabatsira, nokuti harina kuvenganiswa nokutenda kwaivo vakanzwa. Nokuti isu takatenda, tinopinda pazororo irero, sezvaakareva, achiti, “Naizvozvo ndakapika pakutsamwa kwangu, ndikati, ‘Havangapindi muzororo rangu.’ ” Kunyange mabasa ake akanga akwaniswa kubva pakuvambwa kwenyika. Nokuti paneimwe nzvimbo akataura pamusoro pezuva rechinomwe, achiti, “Mwari wakazorora nezuva rechinomwe pamabasa ake ose; napanozve; havangapindi muzororo rangu.” Naizvozvo, shoko zvarichipo kuti vamwe vachapinda pariri, uye kuti avo vakaparidzirwa Vhangeri kare havana kupinda nokusateerera kwavo, anotarazve rimwe zuva, rinonzi, “Nhasi” ndizvo zvaanotaura naDhavhidhi, nguva huru yakadai yapfuura, (sezvakwakambotaurwa kare, zvichinzi,) “Nhasi, kana muchinzwa izwi rake, Musaomesa mwoyo yenyu.” Nokuti dai Joshua akanga avapa zororo, haazaizoreva rimwe zuva pashure. Zvino zororo reSabata ravanhu vaMwari richipo. Nokuti uyo akapinda muzororo rake, akazorora iye amene pamabasa ake, saMwari pana ake. Naizvozvo ngatishingaire kuti tipinde muzororo irero, kuti munhu arege kuvapo anozowa achitevera nzira iyo yokusateerera. Nokuti shoko raMwari ibenyu, rine simba, rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kusvikira panoparadzana mwoyo nomweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomwoyo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaHebheru 4

VaHebheru 4:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Naizvozvo, chivimbiso chokupinda muzororo rake zvachichiripo kudai, ngatichenjerei, kuti mumwe wenyu angadaro akaonekwa akundikana kupinda muzororo iri. Nokuti Shoko Rakanaka rakaparidzwa kwatiri sezvarakaitwa kwavari asi Shoko iri harina zvarakabatsira, nokuti harina kusvikowana chitendero muna ivavo vakarinzwa. Isu takatenda tinopinda muzororo iroro sokureva kwaakaita achiti, “Sokupika kwandakaita, ndakashatirwa, ndichiti havachazombopinda muzororo rangu,” kunyange zvazvo mabasa ake akapera kubvira pakuvamba kwapasi. Paripo pamwe paakataura nezvezuva rechinomwe achiti, “Zvino Mwari akazorora mabasa ake ose pamusi wechinomwe.” Pamwechetepo anotizve, “Havachazombopinda muzororo rangu.” Naizvozvo pamusana pokuti pane vamwe vachiri kukwanisa kupindamo, pagoti vaya vakaparidzirwa Shoko vasina kupinda nemhaka yokusateerera, anomisa rimwe zuva racho achitori doma kuti, “Nhasi uno,” achitaura nomuromo waDhavhidhi, iko kwapera nguva yakati rebei kudai namazwi aya akamborehwa atinodzokorora anoti, “Nhasi kana monzwa izwi rake Musazoomesa mwoyo yenyu.” Nokuti dai Joshuwa akanga avapa zororo, Mwari angadai asina kuzotaura pashure nezverimwe zuvazve. Naizvozvo kuna vanhu vaMwari kuchine zororo rokusabata basa, nokuti uyo anopinda muzororo raMwari anomira kuita mabasa ake sezvakaitwawo naMwari. Naizvozvo, ngativavarirei kupinda muzororo iroro, kuti pasave naanoputsika pamusana pokusateerera kwakaita sokuku. Shoko raMwari ibenyu uye rine simba, rinopinza kupinda bakatwa ripi neripi zvaro romuchekakose. Rinobaya zvokupinda mukati–kati chaimo richisvika pakarundana munhu nemweya wake: richisvikawo pakasangana nhengo nomwongo. Rinopatsanurawo pfungwa nezvinovavarirwa nemwoyo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaHebheru 4

VaHebheru 4:1-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Naiɀoɀo, cipikirwa cokupinda muzororo rake ɀacici’po, tinofanira kutya kuti ɀimŋe kurege kuʋa nomumŋe wenyu ucawanikwa asiŋgaȿiki ikoko. Nokuti nesu ʋo takaparidzirwa Evaŋgeri, saiʋo; asi shoko raʋakanzwa, harina‐kuʋaɓatsira, nokuti harina‐kuveŋganiswa nokutenda kwaiʋo ʋakanzwa. Nokuti isu ʋakatenda, tinopinda pazororo irero, seɀaakareʋa, aciti: Naiɀoɀo ndakapika pakutsamŋa kwaŋgu, ndikati: Haʋaŋgapindi muzororo raŋgu; kunyaŋge maɓasa ake akaŋga akwaniswa kubva pakuʋambga kwenyika. Nokuti paneimŋe nɀimbo wakataura pamsoro pezuʋa recinomŋe, aciti: Mŋari wakazorora nezuʋa recinomŋe pamaɓasa ake ose; napano ɀe: Haʋaŋgapindi muzororo raŋgu. Naiɀoɀo, shoko ɀarici’po kuti ʋamŋe ʋacapinda pariri, ʋuye kuti aʋo ʋakaparidzirwa Evaŋgeri kare haʋana‐kupinda nokusaterera kwaʋo, unotara ɀe rimŋe zuʋa, rinonzi Nhasi — ndiɀo ɀaanotaura naDavidi, ŋguʋa huru yakaɗai yapfuʋura, (seɀakwakambotaurwa kare, ɀicinzi: ) Nhasi, kana mucinzwa inzwi rake, Musawomesa mŋoyo yenyu. Nokuti ɗai Joshua akaŋga aʋapa zororo, haazaizoreʋa rimŋe zuʋa pashure. Ɀino zororo resaɓata raʋanhu ʋaMŋari rici’po. Nokuti uyo wakapinda muzororo rake, wakazorora iye amene pamaɓasa ake, saMŋari panaake. Naiɀoɀo ŋgatishiŋgaire kuti tipinde muzororo irero, kuti munhu arege kuʋa’po unozowa aciteʋera nzira iyo yokusaterera. Nokuti shoko raMŋari iɓenyu, rinesimba, rinopinza kukunda munondo unoceka kumatiʋi maʋiri, rinoɓaya kuȿikira panoparadzana mŋoyo nomŋeya, namafundo nomŋoŋgo; rinotoŋga mifuŋgo nendaŋgariro dzomŋoyo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaHebheru 4

VaHebheru 4:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)