Naizvozvo, chipikirwa chokupinda muzororo rake zvachichipo, tinofanira kutya kuti zvimwe kurege kuva nomumwe wenyu achawanikwa asingasviki ikoko. Nokuti nesuo takaparidzirwa Vhangeri, saivo; asi shoko ravakanzwa, harina kuvabatsira, nokuti harina kuvenganiswa nokutenda kwaivo vakanzwa. Nokuti isu takatenda, tinopinda pazororo irero, sezvaakareva, achiti,
“Naizvozvo ndakapika pakutsamwa kwangu, ndikati,
‘Havangapindi muzororo rangu.’ ”
Kunyange mabasa ake akanga akwaniswa kubva pakuvambwa kwenyika. Nokuti paneimwe nzvimbo akataura pamusoro pezuva rechinomwe, achiti, “Mwari wakazorora nezuva rechinomwe pamabasa ake ose; napanozve; havangapindi muzororo rangu.”
Naizvozvo, shoko zvarichipo kuti vamwe vachapinda pariri, uye kuti avo vakaparidzirwa Vhangeri kare havana kupinda nokusateerera kwavo, anotarazve rimwe zuva, rinonzi, “Nhasi” ndizvo zvaanotaura naDhavhidhi, nguva huru yakadai yapfuura, (sezvakwakambotaurwa kare, zvichinzi,)
“Nhasi, kana muchinzwa izwi rake,
Musaomesa mwoyo yenyu.”
Nokuti dai Joshua akanga avapa zororo, haazaizoreva rimwe zuva pashure. Zvino zororo reSabata ravanhu vaMwari richipo. Nokuti uyo akapinda muzororo rake, akazorora iye amene pamabasa ake, saMwari pana ake. Naizvozvo ngatishingaire kuti tipinde muzororo irero, kuti munhu arege kuvapo anozowa achitevera nzira iyo yokusateerera.
Nokuti shoko raMwari ibenyu, rine simba, rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kusvikira panoparadzana mwoyo nomweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomwoyo.